2 Corinthians 1 (BOSCB)

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose: 2 Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. 3 Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, 4 ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. 5 Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu. 6 Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. 7 Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu. 8 Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa. 9 Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa. 10 Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura, 11 imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji. 12 Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. 13 Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, 14 sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu. 15 Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri. 16 Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. 17 Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” 18 Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” 19 Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” 20 Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. 21 Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, 22 akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya. 23 Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi. 24 Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.

In Other Versions

2 Corinthians 1 in the ANGEFD

2 Corinthians 1 in the ANTPNG2D

2 Corinthians 1 in the AS21

2 Corinthians 1 in the BAGH

2 Corinthians 1 in the BBPNG

2 Corinthians 1 in the BBT1E

2 Corinthians 1 in the BDS

2 Corinthians 1 in the BEV

2 Corinthians 1 in the BHAD

2 Corinthians 1 in the BIB

2 Corinthians 1 in the BLPT

2 Corinthians 1 in the BNT

2 Corinthians 1 in the BNTABOOT

2 Corinthians 1 in the BNTLV

2 Corinthians 1 in the BOATCB

2 Corinthians 1 in the BOATCB2

2 Corinthians 1 in the BOBCV

2 Corinthians 1 in the BOCNT

2 Corinthians 1 in the BOECS

2 Corinthians 1 in the BOGWICC

2 Corinthians 1 in the BOHCB

2 Corinthians 1 in the BOHCV

2 Corinthians 1 in the BOHLNT

2 Corinthians 1 in the BOHNTLTAL

2 Corinthians 1 in the BOICB

2 Corinthians 1 in the BOILNTAP

2 Corinthians 1 in the BOITCV

2 Corinthians 1 in the BOKCV

2 Corinthians 1 in the BOKCV2

2 Corinthians 1 in the BOKHWOG

2 Corinthians 1 in the BOKSSV

2 Corinthians 1 in the BOLCB

2 Corinthians 1 in the BOLCB2

2 Corinthians 1 in the BOMCV

2 Corinthians 1 in the BONAV

2 Corinthians 1 in the BONCB

2 Corinthians 1 in the BONLT

2 Corinthians 1 in the BONUT2

2 Corinthians 1 in the BOPLNT

2 Corinthians 1 in the BOSNC

2 Corinthians 1 in the BOTLNT

2 Corinthians 1 in the BOVCB

2 Corinthians 1 in the BOYCB

2 Corinthians 1 in the BPBB

2 Corinthians 1 in the BPH

2 Corinthians 1 in the BSB

2 Corinthians 1 in the CCB

2 Corinthians 1 in the CUV

2 Corinthians 1 in the CUVS

2 Corinthians 1 in the DBT

2 Corinthians 1 in the DGDNT

2 Corinthians 1 in the DHNT

2 Corinthians 1 in the DNT

2 Corinthians 1 in the ELBE

2 Corinthians 1 in the EMTV

2 Corinthians 1 in the ESV

2 Corinthians 1 in the FBV

2 Corinthians 1 in the FEB

2 Corinthians 1 in the GGMNT

2 Corinthians 1 in the GNT

2 Corinthians 1 in the HARY

2 Corinthians 1 in the HNT

2 Corinthians 1 in the IRVA

2 Corinthians 1 in the IRVB

2 Corinthians 1 in the IRVG

2 Corinthians 1 in the IRVH

2 Corinthians 1 in the IRVK

2 Corinthians 1 in the IRVM

2 Corinthians 1 in the IRVM2

2 Corinthians 1 in the IRVO

2 Corinthians 1 in the IRVP

2 Corinthians 1 in the IRVT

2 Corinthians 1 in the IRVT2

2 Corinthians 1 in the IRVU

2 Corinthians 1 in the ISVN

2 Corinthians 1 in the JSNT

2 Corinthians 1 in the KAPI

2 Corinthians 1 in the KBT1ETNIK

2 Corinthians 1 in the KBV

2 Corinthians 1 in the KJV

2 Corinthians 1 in the KNFD

2 Corinthians 1 in the LBA

2 Corinthians 1 in the LBLA

2 Corinthians 1 in the LNT

2 Corinthians 1 in the LSV

2 Corinthians 1 in the MAAL

2 Corinthians 1 in the MBV

2 Corinthians 1 in the MBV2

2 Corinthians 1 in the MHNT

2 Corinthians 1 in the MKNFD

2 Corinthians 1 in the MNG

2 Corinthians 1 in the MNT

2 Corinthians 1 in the MNT2

2 Corinthians 1 in the MRS1T

2 Corinthians 1 in the NAA

2 Corinthians 1 in the NASB

2 Corinthians 1 in the NBLA

2 Corinthians 1 in the NBS

2 Corinthians 1 in the NBVTP

2 Corinthians 1 in the NET2

2 Corinthians 1 in the NIV11

2 Corinthians 1 in the NNT

2 Corinthians 1 in the NNT2

2 Corinthians 1 in the NNT3

2 Corinthians 1 in the PDDPT

2 Corinthians 1 in the PFNT

2 Corinthians 1 in the RMNT

2 Corinthians 1 in the SBIAS

2 Corinthians 1 in the SBIBS

2 Corinthians 1 in the SBIBS2

2 Corinthians 1 in the SBICS

2 Corinthians 1 in the SBIDS

2 Corinthians 1 in the SBIGS

2 Corinthians 1 in the SBIHS

2 Corinthians 1 in the SBIIS

2 Corinthians 1 in the SBIIS2

2 Corinthians 1 in the SBIIS3

2 Corinthians 1 in the SBIKS

2 Corinthians 1 in the SBIKS2

2 Corinthians 1 in the SBIMS

2 Corinthians 1 in the SBIOS

2 Corinthians 1 in the SBIPS

2 Corinthians 1 in the SBISS

2 Corinthians 1 in the SBITS

2 Corinthians 1 in the SBITS2

2 Corinthians 1 in the SBITS3

2 Corinthians 1 in the SBITS4

2 Corinthians 1 in the SBIUS

2 Corinthians 1 in the SBIVS

2 Corinthians 1 in the SBT

2 Corinthians 1 in the SBT1E

2 Corinthians 1 in the SCHL

2 Corinthians 1 in the SNT

2 Corinthians 1 in the SUSU

2 Corinthians 1 in the SUSU2

2 Corinthians 1 in the SYNO

2 Corinthians 1 in the TBIAOTANT

2 Corinthians 1 in the TBT1E

2 Corinthians 1 in the TBT1E2

2 Corinthians 1 in the TFTIP

2 Corinthians 1 in the TFTU

2 Corinthians 1 in the TGNTATF3T

2 Corinthians 1 in the THAI

2 Corinthians 1 in the TNFD

2 Corinthians 1 in the TNT

2 Corinthians 1 in the TNTIK

2 Corinthians 1 in the TNTIL

2 Corinthians 1 in the TNTIN

2 Corinthians 1 in the TNTIP

2 Corinthians 1 in the TNTIZ

2 Corinthians 1 in the TOMA

2 Corinthians 1 in the TTENT

2 Corinthians 1 in the UBG

2 Corinthians 1 in the UGV

2 Corinthians 1 in the UGV2

2 Corinthians 1 in the UGV3

2 Corinthians 1 in the VBL

2 Corinthians 1 in the VDCC

2 Corinthians 1 in the YALU

2 Corinthians 1 in the YAPE

2 Corinthians 1 in the YBVTP

2 Corinthians 1 in the ZBP