Deuteronomy 3 (BOSCB)

1 Mushure maizvozvo takadzoka tikakwidza nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei. 2 Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.” 3 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu. 4 Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani. 5 Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo. 6 Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana. 7 Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu. 8 Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni. 9 (Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri). 10 Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani. 11 (Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwe uye makubhiti mana paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.) 12 Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo. 13 Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kuhafu yorudzi rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu. 14 Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.) 15 Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri. 16 Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni. 17 Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga. 18 Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa. 19 Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai, 20 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.” 21 Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda. 22 Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.” 23 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati, 24 “Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita? 25 Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.” 26 Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri. 27 Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu. 28 Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.” 29 Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori.

In Other Versions

Deuteronomy 3 in the ANGEFD

Deuteronomy 3 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 3 in the AS21

Deuteronomy 3 in the BAGH

Deuteronomy 3 in the BBPNG

Deuteronomy 3 in the BBT1E

Deuteronomy 3 in the BDS

Deuteronomy 3 in the BEV

Deuteronomy 3 in the BHAD

Deuteronomy 3 in the BIB

Deuteronomy 3 in the BLPT

Deuteronomy 3 in the BNT

Deuteronomy 3 in the BNTABOOT

Deuteronomy 3 in the BNTLV

Deuteronomy 3 in the BOATCB

Deuteronomy 3 in the BOATCB2

Deuteronomy 3 in the BOBCV

Deuteronomy 3 in the BOCNT

Deuteronomy 3 in the BOECS

Deuteronomy 3 in the BOGWICC

Deuteronomy 3 in the BOHCB

Deuteronomy 3 in the BOHCV

Deuteronomy 3 in the BOHLNT

Deuteronomy 3 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 3 in the BOICB

Deuteronomy 3 in the BOILNTAP

Deuteronomy 3 in the BOITCV

Deuteronomy 3 in the BOKCV

Deuteronomy 3 in the BOKCV2

Deuteronomy 3 in the BOKHWOG

Deuteronomy 3 in the BOKSSV

Deuteronomy 3 in the BOLCB

Deuteronomy 3 in the BOLCB2

Deuteronomy 3 in the BOMCV

Deuteronomy 3 in the BONAV

Deuteronomy 3 in the BONCB

Deuteronomy 3 in the BONLT

Deuteronomy 3 in the BONUT2

Deuteronomy 3 in the BOPLNT

Deuteronomy 3 in the BOSNC

Deuteronomy 3 in the BOTLNT

Deuteronomy 3 in the BOVCB

Deuteronomy 3 in the BOYCB

Deuteronomy 3 in the BPBB

Deuteronomy 3 in the BPH

Deuteronomy 3 in the BSB

Deuteronomy 3 in the CCB

Deuteronomy 3 in the CUV

Deuteronomy 3 in the CUVS

Deuteronomy 3 in the DBT

Deuteronomy 3 in the DGDNT

Deuteronomy 3 in the DHNT

Deuteronomy 3 in the DNT

Deuteronomy 3 in the ELBE

Deuteronomy 3 in the EMTV

Deuteronomy 3 in the ESV

Deuteronomy 3 in the FBV

Deuteronomy 3 in the FEB

Deuteronomy 3 in the GGMNT

Deuteronomy 3 in the GNT

Deuteronomy 3 in the HARY

Deuteronomy 3 in the HNT

Deuteronomy 3 in the IRVA

Deuteronomy 3 in the IRVB

Deuteronomy 3 in the IRVG

Deuteronomy 3 in the IRVH

Deuteronomy 3 in the IRVK

Deuteronomy 3 in the IRVM

Deuteronomy 3 in the IRVM2

Deuteronomy 3 in the IRVO

Deuteronomy 3 in the IRVP

Deuteronomy 3 in the IRVT

Deuteronomy 3 in the IRVT2

Deuteronomy 3 in the IRVU

Deuteronomy 3 in the ISVN

Deuteronomy 3 in the JSNT

Deuteronomy 3 in the KAPI

Deuteronomy 3 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 3 in the KBV

Deuteronomy 3 in the KJV

Deuteronomy 3 in the KNFD

Deuteronomy 3 in the LBA

Deuteronomy 3 in the LBLA

Deuteronomy 3 in the LNT

Deuteronomy 3 in the LSV

Deuteronomy 3 in the MAAL

Deuteronomy 3 in the MBV

Deuteronomy 3 in the MBV2

Deuteronomy 3 in the MHNT

Deuteronomy 3 in the MKNFD

Deuteronomy 3 in the MNG

Deuteronomy 3 in the MNT

Deuteronomy 3 in the MNT2

Deuteronomy 3 in the MRS1T

Deuteronomy 3 in the NAA

Deuteronomy 3 in the NASB

Deuteronomy 3 in the NBLA

Deuteronomy 3 in the NBS

Deuteronomy 3 in the NBVTP

Deuteronomy 3 in the NET2

Deuteronomy 3 in the NIV11

Deuteronomy 3 in the NNT

Deuteronomy 3 in the NNT2

Deuteronomy 3 in the NNT3

Deuteronomy 3 in the PDDPT

Deuteronomy 3 in the PFNT

Deuteronomy 3 in the RMNT

Deuteronomy 3 in the SBIAS

Deuteronomy 3 in the SBIBS

Deuteronomy 3 in the SBIBS2

Deuteronomy 3 in the SBICS

Deuteronomy 3 in the SBIDS

Deuteronomy 3 in the SBIGS

Deuteronomy 3 in the SBIHS

Deuteronomy 3 in the SBIIS

Deuteronomy 3 in the SBIIS2

Deuteronomy 3 in the SBIIS3

Deuteronomy 3 in the SBIKS

Deuteronomy 3 in the SBIKS2

Deuteronomy 3 in the SBIMS

Deuteronomy 3 in the SBIOS

Deuteronomy 3 in the SBIPS

Deuteronomy 3 in the SBISS

Deuteronomy 3 in the SBITS

Deuteronomy 3 in the SBITS2

Deuteronomy 3 in the SBITS3

Deuteronomy 3 in the SBITS4

Deuteronomy 3 in the SBIUS

Deuteronomy 3 in the SBIVS

Deuteronomy 3 in the SBT

Deuteronomy 3 in the SBT1E

Deuteronomy 3 in the SCHL

Deuteronomy 3 in the SNT

Deuteronomy 3 in the SUSU

Deuteronomy 3 in the SUSU2

Deuteronomy 3 in the SYNO

Deuteronomy 3 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 3 in the TBT1E

Deuteronomy 3 in the TBT1E2

Deuteronomy 3 in the TFTIP

Deuteronomy 3 in the TFTU

Deuteronomy 3 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 3 in the THAI

Deuteronomy 3 in the TNFD

Deuteronomy 3 in the TNT

Deuteronomy 3 in the TNTIK

Deuteronomy 3 in the TNTIL

Deuteronomy 3 in the TNTIN

Deuteronomy 3 in the TNTIP

Deuteronomy 3 in the TNTIZ

Deuteronomy 3 in the TOMA

Deuteronomy 3 in the TTENT

Deuteronomy 3 in the UBG

Deuteronomy 3 in the UGV

Deuteronomy 3 in the UGV2

Deuteronomy 3 in the UGV3

Deuteronomy 3 in the VBL

Deuteronomy 3 in the VDCC

Deuteronomy 3 in the YALU

Deuteronomy 3 in the YAPE

Deuteronomy 3 in the YBVTP

Deuteronomy 3 in the ZBP