Revelation 13 (BOSCB)
1 Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa. Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura. 2 Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru. 3 Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara. 4 Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?” 5 Chikara chakapiwa muromo wokutaura mashoko okuzvikudza neokumhura nokushandisa simba racho kwemwedzi makumi mana nemiviri. 6 Chakashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, uye kuti chituke zita rake nenzvimbo yake yokugara, neyaavo vanogara kudenga. 7 Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose. 8 Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika. 9 Ane nzeve, ngaanzwe. 10 Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,muutapwa achapinda hake.Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,nomunondo achaurayiwa hake.Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene. 11 Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato. 12 Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya. 13 Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona. 14 Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama. 15 Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe. 16 Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo, 17 kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho. 18 Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
In Other Versions
Revelation 13 in the ANGEFD
Revelation 13 in the ANTPNG2D
Revelation 13 in the AS21
Revelation 13 in the BAGH
Revelation 13 in the BBPNG
Revelation 13 in the BBT1E
Revelation 13 in the BDS
Revelation 13 in the BEV
Revelation 13 in the BHAD
Revelation 13 in the BIB
Revelation 13 in the BLPT
Revelation 13 in the BNT
Revelation 13 in the BNTABOOT
Revelation 13 in the BNTLV
Revelation 13 in the BOATCB
Revelation 13 in the BOATCB2
Revelation 13 in the BOBCV
Revelation 13 in the BOCNT
Revelation 13 in the BOECS
Revelation 13 in the BOGWICC
Revelation 13 in the BOHCB
Revelation 13 in the BOHCV
Revelation 13 in the BOHLNT
Revelation 13 in the BOHNTLTAL
Revelation 13 in the BOICB
Revelation 13 in the BOILNTAP
Revelation 13 in the BOITCV
Revelation 13 in the BOKCV
Revelation 13 in the BOKCV2
Revelation 13 in the BOKHWOG
Revelation 13 in the BOKSSV
Revelation 13 in the BOLCB
Revelation 13 in the BOLCB2
Revelation 13 in the BOMCV
Revelation 13 in the BONAV
Revelation 13 in the BONCB
Revelation 13 in the BONLT
Revelation 13 in the BONUT2
Revelation 13 in the BOPLNT
Revelation 13 in the BOSNC
Revelation 13 in the BOTLNT
Revelation 13 in the BOVCB
Revelation 13 in the BOYCB
Revelation 13 in the BPBB
Revelation 13 in the BPH
Revelation 13 in the BSB
Revelation 13 in the CCB
Revelation 13 in the CUV
Revelation 13 in the CUVS
Revelation 13 in the DBT
Revelation 13 in the DGDNT
Revelation 13 in the DHNT
Revelation 13 in the DNT
Revelation 13 in the ELBE
Revelation 13 in the EMTV
Revelation 13 in the ESV
Revelation 13 in the FBV
Revelation 13 in the FEB
Revelation 13 in the GGMNT
Revelation 13 in the GNT
Revelation 13 in the HARY
Revelation 13 in the HNT
Revelation 13 in the IRVA
Revelation 13 in the IRVB
Revelation 13 in the IRVG
Revelation 13 in the IRVH
Revelation 13 in the IRVK
Revelation 13 in the IRVM
Revelation 13 in the IRVM2
Revelation 13 in the IRVO
Revelation 13 in the IRVP
Revelation 13 in the IRVT
Revelation 13 in the IRVT2
Revelation 13 in the IRVU
Revelation 13 in the ISVN
Revelation 13 in the JSNT
Revelation 13 in the KAPI
Revelation 13 in the KBT1ETNIK
Revelation 13 in the KBV
Revelation 13 in the KJV
Revelation 13 in the KNFD
Revelation 13 in the LBA
Revelation 13 in the LBLA
Revelation 13 in the LNT
Revelation 13 in the LSV
Revelation 13 in the MAAL
Revelation 13 in the MBV
Revelation 13 in the MBV2
Revelation 13 in the MHNT
Revelation 13 in the MKNFD
Revelation 13 in the MNG
Revelation 13 in the MNT
Revelation 13 in the MNT2
Revelation 13 in the MRS1T
Revelation 13 in the NAA
Revelation 13 in the NASB
Revelation 13 in the NBLA
Revelation 13 in the NBS
Revelation 13 in the NBVTP
Revelation 13 in the NET2
Revelation 13 in the NIV11
Revelation 13 in the NNT
Revelation 13 in the NNT2
Revelation 13 in the NNT3
Revelation 13 in the PDDPT
Revelation 13 in the PFNT
Revelation 13 in the RMNT
Revelation 13 in the SBIAS
Revelation 13 in the SBIBS
Revelation 13 in the SBIBS2
Revelation 13 in the SBICS
Revelation 13 in the SBIDS
Revelation 13 in the SBIGS
Revelation 13 in the SBIHS
Revelation 13 in the SBIIS
Revelation 13 in the SBIIS2
Revelation 13 in the SBIIS3
Revelation 13 in the SBIKS
Revelation 13 in the SBIKS2
Revelation 13 in the SBIMS
Revelation 13 in the SBIOS
Revelation 13 in the SBIPS
Revelation 13 in the SBISS
Revelation 13 in the SBITS
Revelation 13 in the SBITS2
Revelation 13 in the SBITS3
Revelation 13 in the SBITS4
Revelation 13 in the SBIUS
Revelation 13 in the SBIVS
Revelation 13 in the SBT
Revelation 13 in the SBT1E
Revelation 13 in the SCHL
Revelation 13 in the SNT
Revelation 13 in the SUSU
Revelation 13 in the SUSU2
Revelation 13 in the SYNO
Revelation 13 in the TBIAOTANT
Revelation 13 in the TBT1E
Revelation 13 in the TBT1E2
Revelation 13 in the TFTIP
Revelation 13 in the TFTU
Revelation 13 in the TGNTATF3T
Revelation 13 in the THAI
Revelation 13 in the TNFD
Revelation 13 in the TNT
Revelation 13 in the TNTIK
Revelation 13 in the TNTIL
Revelation 13 in the TNTIN
Revelation 13 in the TNTIP
Revelation 13 in the TNTIZ
Revelation 13 in the TOMA
Revelation 13 in the TTENT
Revelation 13 in the UBG
Revelation 13 in the UGV
Revelation 13 in the UGV2
Revelation 13 in the UGV3
Revelation 13 in the VBL
Revelation 13 in the VDCC
Revelation 13 in the YALU
Revelation 13 in the YAPE
Revelation 13 in the YBVTP
Revelation 13 in the ZBP