Revelation 14 (BOSCB)

1 Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo. 2 Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira okutinhira. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo. 3 Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika. 4 Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibisa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. 5 Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa. 6 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. 7 Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.” 8 Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.” 9 Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, 10 naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. 11 Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” 12 Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu. 13 Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.”“Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.” 14 Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake. 15 Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti gohwo renyika raibva.” 16 Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, nyika ikakohwewa. 17 Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza. 18 Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.” 19 Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari. 20 Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

In Other Versions

Revelation 14 in the ANGEFD

Revelation 14 in the ANTPNG2D

Revelation 14 in the AS21

Revelation 14 in the BAGH

Revelation 14 in the BBPNG

Revelation 14 in the BBT1E

Revelation 14 in the BDS

Revelation 14 in the BEV

Revelation 14 in the BHAD

Revelation 14 in the BIB

Revelation 14 in the BLPT

Revelation 14 in the BNT

Revelation 14 in the BNTABOOT

Revelation 14 in the BNTLV

Revelation 14 in the BOATCB

Revelation 14 in the BOATCB2

Revelation 14 in the BOBCV

Revelation 14 in the BOCNT

Revelation 14 in the BOECS

Revelation 14 in the BOGWICC

Revelation 14 in the BOHCB

Revelation 14 in the BOHCV

Revelation 14 in the BOHLNT

Revelation 14 in the BOHNTLTAL

Revelation 14 in the BOICB

Revelation 14 in the BOILNTAP

Revelation 14 in the BOITCV

Revelation 14 in the BOKCV

Revelation 14 in the BOKCV2

Revelation 14 in the BOKHWOG

Revelation 14 in the BOKSSV

Revelation 14 in the BOLCB

Revelation 14 in the BOLCB2

Revelation 14 in the BOMCV

Revelation 14 in the BONAV

Revelation 14 in the BONCB

Revelation 14 in the BONLT

Revelation 14 in the BONUT2

Revelation 14 in the BOPLNT

Revelation 14 in the BOSNC

Revelation 14 in the BOTLNT

Revelation 14 in the BOVCB

Revelation 14 in the BOYCB

Revelation 14 in the BPBB

Revelation 14 in the BPH

Revelation 14 in the BSB

Revelation 14 in the CCB

Revelation 14 in the CUV

Revelation 14 in the CUVS

Revelation 14 in the DBT

Revelation 14 in the DGDNT

Revelation 14 in the DHNT

Revelation 14 in the DNT

Revelation 14 in the ELBE

Revelation 14 in the EMTV

Revelation 14 in the ESV

Revelation 14 in the FBV

Revelation 14 in the FEB

Revelation 14 in the GGMNT

Revelation 14 in the GNT

Revelation 14 in the HARY

Revelation 14 in the HNT

Revelation 14 in the IRVA

Revelation 14 in the IRVB

Revelation 14 in the IRVG

Revelation 14 in the IRVH

Revelation 14 in the IRVK

Revelation 14 in the IRVM

Revelation 14 in the IRVM2

Revelation 14 in the IRVO

Revelation 14 in the IRVP

Revelation 14 in the IRVT

Revelation 14 in the IRVT2

Revelation 14 in the IRVU

Revelation 14 in the ISVN

Revelation 14 in the JSNT

Revelation 14 in the KAPI

Revelation 14 in the KBT1ETNIK

Revelation 14 in the KBV

Revelation 14 in the KJV

Revelation 14 in the KNFD

Revelation 14 in the LBA

Revelation 14 in the LBLA

Revelation 14 in the LNT

Revelation 14 in the LSV

Revelation 14 in the MAAL

Revelation 14 in the MBV

Revelation 14 in the MBV2

Revelation 14 in the MHNT

Revelation 14 in the MKNFD

Revelation 14 in the MNG

Revelation 14 in the MNT

Revelation 14 in the MNT2

Revelation 14 in the MRS1T

Revelation 14 in the NAA

Revelation 14 in the NASB

Revelation 14 in the NBLA

Revelation 14 in the NBS

Revelation 14 in the NBVTP

Revelation 14 in the NET2

Revelation 14 in the NIV11

Revelation 14 in the NNT

Revelation 14 in the NNT2

Revelation 14 in the NNT3

Revelation 14 in the PDDPT

Revelation 14 in the PFNT

Revelation 14 in the RMNT

Revelation 14 in the SBIAS

Revelation 14 in the SBIBS

Revelation 14 in the SBIBS2

Revelation 14 in the SBICS

Revelation 14 in the SBIDS

Revelation 14 in the SBIGS

Revelation 14 in the SBIHS

Revelation 14 in the SBIIS

Revelation 14 in the SBIIS2

Revelation 14 in the SBIIS3

Revelation 14 in the SBIKS

Revelation 14 in the SBIKS2

Revelation 14 in the SBIMS

Revelation 14 in the SBIOS

Revelation 14 in the SBIPS

Revelation 14 in the SBISS

Revelation 14 in the SBITS

Revelation 14 in the SBITS2

Revelation 14 in the SBITS3

Revelation 14 in the SBITS4

Revelation 14 in the SBIUS

Revelation 14 in the SBIVS

Revelation 14 in the SBT

Revelation 14 in the SBT1E

Revelation 14 in the SCHL

Revelation 14 in the SNT

Revelation 14 in the SUSU

Revelation 14 in the SUSU2

Revelation 14 in the SYNO

Revelation 14 in the TBIAOTANT

Revelation 14 in the TBT1E

Revelation 14 in the TBT1E2

Revelation 14 in the TFTIP

Revelation 14 in the TFTU

Revelation 14 in the TGNTATF3T

Revelation 14 in the THAI

Revelation 14 in the TNFD

Revelation 14 in the TNT

Revelation 14 in the TNTIK

Revelation 14 in the TNTIL

Revelation 14 in the TNTIN

Revelation 14 in the TNTIP

Revelation 14 in the TNTIZ

Revelation 14 in the TOMA

Revelation 14 in the TTENT

Revelation 14 in the UBG

Revelation 14 in the UGV

Revelation 14 in the UGV2

Revelation 14 in the UGV3

Revelation 14 in the VBL

Revelation 14 in the VDCC

Revelation 14 in the YALU

Revelation 14 in the YAPE

Revelation 14 in the YBVTP

Revelation 14 in the ZBP