Revelation 17 (BOSCB)
1 Mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe akauya kwandiri akati, “Uya ndizokuratidza kurangwa kwechifeve chikuru, chinogara pamusoro pemvura zhinji. 2 Naye, madzimambo enyika akaita upombwe uye vanogara panyika vakadhakwa newaini youpombwe hwake.” 3 Ipapo mutumwa akanditakura ndiri muMweya akaenda neni kugwenga. Ikoko ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chakafukidzwa namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga gumi. 4 Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake. 5 Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake:chakavanzikabhabhironi guta gurumai vemhombwenezvinonyangadza zvenyika 6 Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu.Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru. 7 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Seiko wakatyamara? Ndichakutsanangurira chakavanzika chomukadzi uye nechechikara chaanotasva, chine misoro minomwe nenyanga gumi. 8 Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vane mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya. 9 “Izvi zvava kuda pfungwa dzine uchenjeri. Misoro minomwe ndiwo zvikomo zvinomwe zvinogarwa nomukadzi uyu. 10 Pane madzimambo manomwewo. Vashanu vakawa, mumwe chete aripo, mumwe wacho haasati auya; asi paanouya, anofanira kugara kwechinguva chiduku. 11 Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa. 12 “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara. 13 Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara. 14 Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.” 15 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Mvura zhinji yawaona, panogara chifeve, ndiwo marudzi, navazhinji zhinji, nendudzi nemitauro mizhinji. 16 Chikara nenyanga gumi dzawaona zvichavenga chifeve. Zvichachiparadza zvigochisiya chisina kupfeka; zvichadya nyama yacho zvigochipisa nomoto. 17 Nokuti Mwari akazviisa mumwoyo yavo kuti apedze zvaaifunga nokubvuma kupa chikara simba rokutonga, kusvikira mashoko aMwari azadziswa. 18 Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga pamusoro pamadzimambo enyika.”
In Other Versions
Revelation 17 in the ANGEFD
Revelation 17 in the ANTPNG2D
Revelation 17 in the AS21
Revelation 17 in the BAGH
Revelation 17 in the BBPNG
Revelation 17 in the BBT1E
Revelation 17 in the BDS
Revelation 17 in the BEV
Revelation 17 in the BHAD
Revelation 17 in the BIB
Revelation 17 in the BLPT
Revelation 17 in the BNT
Revelation 17 in the BNTABOOT
Revelation 17 in the BNTLV
Revelation 17 in the BOATCB
Revelation 17 in the BOATCB2
Revelation 17 in the BOBCV
Revelation 17 in the BOCNT
Revelation 17 in the BOECS
Revelation 17 in the BOGWICC
Revelation 17 in the BOHCB
Revelation 17 in the BOHCV
Revelation 17 in the BOHLNT
Revelation 17 in the BOHNTLTAL
Revelation 17 in the BOICB
Revelation 17 in the BOILNTAP
Revelation 17 in the BOITCV
Revelation 17 in the BOKCV
Revelation 17 in the BOKCV2
Revelation 17 in the BOKHWOG
Revelation 17 in the BOKSSV
Revelation 17 in the BOLCB
Revelation 17 in the BOLCB2
Revelation 17 in the BOMCV
Revelation 17 in the BONAV
Revelation 17 in the BONCB
Revelation 17 in the BONLT
Revelation 17 in the BONUT2
Revelation 17 in the BOPLNT
Revelation 17 in the BOSNC
Revelation 17 in the BOTLNT
Revelation 17 in the BOVCB
Revelation 17 in the BOYCB
Revelation 17 in the BPBB
Revelation 17 in the BPH
Revelation 17 in the BSB
Revelation 17 in the CCB
Revelation 17 in the CUV
Revelation 17 in the CUVS
Revelation 17 in the DBT
Revelation 17 in the DGDNT
Revelation 17 in the DHNT
Revelation 17 in the DNT
Revelation 17 in the ELBE
Revelation 17 in the EMTV
Revelation 17 in the ESV
Revelation 17 in the FBV
Revelation 17 in the FEB
Revelation 17 in the GGMNT
Revelation 17 in the GNT
Revelation 17 in the HARY
Revelation 17 in the HNT
Revelation 17 in the IRVA
Revelation 17 in the IRVB
Revelation 17 in the IRVG
Revelation 17 in the IRVH
Revelation 17 in the IRVK
Revelation 17 in the IRVM
Revelation 17 in the IRVM2
Revelation 17 in the IRVO
Revelation 17 in the IRVP
Revelation 17 in the IRVT
Revelation 17 in the IRVT2
Revelation 17 in the IRVU
Revelation 17 in the ISVN
Revelation 17 in the JSNT
Revelation 17 in the KAPI
Revelation 17 in the KBT1ETNIK
Revelation 17 in the KBV
Revelation 17 in the KJV
Revelation 17 in the KNFD
Revelation 17 in the LBA
Revelation 17 in the LBLA
Revelation 17 in the LNT
Revelation 17 in the LSV
Revelation 17 in the MAAL
Revelation 17 in the MBV
Revelation 17 in the MBV2
Revelation 17 in the MHNT
Revelation 17 in the MKNFD
Revelation 17 in the MNG
Revelation 17 in the MNT
Revelation 17 in the MNT2
Revelation 17 in the MRS1T
Revelation 17 in the NAA
Revelation 17 in the NASB
Revelation 17 in the NBLA
Revelation 17 in the NBS
Revelation 17 in the NBVTP
Revelation 17 in the NET2
Revelation 17 in the NIV11
Revelation 17 in the NNT
Revelation 17 in the NNT2
Revelation 17 in the NNT3
Revelation 17 in the PDDPT
Revelation 17 in the PFNT
Revelation 17 in the RMNT
Revelation 17 in the SBIAS
Revelation 17 in the SBIBS
Revelation 17 in the SBIBS2
Revelation 17 in the SBICS
Revelation 17 in the SBIDS
Revelation 17 in the SBIGS
Revelation 17 in the SBIHS
Revelation 17 in the SBIIS
Revelation 17 in the SBIIS2
Revelation 17 in the SBIIS3
Revelation 17 in the SBIKS
Revelation 17 in the SBIKS2
Revelation 17 in the SBIMS
Revelation 17 in the SBIOS
Revelation 17 in the SBIPS
Revelation 17 in the SBISS
Revelation 17 in the SBITS
Revelation 17 in the SBITS2
Revelation 17 in the SBITS3
Revelation 17 in the SBITS4
Revelation 17 in the SBIUS
Revelation 17 in the SBIVS
Revelation 17 in the SBT
Revelation 17 in the SBT1E
Revelation 17 in the SCHL
Revelation 17 in the SNT
Revelation 17 in the SUSU
Revelation 17 in the SUSU2
Revelation 17 in the SYNO
Revelation 17 in the TBIAOTANT
Revelation 17 in the TBT1E
Revelation 17 in the TBT1E2
Revelation 17 in the TFTIP
Revelation 17 in the TFTU
Revelation 17 in the TGNTATF3T
Revelation 17 in the THAI
Revelation 17 in the TNFD
Revelation 17 in the TNT
Revelation 17 in the TNTIK
Revelation 17 in the TNTIL
Revelation 17 in the TNTIN
Revelation 17 in the TNTIP
Revelation 17 in the TNTIZ
Revelation 17 in the TOMA
Revelation 17 in the TTENT
Revelation 17 in the UBG
Revelation 17 in the UGV
Revelation 17 in the UGV2
Revelation 17 in the UGV3
Revelation 17 in the VBL
Revelation 17 in the VDCC
Revelation 17 in the YALU
Revelation 17 in the YAPE
Revelation 17 in the YBVTP
Revelation 17 in the ZBP