Exodus 22 (BOSCB)

1 “Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete. 2 “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa; 3 asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa.“Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana isina chinhu, inofanira kutongeswa kuti iripe umbavha hwayo. 4 “Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri. 5 “Kana munhu akafudza zvipfuwo zvake mumunda kana mumunda womuzambiringa uye akarega zvipfuwo zvake zvichidya mumunda womunhu, anofanira kudzorera zvakaisvonaka zvinobva mumunda wake kana mumunda wake womuzambiringa. 6 “Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo. 7 “Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri. 8 Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu. 9 Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri. 10 “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona, 11 nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa. 12 Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo. 13 Kana chakabvarurwa-bvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa. 14 “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa. 15 Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake. 16 “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake. 17 Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara. 18 “Usatendera muroyikadzi kuti ararame. 19 “Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa. 20 “Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa. 21 “Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti. 22 “Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera. 23 Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo. 24 Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera. 25 “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu. 26 Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka, 27 nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko? Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi. 28 “Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako. 29 “Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako.“Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako. 30 Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere. 31 “Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa.

In Other Versions

Exodus 22 in the ANGEFD

Exodus 22 in the ANTPNG2D

Exodus 22 in the AS21

Exodus 22 in the BAGH

Exodus 22 in the BBPNG

Exodus 22 in the BBT1E

Exodus 22 in the BDS

Exodus 22 in the BEV

Exodus 22 in the BHAD

Exodus 22 in the BIB

Exodus 22 in the BLPT

Exodus 22 in the BNT

Exodus 22 in the BNTABOOT

Exodus 22 in the BNTLV

Exodus 22 in the BOATCB

Exodus 22 in the BOATCB2

Exodus 22 in the BOBCV

Exodus 22 in the BOCNT

Exodus 22 in the BOECS

Exodus 22 in the BOGWICC

Exodus 22 in the BOHCB

Exodus 22 in the BOHCV

Exodus 22 in the BOHLNT

Exodus 22 in the BOHNTLTAL

Exodus 22 in the BOICB

Exodus 22 in the BOILNTAP

Exodus 22 in the BOITCV

Exodus 22 in the BOKCV

Exodus 22 in the BOKCV2

Exodus 22 in the BOKHWOG

Exodus 22 in the BOKSSV

Exodus 22 in the BOLCB

Exodus 22 in the BOLCB2

Exodus 22 in the BOMCV

Exodus 22 in the BONAV

Exodus 22 in the BONCB

Exodus 22 in the BONLT

Exodus 22 in the BONUT2

Exodus 22 in the BOPLNT

Exodus 22 in the BOSNC

Exodus 22 in the BOTLNT

Exodus 22 in the BOVCB

Exodus 22 in the BOYCB

Exodus 22 in the BPBB

Exodus 22 in the BPH

Exodus 22 in the BSB

Exodus 22 in the CCB

Exodus 22 in the CUV

Exodus 22 in the CUVS

Exodus 22 in the DBT

Exodus 22 in the DGDNT

Exodus 22 in the DHNT

Exodus 22 in the DNT

Exodus 22 in the ELBE

Exodus 22 in the EMTV

Exodus 22 in the ESV

Exodus 22 in the FBV

Exodus 22 in the FEB

Exodus 22 in the GGMNT

Exodus 22 in the GNT

Exodus 22 in the HARY

Exodus 22 in the HNT

Exodus 22 in the IRVA

Exodus 22 in the IRVB

Exodus 22 in the IRVG

Exodus 22 in the IRVH

Exodus 22 in the IRVK

Exodus 22 in the IRVM

Exodus 22 in the IRVM2

Exodus 22 in the IRVO

Exodus 22 in the IRVP

Exodus 22 in the IRVT

Exodus 22 in the IRVT2

Exodus 22 in the IRVU

Exodus 22 in the ISVN

Exodus 22 in the JSNT

Exodus 22 in the KAPI

Exodus 22 in the KBT1ETNIK

Exodus 22 in the KBV

Exodus 22 in the KJV

Exodus 22 in the KNFD

Exodus 22 in the LBA

Exodus 22 in the LBLA

Exodus 22 in the LNT

Exodus 22 in the LSV

Exodus 22 in the MAAL

Exodus 22 in the MBV

Exodus 22 in the MBV2

Exodus 22 in the MHNT

Exodus 22 in the MKNFD

Exodus 22 in the MNG

Exodus 22 in the MNT

Exodus 22 in the MNT2

Exodus 22 in the MRS1T

Exodus 22 in the NAA

Exodus 22 in the NASB

Exodus 22 in the NBLA

Exodus 22 in the NBS

Exodus 22 in the NBVTP

Exodus 22 in the NET2

Exodus 22 in the NIV11

Exodus 22 in the NNT

Exodus 22 in the NNT2

Exodus 22 in the NNT3

Exodus 22 in the PDDPT

Exodus 22 in the PFNT

Exodus 22 in the RMNT

Exodus 22 in the SBIAS

Exodus 22 in the SBIBS

Exodus 22 in the SBIBS2

Exodus 22 in the SBICS

Exodus 22 in the SBIDS

Exodus 22 in the SBIGS

Exodus 22 in the SBIHS

Exodus 22 in the SBIIS

Exodus 22 in the SBIIS2

Exodus 22 in the SBIIS3

Exodus 22 in the SBIKS

Exodus 22 in the SBIKS2

Exodus 22 in the SBIMS

Exodus 22 in the SBIOS

Exodus 22 in the SBIPS

Exodus 22 in the SBISS

Exodus 22 in the SBITS

Exodus 22 in the SBITS2

Exodus 22 in the SBITS3

Exodus 22 in the SBITS4

Exodus 22 in the SBIUS

Exodus 22 in the SBIVS

Exodus 22 in the SBT

Exodus 22 in the SBT1E

Exodus 22 in the SCHL

Exodus 22 in the SNT

Exodus 22 in the SUSU

Exodus 22 in the SUSU2

Exodus 22 in the SYNO

Exodus 22 in the TBIAOTANT

Exodus 22 in the TBT1E

Exodus 22 in the TBT1E2

Exodus 22 in the TFTIP

Exodus 22 in the TFTU

Exodus 22 in the TGNTATF3T

Exodus 22 in the THAI

Exodus 22 in the TNFD

Exodus 22 in the TNT

Exodus 22 in the TNTIK

Exodus 22 in the TNTIL

Exodus 22 in the TNTIN

Exodus 22 in the TNTIP

Exodus 22 in the TNTIZ

Exodus 22 in the TOMA

Exodus 22 in the TTENT

Exodus 22 in the UBG

Exodus 22 in the UGV

Exodus 22 in the UGV2

Exodus 22 in the UGV3

Exodus 22 in the VBL

Exodus 22 in the VDCC

Exodus 22 in the YALU

Exodus 22 in the YAPE

Exodus 22 in the YBVTP

Exodus 22 in the ZBP