Psalms 47 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. 1 Uchirai maoko, imi vanhu vose;pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. 2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose! 3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,marudzi pasi petsoka dzedu. 4 Akatitsaurira nhaka yedu,iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera 5 Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,Jehovha pakati pokurira kwehwamanda. 6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. 7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;muimbirei pisarema rokurumbidza. 8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene. 9 Makurukota amarudzi aunganasavanhu vaMwari waAbhurahama,nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;iye anokudzwa zvikuru kwazvo.