Psalms 111 (BOSCB)
1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,padare ravakarurama nepagungano. 2 Mabasa aJehovha makuru;anorangarirwa navose vanofara maari. 3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;Jehovha ane nyasha nengoni. 5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;anorangarira sungano yake nokusingaperi. 6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,achivapa nyika dzedzimwe ndudzi. 7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,mitemo yake yose yakavimbika. 8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,yakaitwa mukutendeka nokururama. 9 Akapa dzikinuro kuvanhu vake;akasimbisa sungano yake nokusingaperi,zita rake idzvene uye rinotyisa. 10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.