1 Thessalonians 3 (BOSCB)
1 Saka patakanga tisingagoni kuramba takatsunga, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene. 2 Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, 3 kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takanangana nayo. 4 Chokwadi ndechokuti, pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti tichatambudzwa. Uye zvakabva zvaita saizvozvo, sezvamunoziva kwazvo. 5 Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kukava pasina. 6 Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai. 7 Naizvozvo, hama, mukusuwa kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu. 8 Nokuti zvino tiri vapenyu chose, sezvo imi mumire nesimba muna She. 9 Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu? 10 Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvamusina pakutenda kwenyu. 11 Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri. 12 Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri. 13 Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.
In Other Versions
1 Thessalonians 3 in the ANGEFD
1 Thessalonians 3 in the ANTPNG2D
1 Thessalonians 3 in the BBPNG
1 Thessalonians 3 in the BBT1E
1 Thessalonians 3 in the BNTABOOT
1 Thessalonians 3 in the BNTLV
1 Thessalonians 3 in the BOATCB
1 Thessalonians 3 in the BOATCB2
1 Thessalonians 3 in the BOBCV
1 Thessalonians 3 in the BOCNT
1 Thessalonians 3 in the BOECS
1 Thessalonians 3 in the BOGWICC
1 Thessalonians 3 in the BOHCB
1 Thessalonians 3 in the BOHCV
1 Thessalonians 3 in the BOHLNT
1 Thessalonians 3 in the BOHNTLTAL
1 Thessalonians 3 in the BOICB
1 Thessalonians 3 in the BOILNTAP
1 Thessalonians 3 in the BOITCV
1 Thessalonians 3 in the BOKCV
1 Thessalonians 3 in the BOKCV2
1 Thessalonians 3 in the BOKHWOG
1 Thessalonians 3 in the BOKSSV
1 Thessalonians 3 in the BOLCB
1 Thessalonians 3 in the BOLCB2
1 Thessalonians 3 in the BOMCV
1 Thessalonians 3 in the BONAV
1 Thessalonians 3 in the BONCB
1 Thessalonians 3 in the BONLT
1 Thessalonians 3 in the BONUT2
1 Thessalonians 3 in the BOPLNT
1 Thessalonians 3 in the BOSNC
1 Thessalonians 3 in the BOTLNT
1 Thessalonians 3 in the BOVCB
1 Thessalonians 3 in the BOYCB
1 Thessalonians 3 in the DGDNT
1 Thessalonians 3 in the GGMNT
1 Thessalonians 3 in the IRVM2
1 Thessalonians 3 in the IRVT2
1 Thessalonians 3 in the KBT1ETNIK
1 Thessalonians 3 in the MKNFD
1 Thessalonians 3 in the MRS1T
1 Thessalonians 3 in the NBVTP
1 Thessalonians 3 in the NIV11
1 Thessalonians 3 in the PDDPT
1 Thessalonians 3 in the SBIAS
1 Thessalonians 3 in the SBIBS
1 Thessalonians 3 in the SBIBS2
1 Thessalonians 3 in the SBICS
1 Thessalonians 3 in the SBIDS
1 Thessalonians 3 in the SBIGS
1 Thessalonians 3 in the SBIHS
1 Thessalonians 3 in the SBIIS
1 Thessalonians 3 in the SBIIS2
1 Thessalonians 3 in the SBIIS3
1 Thessalonians 3 in the SBIKS
1 Thessalonians 3 in the SBIKS2
1 Thessalonians 3 in the SBIMS
1 Thessalonians 3 in the SBIOS
1 Thessalonians 3 in the SBIPS
1 Thessalonians 3 in the SBISS
1 Thessalonians 3 in the SBITS
1 Thessalonians 3 in the SBITS2
1 Thessalonians 3 in the SBITS3
1 Thessalonians 3 in the SBITS4
1 Thessalonians 3 in the SBIUS
1 Thessalonians 3 in the SBIVS
1 Thessalonians 3 in the SBT1E
1 Thessalonians 3 in the SUSU2
1 Thessalonians 3 in the TBIAOTANT
1 Thessalonians 3 in the TBT1E
1 Thessalonians 3 in the TBT1E2
1 Thessalonians 3 in the TFTIP
1 Thessalonians 3 in the TGNTATF3T
1 Thessalonians 3 in the TNTIK
1 Thessalonians 3 in the TNTIL
1 Thessalonians 3 in the TNTIN
1 Thessalonians 3 in the TNTIP
1 Thessalonians 3 in the TNTIZ
1 Thessalonians 3 in the TTENT