2 Thessalonians 3 (BOSCB)
1 Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri. 2 Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva kune akaipa, nokuti havasi vose vanotenda. 3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa. 4 Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai. 5 Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu. 6 Muzita raIshe Jesu Kristu, tinokurayirai hama, kuti mubve pahama imwe neimwe inoita zvousimbe uye isingararami maererano nedzidziso yamakagamuchira kubva kwatiri. 7 Nokuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutevera sei muenzaniso wedu. Takanga tisiri simbe patakanga tinemi, 8 uye hatina kudya chokudya chomunhu tisingaripi. Asi, takashanda usiku namasikati, tichishanda zvikuru uye tichitambudzika kuitira kuti tirege kuva mutoro kwamuri. 9 Takaita izvi, kwete nokuda kwokuti hatina kodzero yokuti tibatsirwe pakadaro, asi kuitira kuti tive muenzaniso kwamuri wokuti mutevere. 10 Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.” 11 Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. 12 Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira. 13 Uye kana murimi, hama, musaneta pakuita zvakanaka. 14 Kana pano munhu asingateereri kurayira kwedu mutsamba iyi, mumungwarire. Musafambidzana naye, kuitira kuti anyare. 15 Asi musamutora somuvengi, asi mumuyambire sehama. 16 Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose nomunzira dzose. 17 Ini Pauro, ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu, chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzangu dzose. 18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.
In Other Versions
2 Thessalonians 3 in the ANGEFD
2 Thessalonians 3 in the ANTPNG2D
2 Thessalonians 3 in the BBPNG
2 Thessalonians 3 in the BBT1E
2 Thessalonians 3 in the BNTABOOT
2 Thessalonians 3 in the BNTLV
2 Thessalonians 3 in the BOATCB
2 Thessalonians 3 in the BOATCB2
2 Thessalonians 3 in the BOBCV
2 Thessalonians 3 in the BOCNT
2 Thessalonians 3 in the BOECS
2 Thessalonians 3 in the BOGWICC
2 Thessalonians 3 in the BOHCB
2 Thessalonians 3 in the BOHCV
2 Thessalonians 3 in the BOHLNT
2 Thessalonians 3 in the BOHNTLTAL
2 Thessalonians 3 in the BOICB
2 Thessalonians 3 in the BOILNTAP
2 Thessalonians 3 in the BOITCV
2 Thessalonians 3 in the BOKCV
2 Thessalonians 3 in the BOKCV2
2 Thessalonians 3 in the BOKHWOG
2 Thessalonians 3 in the BOKSSV
2 Thessalonians 3 in the BOLCB
2 Thessalonians 3 in the BOLCB2
2 Thessalonians 3 in the BOMCV
2 Thessalonians 3 in the BONAV
2 Thessalonians 3 in the BONCB
2 Thessalonians 3 in the BONLT
2 Thessalonians 3 in the BONUT2
2 Thessalonians 3 in the BOPLNT
2 Thessalonians 3 in the BOSNC
2 Thessalonians 3 in the BOTLNT
2 Thessalonians 3 in the BOVCB
2 Thessalonians 3 in the BOYCB
2 Thessalonians 3 in the DGDNT
2 Thessalonians 3 in the GGMNT
2 Thessalonians 3 in the IRVM2
2 Thessalonians 3 in the IRVT2
2 Thessalonians 3 in the KBT1ETNIK
2 Thessalonians 3 in the MKNFD
2 Thessalonians 3 in the MRS1T
2 Thessalonians 3 in the NBVTP
2 Thessalonians 3 in the NIV11
2 Thessalonians 3 in the PDDPT
2 Thessalonians 3 in the SBIAS
2 Thessalonians 3 in the SBIBS
2 Thessalonians 3 in the SBIBS2
2 Thessalonians 3 in the SBICS
2 Thessalonians 3 in the SBIDS
2 Thessalonians 3 in the SBIGS
2 Thessalonians 3 in the SBIHS
2 Thessalonians 3 in the SBIIS
2 Thessalonians 3 in the SBIIS2
2 Thessalonians 3 in the SBIIS3
2 Thessalonians 3 in the SBIKS
2 Thessalonians 3 in the SBIKS2
2 Thessalonians 3 in the SBIMS
2 Thessalonians 3 in the SBIOS
2 Thessalonians 3 in the SBIPS
2 Thessalonians 3 in the SBISS
2 Thessalonians 3 in the SBITS
2 Thessalonians 3 in the SBITS2
2 Thessalonians 3 in the SBITS3
2 Thessalonians 3 in the SBITS4
2 Thessalonians 3 in the SBIUS
2 Thessalonians 3 in the SBIVS
2 Thessalonians 3 in the SBT1E
2 Thessalonians 3 in the SUSU2
2 Thessalonians 3 in the TBIAOTANT
2 Thessalonians 3 in the TBT1E
2 Thessalonians 3 in the TBT1E2
2 Thessalonians 3 in the TFTIP
2 Thessalonians 3 in the TGNTATF3T
2 Thessalonians 3 in the TNTIK
2 Thessalonians 3 in the TNTIL
2 Thessalonians 3 in the TNTIN
2 Thessalonians 3 in the TNTIP
2 Thessalonians 3 in the TNTIZ
2 Thessalonians 3 in the TTENT