1 Corinthians 12 (BOSCB)
1 Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. 2 Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. 3 Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. 4 Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe. 5 Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. 6 Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose. 7 Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. 8 Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, 9 mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, 10 mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi. 11 Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda. 12 Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu. 13 Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe. 14 Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji. 15 Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. 16 Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. 17 Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? 18 Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. 19 Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? 20 Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. 21 Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!” 22 Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, 23 uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, 24 asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, 25 kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. 26 Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. 27 Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo. 28 Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana. 29 Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here? 30 Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here? 31 Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru.Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.
In Other Versions
1 Corinthians 12 in the ANGEFD
1 Corinthians 12 in the ANTPNG2D
1 Corinthians 12 in the BNTABOOT
1 Corinthians 12 in the BOATCB
1 Corinthians 12 in the BOATCB2
1 Corinthians 12 in the BOGWICC
1 Corinthians 12 in the BOHLNT
1 Corinthians 12 in the BOHNTLTAL
1 Corinthians 12 in the BOILNTAP
1 Corinthians 12 in the BOITCV
1 Corinthians 12 in the BOKCV2
1 Corinthians 12 in the BOKHWOG
1 Corinthians 12 in the BOKSSV
1 Corinthians 12 in the BOLCB2
1 Corinthians 12 in the BONUT2
1 Corinthians 12 in the BOPLNT
1 Corinthians 12 in the BOTLNT
1 Corinthians 12 in the KBT1ETNIK
1 Corinthians 12 in the SBIBS2
1 Corinthians 12 in the SBIIS2
1 Corinthians 12 in the SBIIS3
1 Corinthians 12 in the SBIKS2
1 Corinthians 12 in the SBITS2
1 Corinthians 12 in the SBITS3
1 Corinthians 12 in the SBITS4
1 Corinthians 12 in the TBIAOTANT
1 Corinthians 12 in the TBT1E2