2 Samuel 21 (BOSCB)

1 Panguva yokutonga kwaDhavhidhi, kwakava nenzara makore matatu achiteverana; saka Dhavhidhi akatsvaka chiso chaJehovha. Jehovha akati, “Imhaka yaSauro neimba yake yeropa; imhaka yokuti akauraya vaGibheoni.” 2 Mambo akadana vaGibheoni akataura navo. (Zvino vaGibheoni vakanga vasiri vorudzi rwavaIsraeri asi vakanga vari vakasara vavaAmori; vakanga vapikirwa navaIsraeri kuti vasaurayiwe, asi Sauro mukushingaira kwake nokuda kwavaIsraeri navaJudha akaedza kuvaparadza.) 3 Dhavhidhi akabvunza vaGibheoni akati, “Ndingakuitirai chiiko? Ndingayananisa neiko kuitira kuti mugoropafadza nhaka yaJehovha?” 4 VaGibheoni vakamupindura vachiti, “Hatina kodzero yokureva sirivha negoridhe kuna Sauro kana kumhuri yake, uye hatina kodzero yokuuraya munhu muIsraeri.”Dhavhidhi akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” 5 Vakapindura mambo vakati, “Kana ari munhu akatiparadza uye akaita rangano yokuti tipere uye tishayiwe nzvimbo kupi zvako muIsraeri, 6 zvizvarwa zvake zvechirume zvinomwe ngazvipiwe kwatiri kuti zviurayiwe uye zviiswe pachena pamberi paJehovha paGibhea raSauro musanangurwa waJehovha.”Saka mambo akati, “Ndichavapa kwamuri.” 7 Mambo akararamisa Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwemhiko pamberi paJehovha pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro. 8 Asi mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizipa mwanasikana waAya, waakanga aberekera Sauro, pamwe chete navanakomana vashanu vaMerabhi mwanasikana waSauro, waakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBhazirai muMehorati. 9 Akavaisa mumaoko avaGibheoni, ivo vakavasungirira pachikomo pamberi paJehovha. Vose vari vanomwe vakafa pamwe chete; vakaurayiwa panguva yokutanga kukohwa, pakutanga kwokukohwewa kwebhari. 10 Rizipa mwanasikana waAya akatora nguo yesaga akazviwaridzira pamusoro pedombo. Kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira pakunaya kwemvura ichibva kudenga pamusoro pemitumbi yavo, haana kutendera shiri dzedenga kuti dzivabate masikati kana zvikara zvesango usiku. 11 Dhavhidhi akati ataurirwa zvakaitwa naRizipa, mwanasikana waAya, murongo waSauro, 12 akaenda akandotora mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva kuvagari veJabheshi Gireadhi. Vakanga vaatora muchivande kubva pachivara chapaBheti Shani, uko kwavakanga vaturikwa navaFiristia shure kwokunge vauraya Sauro paGiribhoa. 13 Dhavhidhi akauya namapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake kubva ikoko, uye mapfupa aavo vakanga vaurayiwa vakaiswa pachena akaunganidzwa. 14 Vakaviga mapfupa aSauro naJonatani mwanakomana wake muhwiro hwaKishi baba vaSauro, paZera muBhenjamini, uye vakaita zvose zvavakarayirwa namambo. Shure kwaizvozvo, Mwari akapindura munyengetero wokumiririra nyika. 15 Kwakavazve nehondo pakati pavaFiristia navaIsraeri. Dhavhidhi akaburuka navanhu vake kundorwa navaFiristia, uye akaneta kwazvo. 16 Uye Ishibhi-Bhenoni, mumwe wezvizvarwa zvaRafa, aiva nomusoro wepfumo wairema mazana matatu amashekeri uye akapakata munondo mutsva, akati achauraya Dhavhidhi. 17 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya akanunura Dhavhidhi; akabayira muFiristia pasi akamuuraya. Ipapo vanhu vaDhavhidhi vakapika kwaari vachiti, “Hamuchazomboendizve nesu kuhondo, kuitira kuti mwenje weIsraeri urege kuzodzimwa.” 18 Shure kwaizvozvo, kwakavazve nokurwa navaFiristia, paGobhi. Panguva iyoyo Sibhekai muHushati akauraya Safi, mumwe wezvizvarwa zvaRafa. 19 Pano kumwe kurwa navaFiristia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJoare-Oregimi muBheterehema akauraya Goriati muGiti, akanga ane pfumo raiva nerwiriko rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki. 20 Pano kumwe kurwazve, kwakaitika paGati, pakanga pane hofori yomurume akanga ane minwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe uye zvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvose zviri makumi maviri nezvina. Naiyewo akanga ari chizvarwa chaRafa. 21 Akati achishora Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi, akamuuraya. 22 Ava vari vana vakanga vari zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakafa pamaoko aDhavhidhi navanhu vake.

In Other Versions

2 Samuel 21 in the ANGEFD

2 Samuel 21 in the ANTPNG2D

2 Samuel 21 in the AS21

2 Samuel 21 in the BAGH

2 Samuel 21 in the BBPNG

2 Samuel 21 in the BBT1E

2 Samuel 21 in the BDS

2 Samuel 21 in the BEV

2 Samuel 21 in the BHAD

2 Samuel 21 in the BIB

2 Samuel 21 in the BLPT

2 Samuel 21 in the BNT

2 Samuel 21 in the BNTABOOT

2 Samuel 21 in the BNTLV

2 Samuel 21 in the BOATCB

2 Samuel 21 in the BOATCB2

2 Samuel 21 in the BOBCV

2 Samuel 21 in the BOCNT

2 Samuel 21 in the BOECS

2 Samuel 21 in the BOGWICC

2 Samuel 21 in the BOHCB

2 Samuel 21 in the BOHCV

2 Samuel 21 in the BOHLNT

2 Samuel 21 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 21 in the BOICB

2 Samuel 21 in the BOILNTAP

2 Samuel 21 in the BOITCV

2 Samuel 21 in the BOKCV

2 Samuel 21 in the BOKCV2

2 Samuel 21 in the BOKHWOG

2 Samuel 21 in the BOKSSV

2 Samuel 21 in the BOLCB

2 Samuel 21 in the BOLCB2

2 Samuel 21 in the BOMCV

2 Samuel 21 in the BONAV

2 Samuel 21 in the BONCB

2 Samuel 21 in the BONLT

2 Samuel 21 in the BONUT2

2 Samuel 21 in the BOPLNT

2 Samuel 21 in the BOSNC

2 Samuel 21 in the BOTLNT

2 Samuel 21 in the BOVCB

2 Samuel 21 in the BOYCB

2 Samuel 21 in the BPBB

2 Samuel 21 in the BPH

2 Samuel 21 in the BSB

2 Samuel 21 in the CCB

2 Samuel 21 in the CUV

2 Samuel 21 in the CUVS

2 Samuel 21 in the DBT

2 Samuel 21 in the DGDNT

2 Samuel 21 in the DHNT

2 Samuel 21 in the DNT

2 Samuel 21 in the ELBE

2 Samuel 21 in the EMTV

2 Samuel 21 in the ESV

2 Samuel 21 in the FBV

2 Samuel 21 in the FEB

2 Samuel 21 in the GGMNT

2 Samuel 21 in the GNT

2 Samuel 21 in the HARY

2 Samuel 21 in the HNT

2 Samuel 21 in the IRVA

2 Samuel 21 in the IRVB

2 Samuel 21 in the IRVG

2 Samuel 21 in the IRVH

2 Samuel 21 in the IRVK

2 Samuel 21 in the IRVM

2 Samuel 21 in the IRVM2

2 Samuel 21 in the IRVO

2 Samuel 21 in the IRVP

2 Samuel 21 in the IRVT

2 Samuel 21 in the IRVT2

2 Samuel 21 in the IRVU

2 Samuel 21 in the ISVN

2 Samuel 21 in the JSNT

2 Samuel 21 in the KAPI

2 Samuel 21 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 21 in the KBV

2 Samuel 21 in the KJV

2 Samuel 21 in the KNFD

2 Samuel 21 in the LBA

2 Samuel 21 in the LBLA

2 Samuel 21 in the LNT

2 Samuel 21 in the LSV

2 Samuel 21 in the MAAL

2 Samuel 21 in the MBV

2 Samuel 21 in the MBV2

2 Samuel 21 in the MHNT

2 Samuel 21 in the MKNFD

2 Samuel 21 in the MNG

2 Samuel 21 in the MNT

2 Samuel 21 in the MNT2

2 Samuel 21 in the MRS1T

2 Samuel 21 in the NAA

2 Samuel 21 in the NASB

2 Samuel 21 in the NBLA

2 Samuel 21 in the NBS

2 Samuel 21 in the NBVTP

2 Samuel 21 in the NET2

2 Samuel 21 in the NIV11

2 Samuel 21 in the NNT

2 Samuel 21 in the NNT2

2 Samuel 21 in the NNT3

2 Samuel 21 in the PDDPT

2 Samuel 21 in the PFNT

2 Samuel 21 in the RMNT

2 Samuel 21 in the SBIAS

2 Samuel 21 in the SBIBS

2 Samuel 21 in the SBIBS2

2 Samuel 21 in the SBICS

2 Samuel 21 in the SBIDS

2 Samuel 21 in the SBIGS

2 Samuel 21 in the SBIHS

2 Samuel 21 in the SBIIS

2 Samuel 21 in the SBIIS2

2 Samuel 21 in the SBIIS3

2 Samuel 21 in the SBIKS

2 Samuel 21 in the SBIKS2

2 Samuel 21 in the SBIMS

2 Samuel 21 in the SBIOS

2 Samuel 21 in the SBIPS

2 Samuel 21 in the SBISS

2 Samuel 21 in the SBITS

2 Samuel 21 in the SBITS2

2 Samuel 21 in the SBITS3

2 Samuel 21 in the SBITS4

2 Samuel 21 in the SBIUS

2 Samuel 21 in the SBIVS

2 Samuel 21 in the SBT

2 Samuel 21 in the SBT1E

2 Samuel 21 in the SCHL

2 Samuel 21 in the SNT

2 Samuel 21 in the SUSU

2 Samuel 21 in the SUSU2

2 Samuel 21 in the SYNO

2 Samuel 21 in the TBIAOTANT

2 Samuel 21 in the TBT1E

2 Samuel 21 in the TBT1E2

2 Samuel 21 in the TFTIP

2 Samuel 21 in the TFTU

2 Samuel 21 in the TGNTATF3T

2 Samuel 21 in the THAI

2 Samuel 21 in the TNFD

2 Samuel 21 in the TNT

2 Samuel 21 in the TNTIK

2 Samuel 21 in the TNTIL

2 Samuel 21 in the TNTIN

2 Samuel 21 in the TNTIP

2 Samuel 21 in the TNTIZ

2 Samuel 21 in the TOMA

2 Samuel 21 in the TTENT

2 Samuel 21 in the UBG

2 Samuel 21 in the UGV

2 Samuel 21 in the UGV2

2 Samuel 21 in the UGV3

2 Samuel 21 in the VBL

2 Samuel 21 in the VDCC

2 Samuel 21 in the YALU

2 Samuel 21 in the YAPE

2 Samuel 21 in the YBVTP

2 Samuel 21 in the ZBP