2 Thessalonians 1 (BOSCB)
1 Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu. 3 Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura. 4 Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri. 5 Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira. 6 Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai, 7 uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. 8 Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu. 9 Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, 10 pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri. 11 Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka nebasa rose rakamutswa nokutenda kwenyu. 12 Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.
In Other Versions
2 Thessalonians 1 in the ANGEFD
2 Thessalonians 1 in the ANTPNG2D
2 Thessalonians 1 in the BBPNG
2 Thessalonians 1 in the BBT1E
2 Thessalonians 1 in the BNTABOOT
2 Thessalonians 1 in the BNTLV
2 Thessalonians 1 in the BOATCB
2 Thessalonians 1 in the BOATCB2
2 Thessalonians 1 in the BOBCV
2 Thessalonians 1 in the BOCNT
2 Thessalonians 1 in the BOECS
2 Thessalonians 1 in the BOGWICC
2 Thessalonians 1 in the BOHCB
2 Thessalonians 1 in the BOHCV
2 Thessalonians 1 in the BOHLNT
2 Thessalonians 1 in the BOHNTLTAL
2 Thessalonians 1 in the BOICB
2 Thessalonians 1 in the BOILNTAP
2 Thessalonians 1 in the BOITCV
2 Thessalonians 1 in the BOKCV
2 Thessalonians 1 in the BOKCV2
2 Thessalonians 1 in the BOKHWOG
2 Thessalonians 1 in the BOKSSV
2 Thessalonians 1 in the BOLCB
2 Thessalonians 1 in the BOLCB2
2 Thessalonians 1 in the BOMCV
2 Thessalonians 1 in the BONAV
2 Thessalonians 1 in the BONCB
2 Thessalonians 1 in the BONLT
2 Thessalonians 1 in the BONUT2
2 Thessalonians 1 in the BOPLNT
2 Thessalonians 1 in the BOSNC
2 Thessalonians 1 in the BOTLNT
2 Thessalonians 1 in the BOVCB
2 Thessalonians 1 in the BOYCB
2 Thessalonians 1 in the DGDNT
2 Thessalonians 1 in the GGMNT
2 Thessalonians 1 in the IRVM2
2 Thessalonians 1 in the IRVT2
2 Thessalonians 1 in the KBT1ETNIK
2 Thessalonians 1 in the MKNFD
2 Thessalonians 1 in the MRS1T
2 Thessalonians 1 in the NBVTP
2 Thessalonians 1 in the NIV11
2 Thessalonians 1 in the PDDPT
2 Thessalonians 1 in the SBIAS
2 Thessalonians 1 in the SBIBS
2 Thessalonians 1 in the SBIBS2
2 Thessalonians 1 in the SBICS
2 Thessalonians 1 in the SBIDS
2 Thessalonians 1 in the SBIGS
2 Thessalonians 1 in the SBIHS
2 Thessalonians 1 in the SBIIS
2 Thessalonians 1 in the SBIIS2
2 Thessalonians 1 in the SBIIS3
2 Thessalonians 1 in the SBIKS
2 Thessalonians 1 in the SBIKS2
2 Thessalonians 1 in the SBIMS
2 Thessalonians 1 in the SBIOS
2 Thessalonians 1 in the SBIPS
2 Thessalonians 1 in the SBISS
2 Thessalonians 1 in the SBITS
2 Thessalonians 1 in the SBITS2
2 Thessalonians 1 in the SBITS3
2 Thessalonians 1 in the SBITS4
2 Thessalonians 1 in the SBIUS
2 Thessalonians 1 in the SBIVS
2 Thessalonians 1 in the SBT1E
2 Thessalonians 1 in the SUSU2
2 Thessalonians 1 in the TBIAOTANT
2 Thessalonians 1 in the TBT1E
2 Thessalonians 1 in the TBT1E2
2 Thessalonians 1 in the TFTIP
2 Thessalonians 1 in the TGNTATF3T
2 Thessalonians 1 in the TNTIK
2 Thessalonians 1 in the TNTIL
2 Thessalonians 1 in the TNTIN
2 Thessalonians 1 in the TNTIP
2 Thessalonians 1 in the TNTIZ
2 Thessalonians 1 in the TTENT