Psalms 18 (BOSCB)

undefined Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: 1 Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu. 2 Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu;Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari.Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu. 3 Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa,uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. 4 Mabote orufu akandipinganidza;mvura zhinji inoparadza yakandifukidza. 5 Mabote eguva akandimonera;misungo yorufu yakanangana neni. 6 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe.Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. 7 Nyika yakadedera ikadengenyeka,uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika; 8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake;moto unoparadza wakabuda mumuromo make,mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta. 9 Akatsemura matenga akauya pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. 10 Akatasva makerubhi akabhururuka;akabhururuka pamapapiro emhepo. 11 Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza,iwo makore matema emvura okudenga. 12 Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba,nechimvuramabwe nokupenya kwemheni. 13 Jehovha akatinhira kudenga;inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika. 14 Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake,kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa. 15 Mipata yegungwa yakaiswa pachena,uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachenapakutuka kwenyu, imi Jehovha,nokufema kwemhino dzenyu. 16 Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora;akandibudisa pamvura zhinji yakadzika. 17 Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba,kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri. 18 Vakandinanga pazuva renjodzi yangu,asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. 19 Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana;akandinunura nokuti akanga achindifarira. 20 Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu;nokuchena kwamaoko angu. 21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu. 22 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka pazvirevo zvake. 23 Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake,uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi. 24 Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu,zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. 25 Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, 26 kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu,asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu. 27 Munoponesa vanozvininipisa,asi muchideredza vane meso anozvikudza. 28 Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta;Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza. 29 Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo;naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. 30 Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana;shoko raJehovha harina charingapomerwa.Ndiye nhooyavose vanovanda maari. 31 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? 32 NdiMwari anondishongedza nesimbauye anokwanisa nzira yangu. 33 Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo;anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. 34 Anodzidzisa maoko angu kurwa;maoko angu anowembura uta hwendarira. 35 Munondipa nhoo yenyu yokukunda,uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira;munokotama pasi kuti mundiite mukuru. 36 Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu,kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka. 37 Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata;handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa. 38 Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka;vakawira pasi petsoka dzangu. 39 Makandishongedza nesimba rokurwa;makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu. 40 Makaita kuti vavengi vangu vatize,uye ndakaparadza vavengi vangu. 41 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa,kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. 42 Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo;ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha. 43 Makandirwira pakurwisa kwavanhu;makandiita musoro wendudzi;vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu. 44 Pavanongondinzwa, vanonditeerera;vatorwa vanokotama pamberi pangu. 45 Vose vanoora mwoyo;vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera. 46 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu! 47 Ndiye Mwari anonditsivira,anoisa ndudzi pasi pangu, 48 anondiponesa pavavengi vangu.Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu.Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba. 49 Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha;ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza. 50 Anopa mambo wake kukunda kukuru;anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake,kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.

In Other Versions

Psalms 18 in the ANGEFD

Psalms 18 in the ANTPNG2D

Psalms 18 in the AS21

Psalms 18 in the BAGH

Psalms 18 in the BBPNG

Psalms 18 in the BBT1E

Psalms 18 in the BDS

Psalms 18 in the BEV

Psalms 18 in the BHAD

Psalms 18 in the BIB

Psalms 18 in the BLPT

Psalms 18 in the BNT

Psalms 18 in the BNTABOOT

Psalms 18 in the BNTLV

Psalms 18 in the BOATCB

Psalms 18 in the BOATCB2

Psalms 18 in the BOBCV

Psalms 18 in the BOCNT

Psalms 18 in the BOECS

Psalms 18 in the BOGWICC

Psalms 18 in the BOHCB

Psalms 18 in the BOHCV

Psalms 18 in the BOHLNT

Psalms 18 in the BOHNTLTAL

Psalms 18 in the BOICB

Psalms 18 in the BOILNTAP

Psalms 18 in the BOITCV

Psalms 18 in the BOKCV

Psalms 18 in the BOKCV2

Psalms 18 in the BOKHWOG

Psalms 18 in the BOKSSV

Psalms 18 in the BOLCB

Psalms 18 in the BOLCB2

Psalms 18 in the BOMCV

Psalms 18 in the BONAV

Psalms 18 in the BONCB

Psalms 18 in the BONLT

Psalms 18 in the BONUT2

Psalms 18 in the BOPLNT

Psalms 18 in the BOSNC

Psalms 18 in the BOTLNT

Psalms 18 in the BOVCB

Psalms 18 in the BOYCB

Psalms 18 in the BPBB

Psalms 18 in the BPH

Psalms 18 in the BSB

Psalms 18 in the CCB

Psalms 18 in the CUV

Psalms 18 in the CUVS

Psalms 18 in the DBT

Psalms 18 in the DGDNT

Psalms 18 in the DHNT

Psalms 18 in the DNT

Psalms 18 in the ELBE

Psalms 18 in the EMTV

Psalms 18 in the ESV

Psalms 18 in the FBV

Psalms 18 in the FEB

Psalms 18 in the GGMNT

Psalms 18 in the GNT

Psalms 18 in the HARY

Psalms 18 in the HNT

Psalms 18 in the IRVA

Psalms 18 in the IRVB

Psalms 18 in the IRVG

Psalms 18 in the IRVH

Psalms 18 in the IRVK

Psalms 18 in the IRVM

Psalms 18 in the IRVM2

Psalms 18 in the IRVO

Psalms 18 in the IRVP

Psalms 18 in the IRVT

Psalms 18 in the IRVT2

Psalms 18 in the IRVU

Psalms 18 in the ISVN

Psalms 18 in the JSNT

Psalms 18 in the KAPI

Psalms 18 in the KBT1ETNIK

Psalms 18 in the KBV

Psalms 18 in the KJV

Psalms 18 in the KNFD

Psalms 18 in the LBA

Psalms 18 in the LBLA

Psalms 18 in the LNT

Psalms 18 in the LSV

Psalms 18 in the MAAL

Psalms 18 in the MBV

Psalms 18 in the MBV2

Psalms 18 in the MHNT

Psalms 18 in the MKNFD

Psalms 18 in the MNG

Psalms 18 in the MNT

Psalms 18 in the MNT2

Psalms 18 in the MRS1T

Psalms 18 in the NAA

Psalms 18 in the NASB

Psalms 18 in the NBLA

Psalms 18 in the NBS

Psalms 18 in the NBVTP

Psalms 18 in the NET2

Psalms 18 in the NIV11

Psalms 18 in the NNT

Psalms 18 in the NNT2

Psalms 18 in the NNT3

Psalms 18 in the PDDPT

Psalms 18 in the PFNT

Psalms 18 in the RMNT

Psalms 18 in the SBIAS

Psalms 18 in the SBIBS

Psalms 18 in the SBIBS2

Psalms 18 in the SBICS

Psalms 18 in the SBIDS

Psalms 18 in the SBIGS

Psalms 18 in the SBIHS

Psalms 18 in the SBIIS

Psalms 18 in the SBIIS2

Psalms 18 in the SBIIS3

Psalms 18 in the SBIKS

Psalms 18 in the SBIKS2

Psalms 18 in the SBIMS

Psalms 18 in the SBIOS

Psalms 18 in the SBIPS

Psalms 18 in the SBISS

Psalms 18 in the SBITS

Psalms 18 in the SBITS2

Psalms 18 in the SBITS3

Psalms 18 in the SBITS4

Psalms 18 in the SBIUS

Psalms 18 in the SBIVS

Psalms 18 in the SBT

Psalms 18 in the SBT1E

Psalms 18 in the SCHL

Psalms 18 in the SNT

Psalms 18 in the SUSU

Psalms 18 in the SUSU2

Psalms 18 in the SYNO

Psalms 18 in the TBIAOTANT

Psalms 18 in the TBT1E

Psalms 18 in the TBT1E2

Psalms 18 in the TFTIP

Psalms 18 in the TFTU

Psalms 18 in the TGNTATF3T

Psalms 18 in the THAI

Psalms 18 in the TNFD

Psalms 18 in the TNT

Psalms 18 in the TNTIK

Psalms 18 in the TNTIL

Psalms 18 in the TNTIN

Psalms 18 in the TNTIP

Psalms 18 in the TNTIZ

Psalms 18 in the TOMA

Psalms 18 in the TTENT

Psalms 18 in the UBG

Psalms 18 in the UGV

Psalms 18 in the UGV2

Psalms 18 in the UGV3

Psalms 18 in the VBL

Psalms 18 in the VDCC

Psalms 18 in the YALU

Psalms 18 in the YAPE

Psalms 18 in the YBVTP

Psalms 18 in the ZBP