1 Samuel 7 (BOSCB)

1 Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha. 2 Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha. 3 Ipapo Samueri akati kuimba yeIsraeri, “Kana muchidzokera kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, zvino chibvisai pakati penyu vamwari vavatorwa navaAshitoreti mugozvikumikidza kuna Jehovha uye mumushumire iye bedzi, uye achakudzikinurai kubva muruoko rwavaFiristia.” 4 Saka vaIsraeri vakarasa vose vaBhaari vavo navaAshitoreti, vakashumira Jehovha chete. 5 Ipapo Samueri akati, “Unganidzai Israeri yose paMizipa uye ndichakukumbirirai kuna Jehovha.” 6 Vakati vaungana paMizipa, vakachera mvura vakaidururira pamberi paJehovha. Nomusi iwoyo vakatsanya ipapo vakareurura vachiti, “Takatadzira Jehovha.” Uye Samueri akava mutungamiri weIsraeri yose paMizipa. 7 VaFiristia vakati vanzwa kuti Israeri yakanga yaungana paMizipa, vatungamiri vavaFiristia vakauya kuzovarwisa. Zvino vaIsraeri vakati vazvinzwa, vakatya nokuda kwavaFiristia. 8 Vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchidanidzira kuna Jehovha Mwari nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFiristia.” 9 Ipapo Samueri akatora gwayana rainwa akaribayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. Akachema kuna Jehovha pamusoro peIsraeri, Jehovha akamupindura. 10 Samueri paakanga achibayira chipiriso chinopiswa, vaFiristia vakaswedera pedyo kuti varwise Israeri. Asi zuva iroro Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamberi pavaFiristia akavavhundutsa zvokuti vakakundwa pamberi pavaIsraeri. 11 Varume veIsraeri vakachimbidza kubuda muMizipa vakadzingirira vaFiristia, vakavauraya munzira kusvikira kunzvimbo iri zasi kweBhetikari. 12 Ipapo Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni. Akaritumidza kuti Ebhenezeri akati, “Jehovha akatibatsira kusvikira pano.” 13 Saka vaFiristia vakakurirwa uye havana kuzorwisa nyika yavaIsraeri zvakare.Uye ruoko rwaJehovha rwakarwa navaFiristia mazuva ose aSamueri. 14 Maguta anobva kuEkironi kusvikira kuGati akanga apambwa navaFiristia kubva kuIsraeri akadzorerwa kwairi, uye Israeri yakasunungura rimwe dunhu rayo kubva muruoko rwavaFiristia. Uye pakazova norunyararo pakati peIsraeri navaAmori. 15 Samueri akaramba ari mutongi weIsraeri kwoupenyu hwake hwose. 16 Gore negore aitenderera kubva kuBheteri achienda kuGirigari nokuMizipa, achitonga Israeri munzvimbo dzose idzodzo. 17 Asi aipota achidzokera kuRama, kwaiva nomusha wake, uye ikokowo akatonga Israeri. Uye akavakira Jehovha aritari ikoko.

In Other Versions

1 Samuel 7 in the ANGEFD

1 Samuel 7 in the ANTPNG2D

1 Samuel 7 in the AS21

1 Samuel 7 in the BAGH

1 Samuel 7 in the BBPNG

1 Samuel 7 in the BBT1E

1 Samuel 7 in the BDS

1 Samuel 7 in the BEV

1 Samuel 7 in the BHAD

1 Samuel 7 in the BIB

1 Samuel 7 in the BLPT

1 Samuel 7 in the BNT

1 Samuel 7 in the BNTABOOT

1 Samuel 7 in the BNTLV

1 Samuel 7 in the BOATCB

1 Samuel 7 in the BOATCB2

1 Samuel 7 in the BOBCV

1 Samuel 7 in the BOCNT

1 Samuel 7 in the BOECS

1 Samuel 7 in the BOGWICC

1 Samuel 7 in the BOHCB

1 Samuel 7 in the BOHCV

1 Samuel 7 in the BOHLNT

1 Samuel 7 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 7 in the BOICB

1 Samuel 7 in the BOILNTAP

1 Samuel 7 in the BOITCV

1 Samuel 7 in the BOKCV

1 Samuel 7 in the BOKCV2

1 Samuel 7 in the BOKHWOG

1 Samuel 7 in the BOKSSV

1 Samuel 7 in the BOLCB

1 Samuel 7 in the BOLCB2

1 Samuel 7 in the BOMCV

1 Samuel 7 in the BONAV

1 Samuel 7 in the BONCB

1 Samuel 7 in the BONLT

1 Samuel 7 in the BONUT2

1 Samuel 7 in the BOPLNT

1 Samuel 7 in the BOSNC

1 Samuel 7 in the BOTLNT

1 Samuel 7 in the BOVCB

1 Samuel 7 in the BOYCB

1 Samuel 7 in the BPBB

1 Samuel 7 in the BPH

1 Samuel 7 in the BSB

1 Samuel 7 in the CCB

1 Samuel 7 in the CUV

1 Samuel 7 in the CUVS

1 Samuel 7 in the DBT

1 Samuel 7 in the DGDNT

1 Samuel 7 in the DHNT

1 Samuel 7 in the DNT

1 Samuel 7 in the ELBE

1 Samuel 7 in the EMTV

1 Samuel 7 in the ESV

1 Samuel 7 in the FBV

1 Samuel 7 in the FEB

1 Samuel 7 in the GGMNT

1 Samuel 7 in the GNT

1 Samuel 7 in the HARY

1 Samuel 7 in the HNT

1 Samuel 7 in the IRVA

1 Samuel 7 in the IRVB

1 Samuel 7 in the IRVG

1 Samuel 7 in the IRVH

1 Samuel 7 in the IRVK

1 Samuel 7 in the IRVM

1 Samuel 7 in the IRVM2

1 Samuel 7 in the IRVO

1 Samuel 7 in the IRVP

1 Samuel 7 in the IRVT

1 Samuel 7 in the IRVT2

1 Samuel 7 in the IRVU

1 Samuel 7 in the ISVN

1 Samuel 7 in the JSNT

1 Samuel 7 in the KAPI

1 Samuel 7 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 7 in the KBV

1 Samuel 7 in the KJV

1 Samuel 7 in the KNFD

1 Samuel 7 in the LBA

1 Samuel 7 in the LBLA

1 Samuel 7 in the LNT

1 Samuel 7 in the LSV

1 Samuel 7 in the MAAL

1 Samuel 7 in the MBV

1 Samuel 7 in the MBV2

1 Samuel 7 in the MHNT

1 Samuel 7 in the MKNFD

1 Samuel 7 in the MNG

1 Samuel 7 in the MNT

1 Samuel 7 in the MNT2

1 Samuel 7 in the MRS1T

1 Samuel 7 in the NAA

1 Samuel 7 in the NASB

1 Samuel 7 in the NBLA

1 Samuel 7 in the NBS

1 Samuel 7 in the NBVTP

1 Samuel 7 in the NET2

1 Samuel 7 in the NIV11

1 Samuel 7 in the NNT

1 Samuel 7 in the NNT2

1 Samuel 7 in the NNT3

1 Samuel 7 in the PDDPT

1 Samuel 7 in the PFNT

1 Samuel 7 in the RMNT

1 Samuel 7 in the SBIAS

1 Samuel 7 in the SBIBS

1 Samuel 7 in the SBIBS2

1 Samuel 7 in the SBICS

1 Samuel 7 in the SBIDS

1 Samuel 7 in the SBIGS

1 Samuel 7 in the SBIHS

1 Samuel 7 in the SBIIS

1 Samuel 7 in the SBIIS2

1 Samuel 7 in the SBIIS3

1 Samuel 7 in the SBIKS

1 Samuel 7 in the SBIKS2

1 Samuel 7 in the SBIMS

1 Samuel 7 in the SBIOS

1 Samuel 7 in the SBIPS

1 Samuel 7 in the SBISS

1 Samuel 7 in the SBITS

1 Samuel 7 in the SBITS2

1 Samuel 7 in the SBITS3

1 Samuel 7 in the SBITS4

1 Samuel 7 in the SBIUS

1 Samuel 7 in the SBIVS

1 Samuel 7 in the SBT

1 Samuel 7 in the SBT1E

1 Samuel 7 in the SCHL

1 Samuel 7 in the SNT

1 Samuel 7 in the SUSU

1 Samuel 7 in the SUSU2

1 Samuel 7 in the SYNO

1 Samuel 7 in the TBIAOTANT

1 Samuel 7 in the TBT1E

1 Samuel 7 in the TBT1E2

1 Samuel 7 in the TFTIP

1 Samuel 7 in the TFTU

1 Samuel 7 in the TGNTATF3T

1 Samuel 7 in the THAI

1 Samuel 7 in the TNFD

1 Samuel 7 in the TNT

1 Samuel 7 in the TNTIK

1 Samuel 7 in the TNTIL

1 Samuel 7 in the TNTIN

1 Samuel 7 in the TNTIP

1 Samuel 7 in the TNTIZ

1 Samuel 7 in the TOMA

1 Samuel 7 in the TTENT

1 Samuel 7 in the UBG

1 Samuel 7 in the UGV

1 Samuel 7 in the UGV2

1 Samuel 7 in the UGV3

1 Samuel 7 in the VBL

1 Samuel 7 in the VDCC

1 Samuel 7 in the YALU

1 Samuel 7 in the YAPE

1 Samuel 7 in the YBVTP

1 Samuel 7 in the ZBP