1 John 5 (BOSCB)
1 Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. 2 Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. 3 Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, 4 nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu. 5 Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. 6 Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi. 7 Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti: 8 Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana. 9 Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake. 10 Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake. 11 Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. 12 Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. 13 Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi. 14 Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa. 15 Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari. 16 Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho. 17 Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi. 18 Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza. 19 Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pasi powakaipa. 20 Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi. 21 Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.
In Other Versions
1 John 5 in the ANGEFD
1 John 5 in the ANTPNG2D
1 John 5 in the AS21
1 John 5 in the BAGH
1 John 5 in the BBPNG
1 John 5 in the BBT1E
1 John 5 in the BDS
1 John 5 in the BEV
1 John 5 in the BHAD
1 John 5 in the BIB
1 John 5 in the BLPT
1 John 5 in the BNT
1 John 5 in the BNTABOOT
1 John 5 in the BNTLV
1 John 5 in the BOATCB
1 John 5 in the BOATCB2
1 John 5 in the BOBCV
1 John 5 in the BOCNT
1 John 5 in the BOECS
1 John 5 in the BOGWICC
1 John 5 in the BOHCB
1 John 5 in the BOHCV
1 John 5 in the BOHLNT
1 John 5 in the BOHNTLTAL
1 John 5 in the BOICB
1 John 5 in the BOILNTAP
1 John 5 in the BOITCV
1 John 5 in the BOKCV
1 John 5 in the BOKCV2
1 John 5 in the BOKHWOG
1 John 5 in the BOKSSV
1 John 5 in the BOLCB
1 John 5 in the BOLCB2
1 John 5 in the BOMCV
1 John 5 in the BONAV
1 John 5 in the BONCB
1 John 5 in the BONLT
1 John 5 in the BONUT2
1 John 5 in the BOPLNT
1 John 5 in the BOSNC
1 John 5 in the BOTLNT
1 John 5 in the BOVCB
1 John 5 in the BOYCB
1 John 5 in the BPBB
1 John 5 in the BPH
1 John 5 in the BSB
1 John 5 in the CCB
1 John 5 in the CUV
1 John 5 in the CUVS
1 John 5 in the DBT
1 John 5 in the DGDNT
1 John 5 in the DHNT
1 John 5 in the DNT
1 John 5 in the ELBE
1 John 5 in the EMTV
1 John 5 in the ESV
1 John 5 in the FBV
1 John 5 in the FEB
1 John 5 in the GGMNT
1 John 5 in the GNT
1 John 5 in the HARY
1 John 5 in the HNT
1 John 5 in the IRVA
1 John 5 in the IRVB
1 John 5 in the IRVG
1 John 5 in the IRVH
1 John 5 in the IRVK
1 John 5 in the IRVM
1 John 5 in the IRVM2
1 John 5 in the IRVO
1 John 5 in the IRVP
1 John 5 in the IRVT
1 John 5 in the IRVT2
1 John 5 in the IRVU
1 John 5 in the ISVN
1 John 5 in the JSNT
1 John 5 in the KAPI
1 John 5 in the KBT1ETNIK
1 John 5 in the KBV
1 John 5 in the KJV
1 John 5 in the KNFD
1 John 5 in the LBA
1 John 5 in the LBLA
1 John 5 in the LNT
1 John 5 in the LSV
1 John 5 in the MAAL
1 John 5 in the MBV
1 John 5 in the MBV2
1 John 5 in the MHNT
1 John 5 in the MKNFD
1 John 5 in the MNG
1 John 5 in the MNT
1 John 5 in the MNT2
1 John 5 in the MRS1T
1 John 5 in the NAA
1 John 5 in the NASB
1 John 5 in the NBLA
1 John 5 in the NBS
1 John 5 in the NBVTP
1 John 5 in the NET2
1 John 5 in the NIV11
1 John 5 in the NNT
1 John 5 in the NNT2
1 John 5 in the NNT3
1 John 5 in the PDDPT
1 John 5 in the PFNT
1 John 5 in the RMNT
1 John 5 in the SBIAS
1 John 5 in the SBIBS
1 John 5 in the SBIBS2
1 John 5 in the SBICS
1 John 5 in the SBIDS
1 John 5 in the SBIGS
1 John 5 in the SBIHS
1 John 5 in the SBIIS
1 John 5 in the SBIIS2
1 John 5 in the SBIIS3
1 John 5 in the SBIKS
1 John 5 in the SBIKS2
1 John 5 in the SBIMS
1 John 5 in the SBIOS
1 John 5 in the SBIPS
1 John 5 in the SBISS
1 John 5 in the SBITS
1 John 5 in the SBITS2
1 John 5 in the SBITS3
1 John 5 in the SBITS4
1 John 5 in the SBIUS
1 John 5 in the SBIVS
1 John 5 in the SBT
1 John 5 in the SBT1E
1 John 5 in the SCHL
1 John 5 in the SNT
1 John 5 in the SUSU
1 John 5 in the SUSU2
1 John 5 in the SYNO
1 John 5 in the TBIAOTANT
1 John 5 in the TBT1E
1 John 5 in the TBT1E2
1 John 5 in the TFTIP
1 John 5 in the TFTU
1 John 5 in the TGNTATF3T
1 John 5 in the THAI
1 John 5 in the TNFD
1 John 5 in the TNT
1 John 5 in the TNTIK
1 John 5 in the TNTIL
1 John 5 in the TNTIN
1 John 5 in the TNTIP
1 John 5 in the TNTIZ
1 John 5 in the TOMA
1 John 5 in the TTENT
1 John 5 in the UBG
1 John 5 in the UGV
1 John 5 in the UGV2
1 John 5 in the UGV3
1 John 5 in the VBL
1 John 5 in the VDCC
1 John 5 in the YALU
1 John 5 in the YAPE
1 John 5 in the YBVTP
1 John 5 in the ZBP