2 Kings 1 (BOSCB)

1 Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri. 2 Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.” 3 Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, ‘Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvamunondobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi?’ 4 Naizvozvo zvanzi naJehovha: ‘Hauchabva pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ” Naizvozvo Eria akaenda. 5 Nhume dzakati dzadzokera kuna mambo, akavabvunza akati, “Madzokereiko?” 6 Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!” ’ ” 7 Mambo akavabvunza akati, “Ko, murume akauya akasangana nemi akakutaurirai izvi akanga akadini?” 8 Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanhire reganda muchiuno chake.”Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.” 9 Ipapo akatuma mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake kuna Eria. Mukuru uyu akaenda kuna Eria akanga akagara pamusoro pechikomo, ndokuti kwaari, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai!’ ” 10 Eria akamupindura akati, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako makumi mashanu!” Ipapo moto wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake. 11 Zvadaro mambo akazotumazve mumwe mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake makumi mashanu! Mukuru uyu akati kuna Eria, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai izvozvi!’ ” 12 Eria akati kwaari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke uchibva kudenga ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari wakaburuka uchibva kudenga ukamuparadza iye navanhu vake makumi mashanu. 13 Saka mambo akatumazve mumwe mukuru wechitatu ana varume makumi mashanu. Uyu mukuru wechitatu akakwira akazviwisira pasi namabvi ake pamberi paEria. Akamukumbira akati, “Haiwa, munhu waMwari, ndapota, upenyu hwangu nohwavarume ava makumi mashanu, isu varanda venyu, ngahuve hunokosha pamberi penyu. 14 Tarirai moto wakabva kudenga ukaparadza vakuru vaviri vokutanga navanhu vavo vose. Asi zvino upenyu hwangu ngahuve chinhu chinokosha pamberi penyu.” 15 Zvino mutumwa waJehovha akati kuna Eria, “Buruka pamwe chete naye; usamutya.” Naizvozvo Eria akasimuka akaenda naye kuna mambo. 16 Akaudza mambo kuti, “Zvanzi naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvawatuma nhume kundobvunza Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi? Nokuti waita izvi, hauchambobva pamubhedha pawakarara. Zvirokwazvo uchafa!” 17 Naizvozvo akafa, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria.Nokuti Ahazia akanga asina mwanakomana, Joramu akazomutevera paushe pagore rechipiri raJehoramu, mwanakomana waJehoshafati, mambo weJudha. 18 Zvino, mabasa akaitwa pamazuva okutonga kwaAhazia, nezvaakaita iye hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

In Other Versions

2 Kings 1 in the ANGEFD

2 Kings 1 in the ANTPNG2D

2 Kings 1 in the AS21

2 Kings 1 in the BAGH

2 Kings 1 in the BBPNG

2 Kings 1 in the BBT1E

2 Kings 1 in the BDS

2 Kings 1 in the BEV

2 Kings 1 in the BHAD

2 Kings 1 in the BIB

2 Kings 1 in the BLPT

2 Kings 1 in the BNT

2 Kings 1 in the BNTABOOT

2 Kings 1 in the BNTLV

2 Kings 1 in the BOATCB

2 Kings 1 in the BOATCB2

2 Kings 1 in the BOBCV

2 Kings 1 in the BOCNT

2 Kings 1 in the BOECS

2 Kings 1 in the BOGWICC

2 Kings 1 in the BOHCB

2 Kings 1 in the BOHCV

2 Kings 1 in the BOHLNT

2 Kings 1 in the BOHNTLTAL

2 Kings 1 in the BOICB

2 Kings 1 in the BOILNTAP

2 Kings 1 in the BOITCV

2 Kings 1 in the BOKCV

2 Kings 1 in the BOKCV2

2 Kings 1 in the BOKHWOG

2 Kings 1 in the BOKSSV

2 Kings 1 in the BOLCB

2 Kings 1 in the BOLCB2

2 Kings 1 in the BOMCV

2 Kings 1 in the BONAV

2 Kings 1 in the BONCB

2 Kings 1 in the BONLT

2 Kings 1 in the BONUT2

2 Kings 1 in the BOPLNT

2 Kings 1 in the BOSNC

2 Kings 1 in the BOTLNT

2 Kings 1 in the BOVCB

2 Kings 1 in the BOYCB

2 Kings 1 in the BPBB

2 Kings 1 in the BPH

2 Kings 1 in the BSB

2 Kings 1 in the CCB

2 Kings 1 in the CUV

2 Kings 1 in the CUVS

2 Kings 1 in the DBT

2 Kings 1 in the DGDNT

2 Kings 1 in the DHNT

2 Kings 1 in the DNT

2 Kings 1 in the ELBE

2 Kings 1 in the EMTV

2 Kings 1 in the ESV

2 Kings 1 in the FBV

2 Kings 1 in the FEB

2 Kings 1 in the GGMNT

2 Kings 1 in the GNT

2 Kings 1 in the HARY

2 Kings 1 in the HNT

2 Kings 1 in the IRVA

2 Kings 1 in the IRVB

2 Kings 1 in the IRVG

2 Kings 1 in the IRVH

2 Kings 1 in the IRVK

2 Kings 1 in the IRVM

2 Kings 1 in the IRVM2

2 Kings 1 in the IRVO

2 Kings 1 in the IRVP

2 Kings 1 in the IRVT

2 Kings 1 in the IRVT2

2 Kings 1 in the IRVU

2 Kings 1 in the ISVN

2 Kings 1 in the JSNT

2 Kings 1 in the KAPI

2 Kings 1 in the KBT1ETNIK

2 Kings 1 in the KBV

2 Kings 1 in the KJV

2 Kings 1 in the KNFD

2 Kings 1 in the LBA

2 Kings 1 in the LBLA

2 Kings 1 in the LNT

2 Kings 1 in the LSV

2 Kings 1 in the MAAL

2 Kings 1 in the MBV

2 Kings 1 in the MBV2

2 Kings 1 in the MHNT

2 Kings 1 in the MKNFD

2 Kings 1 in the MNG

2 Kings 1 in the MNT

2 Kings 1 in the MNT2

2 Kings 1 in the MRS1T

2 Kings 1 in the NAA

2 Kings 1 in the NASB

2 Kings 1 in the NBLA

2 Kings 1 in the NBS

2 Kings 1 in the NBVTP

2 Kings 1 in the NET2

2 Kings 1 in the NIV11

2 Kings 1 in the NNT

2 Kings 1 in the NNT2

2 Kings 1 in the NNT3

2 Kings 1 in the PDDPT

2 Kings 1 in the PFNT

2 Kings 1 in the RMNT

2 Kings 1 in the SBIAS

2 Kings 1 in the SBIBS

2 Kings 1 in the SBIBS2

2 Kings 1 in the SBICS

2 Kings 1 in the SBIDS

2 Kings 1 in the SBIGS

2 Kings 1 in the SBIHS

2 Kings 1 in the SBIIS

2 Kings 1 in the SBIIS2

2 Kings 1 in the SBIIS3

2 Kings 1 in the SBIKS

2 Kings 1 in the SBIKS2

2 Kings 1 in the SBIMS

2 Kings 1 in the SBIOS

2 Kings 1 in the SBIPS

2 Kings 1 in the SBISS

2 Kings 1 in the SBITS

2 Kings 1 in the SBITS2

2 Kings 1 in the SBITS3

2 Kings 1 in the SBITS4

2 Kings 1 in the SBIUS

2 Kings 1 in the SBIVS

2 Kings 1 in the SBT

2 Kings 1 in the SBT1E

2 Kings 1 in the SCHL

2 Kings 1 in the SNT

2 Kings 1 in the SUSU

2 Kings 1 in the SUSU2

2 Kings 1 in the SYNO

2 Kings 1 in the TBIAOTANT

2 Kings 1 in the TBT1E

2 Kings 1 in the TBT1E2

2 Kings 1 in the TFTIP

2 Kings 1 in the TFTU

2 Kings 1 in the TGNTATF3T

2 Kings 1 in the THAI

2 Kings 1 in the TNFD

2 Kings 1 in the TNT

2 Kings 1 in the TNTIK

2 Kings 1 in the TNTIL

2 Kings 1 in the TNTIN

2 Kings 1 in the TNTIP

2 Kings 1 in the TNTIZ

2 Kings 1 in the TOMA

2 Kings 1 in the TTENT

2 Kings 1 in the UBG

2 Kings 1 in the UGV

2 Kings 1 in the UGV2

2 Kings 1 in the UGV3

2 Kings 1 in the VBL

2 Kings 1 in the VDCC

2 Kings 1 in the YALU

2 Kings 1 in the YAPE

2 Kings 1 in the YBVTP

2 Kings 1 in the ZBP