Daniel 1 (BOSCB)

1 Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba. 2 Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake. 3 Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri kubva mumhuri youshe nemhuri yemakurukota, 4 majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi. 5 Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo. 6 Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria. 7 Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego. 8 Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi. 9 Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni, 10 asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.” 11 Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria, 12 “Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete. 13 Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.” 14 Saka akatenda hake pane izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi. 15 Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo. 16 Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo. 17 Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose. 18 Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari. 19 Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo. 20 Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi nʼanga dzose navanhu vose muumambo hwose. 21 Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.

In Other Versions

Daniel 1 in the ANGEFD

Daniel 1 in the ANTPNG2D

Daniel 1 in the AS21

Daniel 1 in the BAGH

Daniel 1 in the BBPNG

Daniel 1 in the BBT1E

Daniel 1 in the BDS

Daniel 1 in the BEV

Daniel 1 in the BHAD

Daniel 1 in the BIB

Daniel 1 in the BLPT

Daniel 1 in the BNT

Daniel 1 in the BNTABOOT

Daniel 1 in the BNTLV

Daniel 1 in the BOATCB

Daniel 1 in the BOATCB2

Daniel 1 in the BOBCV

Daniel 1 in the BOCNT

Daniel 1 in the BOECS

Daniel 1 in the BOGWICC

Daniel 1 in the BOHCB

Daniel 1 in the BOHCV

Daniel 1 in the BOHLNT

Daniel 1 in the BOHNTLTAL

Daniel 1 in the BOICB

Daniel 1 in the BOILNTAP

Daniel 1 in the BOITCV

Daniel 1 in the BOKCV

Daniel 1 in the BOKCV2

Daniel 1 in the BOKHWOG

Daniel 1 in the BOKSSV

Daniel 1 in the BOLCB

Daniel 1 in the BOLCB2

Daniel 1 in the BOMCV

Daniel 1 in the BONAV

Daniel 1 in the BONCB

Daniel 1 in the BONLT

Daniel 1 in the BONUT2

Daniel 1 in the BOPLNT

Daniel 1 in the BOSNC

Daniel 1 in the BOTLNT

Daniel 1 in the BOVCB

Daniel 1 in the BOYCB

Daniel 1 in the BPBB

Daniel 1 in the BPH

Daniel 1 in the BSB

Daniel 1 in the CCB

Daniel 1 in the CUV

Daniel 1 in the CUVS

Daniel 1 in the DBT

Daniel 1 in the DGDNT

Daniel 1 in the DHNT

Daniel 1 in the DNT

Daniel 1 in the ELBE

Daniel 1 in the EMTV

Daniel 1 in the ESV

Daniel 1 in the FBV

Daniel 1 in the FEB

Daniel 1 in the GGMNT

Daniel 1 in the GNT

Daniel 1 in the HARY

Daniel 1 in the HNT

Daniel 1 in the IRVA

Daniel 1 in the IRVB

Daniel 1 in the IRVG

Daniel 1 in the IRVH

Daniel 1 in the IRVK

Daniel 1 in the IRVM

Daniel 1 in the IRVM2

Daniel 1 in the IRVO

Daniel 1 in the IRVP

Daniel 1 in the IRVT

Daniel 1 in the IRVT2

Daniel 1 in the IRVU

Daniel 1 in the ISVN

Daniel 1 in the JSNT

Daniel 1 in the KAPI

Daniel 1 in the KBT1ETNIK

Daniel 1 in the KBV

Daniel 1 in the KJV

Daniel 1 in the KNFD

Daniel 1 in the LBA

Daniel 1 in the LBLA

Daniel 1 in the LNT

Daniel 1 in the LSV

Daniel 1 in the MAAL

Daniel 1 in the MBV

Daniel 1 in the MBV2

Daniel 1 in the MHNT

Daniel 1 in the MKNFD

Daniel 1 in the MNG

Daniel 1 in the MNT

Daniel 1 in the MNT2

Daniel 1 in the MRS1T

Daniel 1 in the NAA

Daniel 1 in the NASB

Daniel 1 in the NBLA

Daniel 1 in the NBS

Daniel 1 in the NBVTP

Daniel 1 in the NET2

Daniel 1 in the NIV11

Daniel 1 in the NNT

Daniel 1 in the NNT2

Daniel 1 in the NNT3

Daniel 1 in the PDDPT

Daniel 1 in the PFNT

Daniel 1 in the RMNT

Daniel 1 in the SBIAS

Daniel 1 in the SBIBS

Daniel 1 in the SBIBS2

Daniel 1 in the SBICS

Daniel 1 in the SBIDS

Daniel 1 in the SBIGS

Daniel 1 in the SBIHS

Daniel 1 in the SBIIS

Daniel 1 in the SBIIS2

Daniel 1 in the SBIIS3

Daniel 1 in the SBIKS

Daniel 1 in the SBIKS2

Daniel 1 in the SBIMS

Daniel 1 in the SBIOS

Daniel 1 in the SBIPS

Daniel 1 in the SBISS

Daniel 1 in the SBITS

Daniel 1 in the SBITS2

Daniel 1 in the SBITS3

Daniel 1 in the SBITS4

Daniel 1 in the SBIUS

Daniel 1 in the SBIVS

Daniel 1 in the SBT

Daniel 1 in the SBT1E

Daniel 1 in the SCHL

Daniel 1 in the SNT

Daniel 1 in the SUSU

Daniel 1 in the SUSU2

Daniel 1 in the SYNO

Daniel 1 in the TBIAOTANT

Daniel 1 in the TBT1E

Daniel 1 in the TBT1E2

Daniel 1 in the TFTIP

Daniel 1 in the TFTU

Daniel 1 in the TGNTATF3T

Daniel 1 in the THAI

Daniel 1 in the TNFD

Daniel 1 in the TNT

Daniel 1 in the TNTIK

Daniel 1 in the TNTIL

Daniel 1 in the TNTIN

Daniel 1 in the TNTIP

Daniel 1 in the TNTIZ

Daniel 1 in the TOMA

Daniel 1 in the TTENT

Daniel 1 in the UBG

Daniel 1 in the UGV

Daniel 1 in the UGV2

Daniel 1 in the UGV3

Daniel 1 in the VBL

Daniel 1 in the VDCC

Daniel 1 in the YALU

Daniel 1 in the YAPE

Daniel 1 in the YBVTP

Daniel 1 in the ZBP