1 Corinthians 15 (BOSCB)

1 Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. 2 Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. 3 Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, 4 kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, 5 uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri. 6 Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete. 7 Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori, 8 uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika. 9 Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. 10 Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni. 11 Ipapo kunyange dai ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda. 12 Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa? 13 Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa. 14 Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu. 15 Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi. 16 Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa. 17 Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. 18 Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo. 19 Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose. 20 Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. 21 Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. 22 Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. 23 Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. 24 Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. 25 Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. 26 Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu. 27 Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu. 28 Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose. 29 Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa? 30 Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose? 31 Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu. 32 Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi,“Ngatidyei uye tinwe,nokuti mangwana tichafa.” 33 Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” 34 Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe. 35 Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko, vakafa vanomutswa sei? Vachauya nomuviri wakaita seiko?” 36 Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa. 37 Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho. 38 Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo. 39 Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe. 40 Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe. 41 Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya. 42 Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari; 43 unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba; 44 unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo. 45 Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu. 46 Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya. 47 Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga. 48 Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga. 49 Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga. 50 Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari. 51 Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa, 52 pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa. 53 Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa. 54 Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” 55 “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” 56 Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. 57 Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. 58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

In Other Versions

1 Corinthians 15 in the ANGEFD

1 Corinthians 15 in the ANTPNG2D

1 Corinthians 15 in the AS21

1 Corinthians 15 in the BAGH

1 Corinthians 15 in the BBPNG

1 Corinthians 15 in the BBT1E

1 Corinthians 15 in the BDS

1 Corinthians 15 in the BEV

1 Corinthians 15 in the BHAD

1 Corinthians 15 in the BIB

1 Corinthians 15 in the BLPT

1 Corinthians 15 in the BNT

1 Corinthians 15 in the BNTABOOT

1 Corinthians 15 in the BNTLV

1 Corinthians 15 in the BOATCB

1 Corinthians 15 in the BOATCB2

1 Corinthians 15 in the BOBCV

1 Corinthians 15 in the BOCNT

1 Corinthians 15 in the BOECS

1 Corinthians 15 in the BOGWICC

1 Corinthians 15 in the BOHCB

1 Corinthians 15 in the BOHCV

1 Corinthians 15 in the BOHLNT

1 Corinthians 15 in the BOHNTLTAL

1 Corinthians 15 in the BOICB

1 Corinthians 15 in the BOILNTAP

1 Corinthians 15 in the BOITCV

1 Corinthians 15 in the BOKCV

1 Corinthians 15 in the BOKCV2

1 Corinthians 15 in the BOKHWOG

1 Corinthians 15 in the BOKSSV

1 Corinthians 15 in the BOLCB

1 Corinthians 15 in the BOLCB2

1 Corinthians 15 in the BOMCV

1 Corinthians 15 in the BONAV

1 Corinthians 15 in the BONCB

1 Corinthians 15 in the BONLT

1 Corinthians 15 in the BONUT2

1 Corinthians 15 in the BOPLNT

1 Corinthians 15 in the BOSNC

1 Corinthians 15 in the BOTLNT

1 Corinthians 15 in the BOVCB

1 Corinthians 15 in the BOYCB

1 Corinthians 15 in the BPBB

1 Corinthians 15 in the BPH

1 Corinthians 15 in the BSB

1 Corinthians 15 in the CCB

1 Corinthians 15 in the CUV

1 Corinthians 15 in the CUVS

1 Corinthians 15 in the DBT

1 Corinthians 15 in the DGDNT

1 Corinthians 15 in the DHNT

1 Corinthians 15 in the DNT

1 Corinthians 15 in the ELBE

1 Corinthians 15 in the EMTV

1 Corinthians 15 in the ESV

1 Corinthians 15 in the FBV

1 Corinthians 15 in the FEB

1 Corinthians 15 in the GGMNT

1 Corinthians 15 in the GNT

1 Corinthians 15 in the HARY

1 Corinthians 15 in the HNT

1 Corinthians 15 in the IRVA

1 Corinthians 15 in the IRVB

1 Corinthians 15 in the IRVG

1 Corinthians 15 in the IRVH

1 Corinthians 15 in the IRVK

1 Corinthians 15 in the IRVM

1 Corinthians 15 in the IRVM2

1 Corinthians 15 in the IRVO

1 Corinthians 15 in the IRVP

1 Corinthians 15 in the IRVT

1 Corinthians 15 in the IRVT2

1 Corinthians 15 in the IRVU

1 Corinthians 15 in the ISVN

1 Corinthians 15 in the JSNT

1 Corinthians 15 in the KAPI

1 Corinthians 15 in the KBT1ETNIK

1 Corinthians 15 in the KBV

1 Corinthians 15 in the KJV

1 Corinthians 15 in the KNFD

1 Corinthians 15 in the LBA

1 Corinthians 15 in the LBLA

1 Corinthians 15 in the LNT

1 Corinthians 15 in the LSV

1 Corinthians 15 in the MAAL

1 Corinthians 15 in the MBV

1 Corinthians 15 in the MBV2

1 Corinthians 15 in the MHNT

1 Corinthians 15 in the MKNFD

1 Corinthians 15 in the MNG

1 Corinthians 15 in the MNT

1 Corinthians 15 in the MNT2

1 Corinthians 15 in the MRS1T

1 Corinthians 15 in the NAA

1 Corinthians 15 in the NASB

1 Corinthians 15 in the NBLA

1 Corinthians 15 in the NBS

1 Corinthians 15 in the NBVTP

1 Corinthians 15 in the NET2

1 Corinthians 15 in the NIV11

1 Corinthians 15 in the NNT

1 Corinthians 15 in the NNT2

1 Corinthians 15 in the NNT3

1 Corinthians 15 in the PDDPT

1 Corinthians 15 in the PFNT

1 Corinthians 15 in the RMNT

1 Corinthians 15 in the SBIAS

1 Corinthians 15 in the SBIBS

1 Corinthians 15 in the SBIBS2

1 Corinthians 15 in the SBICS

1 Corinthians 15 in the SBIDS

1 Corinthians 15 in the SBIGS

1 Corinthians 15 in the SBIHS

1 Corinthians 15 in the SBIIS

1 Corinthians 15 in the SBIIS2

1 Corinthians 15 in the SBIIS3

1 Corinthians 15 in the SBIKS

1 Corinthians 15 in the SBIKS2

1 Corinthians 15 in the SBIMS

1 Corinthians 15 in the SBIOS

1 Corinthians 15 in the SBIPS

1 Corinthians 15 in the SBISS

1 Corinthians 15 in the SBITS

1 Corinthians 15 in the SBITS2

1 Corinthians 15 in the SBITS3

1 Corinthians 15 in the SBITS4

1 Corinthians 15 in the SBIUS

1 Corinthians 15 in the SBIVS

1 Corinthians 15 in the SBT

1 Corinthians 15 in the SBT1E

1 Corinthians 15 in the SCHL

1 Corinthians 15 in the SNT

1 Corinthians 15 in the SUSU

1 Corinthians 15 in the SUSU2

1 Corinthians 15 in the SYNO

1 Corinthians 15 in the TBIAOTANT

1 Corinthians 15 in the TBT1E

1 Corinthians 15 in the TBT1E2

1 Corinthians 15 in the TFTIP

1 Corinthians 15 in the TFTU

1 Corinthians 15 in the TGNTATF3T

1 Corinthians 15 in the THAI

1 Corinthians 15 in the TNFD

1 Corinthians 15 in the TNT

1 Corinthians 15 in the TNTIK

1 Corinthians 15 in the TNTIL

1 Corinthians 15 in the TNTIN

1 Corinthians 15 in the TNTIP

1 Corinthians 15 in the TNTIZ

1 Corinthians 15 in the TOMA

1 Corinthians 15 in the TTENT

1 Corinthians 15 in the UBG

1 Corinthians 15 in the UGV

1 Corinthians 15 in the UGV2

1 Corinthians 15 in the UGV3

1 Corinthians 15 in the VBL

1 Corinthians 15 in the VDCC

1 Corinthians 15 in the YALU

1 Corinthians 15 in the YAPE

1 Corinthians 15 in the YBVTP

1 Corinthians 15 in the ZBP