Ruth 1 (BOSCB)

1 Mumazuva okutonga kwavatongi munyika makaita nzara, uye mumwe murume aibva kuBheterehema Judha, pamwe chete nomukadzi wake navanakomana vake vaviri, akaenda kundogara munyika yeMoabhu kwechinguva. 2 Murume uyu ainzi Erimereki, mukadzi wake achinzi Naomi, uye mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni. Vaiva vaEfurata vaibva kuBheterehema Judha. Uye vakaenda kuMoabhu vakagarako. 3 Zvino Erimereki, murume waNaomi akafa, iye akasiyiwa aine vanakomana vake vaviri. 4 Vakawana vakadzi vechiMoabhu, zita romumwe rainzi Opa uye romumwe rainzi Rute. Mushure mokunge vagarako kwamakore anenge gumi, 5 vose vari vaviri, Maroni naKirioni vakafawo, Naomi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake. 6 Naomi paakanga achiri muMoabhu, akanzwa kuti Jehovha akazoshanyira vanhu vake akavapa zvokudya, iye navaroora vake vakagadzirira kudzokera kumusha vachibva ikoko. 7 Akabva pamwe chete navaroora vake panzvimbo yavaigara vakasimuka vakaenda nenzira yaizovasvitsa kunyika yeJudha. 8 Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, “Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri. 9 Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume.”Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru. 10 Zvino vakati kwaari, “Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu.” 11 Asi Naomi akati kwavari, “Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here? 12 Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana, 13 maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!” 14 Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo. 15 Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.” 16 Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu. 17 Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.” 18 Zvino Naomi akati aona kuti Rute akanga ashinga kuenda naye, akarega kumugombedzera. 19 Saka vakadzi vaviri ava vakaramba vachifamba kusvikira vasvika kuBheterehema. Vakati vasvika muBheterehema, guta rose rakazungunuswa nokuda kwavo, uye vakadzi vakakatyamara vachiti, “Angava Naomi here uyu?” 20 Iye akati kwavari, “Musandidaidza kuti Naomi. Ndidaidzei kuti Mara, nokuti Wamasimba Ose akashungurudza upenyu hwangu kwazvo. 21 Ndakaenda ndakazara, asi Jehovha akandidzosa ndisina chinhu. Seiko muchinditi Naomi? Jehovha akandirwadzisa; Wamasimba Ose akauyisa rushambwa pamusoro pangu.” 22 Naizvozvo Naomi akadzokera achibva kuMoabhu, naRute muMoabhu, muroora wake, vakasvika muBheterehema nguva yokukohwa bhari ichangotanga.

In Other Versions

Ruth 1 in the ANGEFD

Ruth 1 in the ANTPNG2D

Ruth 1 in the AS21

Ruth 1 in the BAGH

Ruth 1 in the BBPNG

Ruth 1 in the BBT1E

Ruth 1 in the BDS

Ruth 1 in the BEV

Ruth 1 in the BHAD

Ruth 1 in the BIB

Ruth 1 in the BLPT

Ruth 1 in the BNT

Ruth 1 in the BNTABOOT

Ruth 1 in the BNTLV

Ruth 1 in the BOATCB

Ruth 1 in the BOATCB2

Ruth 1 in the BOBCV

Ruth 1 in the BOCNT

Ruth 1 in the BOECS

Ruth 1 in the BOGWICC

Ruth 1 in the BOHCB

Ruth 1 in the BOHCV

Ruth 1 in the BOHLNT

Ruth 1 in the BOHNTLTAL

Ruth 1 in the BOICB

Ruth 1 in the BOILNTAP

Ruth 1 in the BOITCV

Ruth 1 in the BOKCV

Ruth 1 in the BOKCV2

Ruth 1 in the BOKHWOG

Ruth 1 in the BOKSSV

Ruth 1 in the BOLCB

Ruth 1 in the BOLCB2

Ruth 1 in the BOMCV

Ruth 1 in the BONAV

Ruth 1 in the BONCB

Ruth 1 in the BONLT

Ruth 1 in the BONUT2

Ruth 1 in the BOPLNT

Ruth 1 in the BOSNC

Ruth 1 in the BOTLNT

Ruth 1 in the BOVCB

Ruth 1 in the BOYCB

Ruth 1 in the BPBB

Ruth 1 in the BPH

Ruth 1 in the BSB

Ruth 1 in the CCB

Ruth 1 in the CUV

Ruth 1 in the CUVS

Ruth 1 in the DBT

Ruth 1 in the DGDNT

Ruth 1 in the DHNT

Ruth 1 in the DNT

Ruth 1 in the ELBE

Ruth 1 in the EMTV

Ruth 1 in the ESV

Ruth 1 in the FBV

Ruth 1 in the FEB

Ruth 1 in the GGMNT

Ruth 1 in the GNT

Ruth 1 in the HARY

Ruth 1 in the HNT

Ruth 1 in the IRVA

Ruth 1 in the IRVB

Ruth 1 in the IRVG

Ruth 1 in the IRVH

Ruth 1 in the IRVK

Ruth 1 in the IRVM

Ruth 1 in the IRVM2

Ruth 1 in the IRVO

Ruth 1 in the IRVP

Ruth 1 in the IRVT

Ruth 1 in the IRVT2

Ruth 1 in the IRVU

Ruth 1 in the ISVN

Ruth 1 in the JSNT

Ruth 1 in the KAPI

Ruth 1 in the KBT1ETNIK

Ruth 1 in the KBV

Ruth 1 in the KJV

Ruth 1 in the KNFD

Ruth 1 in the LBA

Ruth 1 in the LBLA

Ruth 1 in the LNT

Ruth 1 in the LSV

Ruth 1 in the MAAL

Ruth 1 in the MBV

Ruth 1 in the MBV2

Ruth 1 in the MHNT

Ruth 1 in the MKNFD

Ruth 1 in the MNG

Ruth 1 in the MNT

Ruth 1 in the MNT2

Ruth 1 in the MRS1T

Ruth 1 in the NAA

Ruth 1 in the NASB

Ruth 1 in the NBLA

Ruth 1 in the NBS

Ruth 1 in the NBVTP

Ruth 1 in the NET2

Ruth 1 in the NIV11

Ruth 1 in the NNT

Ruth 1 in the NNT2

Ruth 1 in the NNT3

Ruth 1 in the PDDPT

Ruth 1 in the PFNT

Ruth 1 in the RMNT

Ruth 1 in the SBIAS

Ruth 1 in the SBIBS

Ruth 1 in the SBIBS2

Ruth 1 in the SBICS

Ruth 1 in the SBIDS

Ruth 1 in the SBIGS

Ruth 1 in the SBIHS

Ruth 1 in the SBIIS

Ruth 1 in the SBIIS2

Ruth 1 in the SBIIS3

Ruth 1 in the SBIKS

Ruth 1 in the SBIKS2

Ruth 1 in the SBIMS

Ruth 1 in the SBIOS

Ruth 1 in the SBIPS

Ruth 1 in the SBISS

Ruth 1 in the SBITS

Ruth 1 in the SBITS2

Ruth 1 in the SBITS3

Ruth 1 in the SBITS4

Ruth 1 in the SBIUS

Ruth 1 in the SBIVS

Ruth 1 in the SBT

Ruth 1 in the SBT1E

Ruth 1 in the SCHL

Ruth 1 in the SNT

Ruth 1 in the SUSU

Ruth 1 in the SUSU2

Ruth 1 in the SYNO

Ruth 1 in the TBIAOTANT

Ruth 1 in the TBT1E

Ruth 1 in the TBT1E2

Ruth 1 in the TFTIP

Ruth 1 in the TFTU

Ruth 1 in the TGNTATF3T

Ruth 1 in the THAI

Ruth 1 in the TNFD

Ruth 1 in the TNT

Ruth 1 in the TNTIK

Ruth 1 in the TNTIL

Ruth 1 in the TNTIN

Ruth 1 in the TNTIP

Ruth 1 in the TNTIZ

Ruth 1 in the TOMA

Ruth 1 in the TTENT

Ruth 1 in the UBG

Ruth 1 in the UGV

Ruth 1 in the UGV2

Ruth 1 in the UGV3

Ruth 1 in the VBL

Ruth 1 in the VDCC

Ruth 1 in the YALU

Ruth 1 in the YAPE

Ruth 1 in the YBVTP

Ruth 1 in the ZBP