Colossians 3 (BOSCB)

1 Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. 2 Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. 3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari. 4 Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya. 5 Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. 6 Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. 7 Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. 8 Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. 9 Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake 10 mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake. 11 Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose. 12 Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. 13 Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. 14 Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana. 15 Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. 16 Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. 17 Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye. 18 Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She. 19 Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha. 20 Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe. 21 Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo. 22 Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe. 23 Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, 24 sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira. 25 Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.

In Other Versions

Colossians 3 in the ANGEFD

Colossians 3 in the ANTPNG2D

Colossians 3 in the AS21

Colossians 3 in the BAGH

Colossians 3 in the BBPNG

Colossians 3 in the BBT1E

Colossians 3 in the BDS

Colossians 3 in the BEV

Colossians 3 in the BHAD

Colossians 3 in the BIB

Colossians 3 in the BLPT

Colossians 3 in the BNT

Colossians 3 in the BNTABOOT

Colossians 3 in the BNTLV

Colossians 3 in the BOATCB

Colossians 3 in the BOATCB2

Colossians 3 in the BOBCV

Colossians 3 in the BOCNT

Colossians 3 in the BOECS

Colossians 3 in the BOGWICC

Colossians 3 in the BOHCB

Colossians 3 in the BOHCV

Colossians 3 in the BOHLNT

Colossians 3 in the BOHNTLTAL

Colossians 3 in the BOICB

Colossians 3 in the BOILNTAP

Colossians 3 in the BOITCV

Colossians 3 in the BOKCV

Colossians 3 in the BOKCV2

Colossians 3 in the BOKHWOG

Colossians 3 in the BOKSSV

Colossians 3 in the BOLCB

Colossians 3 in the BOLCB2

Colossians 3 in the BOMCV

Colossians 3 in the BONAV

Colossians 3 in the BONCB

Colossians 3 in the BONLT

Colossians 3 in the BONUT2

Colossians 3 in the BOPLNT

Colossians 3 in the BOSNC

Colossians 3 in the BOTLNT

Colossians 3 in the BOVCB

Colossians 3 in the BOYCB

Colossians 3 in the BPBB

Colossians 3 in the BPH

Colossians 3 in the BSB

Colossians 3 in the CCB

Colossians 3 in the CUV

Colossians 3 in the CUVS

Colossians 3 in the DBT

Colossians 3 in the DGDNT

Colossians 3 in the DHNT

Colossians 3 in the DNT

Colossians 3 in the ELBE

Colossians 3 in the EMTV

Colossians 3 in the ESV

Colossians 3 in the FBV

Colossians 3 in the FEB

Colossians 3 in the GGMNT

Colossians 3 in the GNT

Colossians 3 in the HARY

Colossians 3 in the HNT

Colossians 3 in the IRVA

Colossians 3 in the IRVB

Colossians 3 in the IRVG

Colossians 3 in the IRVH

Colossians 3 in the IRVK

Colossians 3 in the IRVM

Colossians 3 in the IRVM2

Colossians 3 in the IRVO

Colossians 3 in the IRVP

Colossians 3 in the IRVT

Colossians 3 in the IRVT2

Colossians 3 in the IRVU

Colossians 3 in the ISVN

Colossians 3 in the JSNT

Colossians 3 in the KAPI

Colossians 3 in the KBT1ETNIK

Colossians 3 in the KBV

Colossians 3 in the KJV

Colossians 3 in the KNFD

Colossians 3 in the LBA

Colossians 3 in the LBLA

Colossians 3 in the LNT

Colossians 3 in the LSV

Colossians 3 in the MAAL

Colossians 3 in the MBV

Colossians 3 in the MBV2

Colossians 3 in the MHNT

Colossians 3 in the MKNFD

Colossians 3 in the MNG

Colossians 3 in the MNT

Colossians 3 in the MNT2

Colossians 3 in the MRS1T

Colossians 3 in the NAA

Colossians 3 in the NASB

Colossians 3 in the NBLA

Colossians 3 in the NBS

Colossians 3 in the NBVTP

Colossians 3 in the NET2

Colossians 3 in the NIV11

Colossians 3 in the NNT

Colossians 3 in the NNT2

Colossians 3 in the NNT3

Colossians 3 in the PDDPT

Colossians 3 in the PFNT

Colossians 3 in the RMNT

Colossians 3 in the SBIAS

Colossians 3 in the SBIBS

Colossians 3 in the SBIBS2

Colossians 3 in the SBICS

Colossians 3 in the SBIDS

Colossians 3 in the SBIGS

Colossians 3 in the SBIHS

Colossians 3 in the SBIIS

Colossians 3 in the SBIIS2

Colossians 3 in the SBIIS3

Colossians 3 in the SBIKS

Colossians 3 in the SBIKS2

Colossians 3 in the SBIMS

Colossians 3 in the SBIOS

Colossians 3 in the SBIPS

Colossians 3 in the SBISS

Colossians 3 in the SBITS

Colossians 3 in the SBITS2

Colossians 3 in the SBITS3

Colossians 3 in the SBITS4

Colossians 3 in the SBIUS

Colossians 3 in the SBIVS

Colossians 3 in the SBT

Colossians 3 in the SBT1E

Colossians 3 in the SCHL

Colossians 3 in the SNT

Colossians 3 in the SUSU

Colossians 3 in the SUSU2

Colossians 3 in the SYNO

Colossians 3 in the TBIAOTANT

Colossians 3 in the TBT1E

Colossians 3 in the TBT1E2

Colossians 3 in the TFTIP

Colossians 3 in the TFTU

Colossians 3 in the TGNTATF3T

Colossians 3 in the THAI

Colossians 3 in the TNFD

Colossians 3 in the TNT

Colossians 3 in the TNTIK

Colossians 3 in the TNTIL

Colossians 3 in the TNTIN

Colossians 3 in the TNTIP

Colossians 3 in the TNTIZ

Colossians 3 in the TOMA

Colossians 3 in the TTENT

Colossians 3 in the UBG

Colossians 3 in the UGV

Colossians 3 in the UGV2

Colossians 3 in the UGV3

Colossians 3 in the VBL

Colossians 3 in the VDCC

Colossians 3 in the YALU

Colossians 3 in the YAPE

Colossians 3 in the YBVTP

Colossians 3 in the ZBP