2 Peter 3 (BOSCB)

1 Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. 2 Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. 3 Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. 4 Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.” 5 Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga rakavapo uye nyika ikaumbwa ichibva mumvura uye ikaitwa nemvura. 6 Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. 7 Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. 8 Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. 9 Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. 10 Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. 11 Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, 12 muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. 13 Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama. 14 Saka zvino, vadikani, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye. 15 Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari. 16 Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa. 17 Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. 18 Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.

In Other Versions

2 Peter 3 in the ANGEFD

2 Peter 3 in the ANTPNG2D

2 Peter 3 in the AS21

2 Peter 3 in the BAGH

2 Peter 3 in the BBPNG

2 Peter 3 in the BBT1E

2 Peter 3 in the BDS

2 Peter 3 in the BEV

2 Peter 3 in the BHAD

2 Peter 3 in the BIB

2 Peter 3 in the BLPT

2 Peter 3 in the BNT

2 Peter 3 in the BNTABOOT

2 Peter 3 in the BNTLV

2 Peter 3 in the BOATCB

2 Peter 3 in the BOATCB2

2 Peter 3 in the BOBCV

2 Peter 3 in the BOCNT

2 Peter 3 in the BOECS

2 Peter 3 in the BOGWICC

2 Peter 3 in the BOHCB

2 Peter 3 in the BOHCV

2 Peter 3 in the BOHLNT

2 Peter 3 in the BOHNTLTAL

2 Peter 3 in the BOICB

2 Peter 3 in the BOILNTAP

2 Peter 3 in the BOITCV

2 Peter 3 in the BOKCV

2 Peter 3 in the BOKCV2

2 Peter 3 in the BOKHWOG

2 Peter 3 in the BOKSSV

2 Peter 3 in the BOLCB

2 Peter 3 in the BOLCB2

2 Peter 3 in the BOMCV

2 Peter 3 in the BONAV

2 Peter 3 in the BONCB

2 Peter 3 in the BONLT

2 Peter 3 in the BONUT2

2 Peter 3 in the BOPLNT

2 Peter 3 in the BOSNC

2 Peter 3 in the BOTLNT

2 Peter 3 in the BOVCB

2 Peter 3 in the BOYCB

2 Peter 3 in the BPBB

2 Peter 3 in the BPH

2 Peter 3 in the BSB

2 Peter 3 in the CCB

2 Peter 3 in the CUV

2 Peter 3 in the CUVS

2 Peter 3 in the DBT

2 Peter 3 in the DGDNT

2 Peter 3 in the DHNT

2 Peter 3 in the DNT

2 Peter 3 in the ELBE

2 Peter 3 in the EMTV

2 Peter 3 in the ESV

2 Peter 3 in the FBV

2 Peter 3 in the FEB

2 Peter 3 in the GGMNT

2 Peter 3 in the GNT

2 Peter 3 in the HARY

2 Peter 3 in the HNT

2 Peter 3 in the IRVA

2 Peter 3 in the IRVB

2 Peter 3 in the IRVG

2 Peter 3 in the IRVH

2 Peter 3 in the IRVK

2 Peter 3 in the IRVM

2 Peter 3 in the IRVM2

2 Peter 3 in the IRVO

2 Peter 3 in the IRVP

2 Peter 3 in the IRVT

2 Peter 3 in the IRVT2

2 Peter 3 in the IRVU

2 Peter 3 in the ISVN

2 Peter 3 in the JSNT

2 Peter 3 in the KAPI

2 Peter 3 in the KBT1ETNIK

2 Peter 3 in the KBV

2 Peter 3 in the KJV

2 Peter 3 in the KNFD

2 Peter 3 in the LBA

2 Peter 3 in the LBLA

2 Peter 3 in the LNT

2 Peter 3 in the LSV

2 Peter 3 in the MAAL

2 Peter 3 in the MBV

2 Peter 3 in the MBV2

2 Peter 3 in the MHNT

2 Peter 3 in the MKNFD

2 Peter 3 in the MNG

2 Peter 3 in the MNT

2 Peter 3 in the MNT2

2 Peter 3 in the MRS1T

2 Peter 3 in the NAA

2 Peter 3 in the NASB

2 Peter 3 in the NBLA

2 Peter 3 in the NBS

2 Peter 3 in the NBVTP

2 Peter 3 in the NET2

2 Peter 3 in the NIV11

2 Peter 3 in the NNT

2 Peter 3 in the NNT2

2 Peter 3 in the NNT3

2 Peter 3 in the PDDPT

2 Peter 3 in the PFNT

2 Peter 3 in the RMNT

2 Peter 3 in the SBIAS

2 Peter 3 in the SBIBS

2 Peter 3 in the SBIBS2

2 Peter 3 in the SBICS

2 Peter 3 in the SBIDS

2 Peter 3 in the SBIGS

2 Peter 3 in the SBIHS

2 Peter 3 in the SBIIS

2 Peter 3 in the SBIIS2

2 Peter 3 in the SBIIS3

2 Peter 3 in the SBIKS

2 Peter 3 in the SBIKS2

2 Peter 3 in the SBIMS

2 Peter 3 in the SBIOS

2 Peter 3 in the SBIPS

2 Peter 3 in the SBISS

2 Peter 3 in the SBITS

2 Peter 3 in the SBITS2

2 Peter 3 in the SBITS3

2 Peter 3 in the SBITS4

2 Peter 3 in the SBIUS

2 Peter 3 in the SBIVS

2 Peter 3 in the SBT

2 Peter 3 in the SBT1E

2 Peter 3 in the SCHL

2 Peter 3 in the SNT

2 Peter 3 in the SUSU

2 Peter 3 in the SUSU2

2 Peter 3 in the SYNO

2 Peter 3 in the TBIAOTANT

2 Peter 3 in the TBT1E

2 Peter 3 in the TBT1E2

2 Peter 3 in the TFTIP

2 Peter 3 in the TFTU

2 Peter 3 in the TGNTATF3T

2 Peter 3 in the THAI

2 Peter 3 in the TNFD

2 Peter 3 in the TNT

2 Peter 3 in the TNTIK

2 Peter 3 in the TNTIL

2 Peter 3 in the TNTIN

2 Peter 3 in the TNTIP

2 Peter 3 in the TNTIZ

2 Peter 3 in the TOMA

2 Peter 3 in the TTENT

2 Peter 3 in the UBG

2 Peter 3 in the UGV

2 Peter 3 in the UGV2

2 Peter 3 in the UGV3

2 Peter 3 in the VBL

2 Peter 3 in the VDCC

2 Peter 3 in the YALU

2 Peter 3 in the YAPE

2 Peter 3 in the YBVTP

2 Peter 3 in the ZBP