Ezekiel 47 (BOSCB)

1 Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari. 2 Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi. 3 Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chete ndokubva ipapo andiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo. 4 Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno. 5 Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka. 6 Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?”Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi. 7 Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi. 8 Iye akati kwandiri, “Mvura iyi inoyerera yakananga kunyika yokumabvazuva ichiburukira kuArabha kwainodira mugungwa. Painongodira mugungwa, mvura yomo inobva yanaka. 9 Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama. 10 Varedzi vehove vachamira vakatevedza mahombekombe; kubvira kuEni Gedhi kusvikira kuEni Egiraimu kuchava nenzvimbo dzokuteya mumbure. Pachava nemhando zhinji dzehove, kufanana nehove dzeGungwa Guru. 11 Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu. 12 Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.” 13 Zvanzi naIshe Jehovha: “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa. 14 Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu. 15 “Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika: “Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi, 16 Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani. 17 Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro. 18 Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva. 19 Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi. 20 Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira. 21 “Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri. 22 Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. 23 Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

In Other Versions

Ezekiel 47 in the ANGEFD

Ezekiel 47 in the ANTPNG2D

Ezekiel 47 in the AS21

Ezekiel 47 in the BAGH

Ezekiel 47 in the BBPNG

Ezekiel 47 in the BBT1E

Ezekiel 47 in the BDS

Ezekiel 47 in the BEV

Ezekiel 47 in the BHAD

Ezekiel 47 in the BIB

Ezekiel 47 in the BLPT

Ezekiel 47 in the BNT

Ezekiel 47 in the BNTABOOT

Ezekiel 47 in the BNTLV

Ezekiel 47 in the BOATCB

Ezekiel 47 in the BOATCB2

Ezekiel 47 in the BOBCV

Ezekiel 47 in the BOCNT

Ezekiel 47 in the BOECS

Ezekiel 47 in the BOGWICC

Ezekiel 47 in the BOHCB

Ezekiel 47 in the BOHCV

Ezekiel 47 in the BOHLNT

Ezekiel 47 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 47 in the BOICB

Ezekiel 47 in the BOILNTAP

Ezekiel 47 in the BOITCV

Ezekiel 47 in the BOKCV

Ezekiel 47 in the BOKCV2

Ezekiel 47 in the BOKHWOG

Ezekiel 47 in the BOKSSV

Ezekiel 47 in the BOLCB

Ezekiel 47 in the BOLCB2

Ezekiel 47 in the BOMCV

Ezekiel 47 in the BONAV

Ezekiel 47 in the BONCB

Ezekiel 47 in the BONLT

Ezekiel 47 in the BONUT2

Ezekiel 47 in the BOPLNT

Ezekiel 47 in the BOSNC

Ezekiel 47 in the BOTLNT

Ezekiel 47 in the BOVCB

Ezekiel 47 in the BOYCB

Ezekiel 47 in the BPBB

Ezekiel 47 in the BPH

Ezekiel 47 in the BSB

Ezekiel 47 in the CCB

Ezekiel 47 in the CUV

Ezekiel 47 in the CUVS

Ezekiel 47 in the DBT

Ezekiel 47 in the DGDNT

Ezekiel 47 in the DHNT

Ezekiel 47 in the DNT

Ezekiel 47 in the ELBE

Ezekiel 47 in the EMTV

Ezekiel 47 in the ESV

Ezekiel 47 in the FBV

Ezekiel 47 in the FEB

Ezekiel 47 in the GGMNT

Ezekiel 47 in the GNT

Ezekiel 47 in the HARY

Ezekiel 47 in the HNT

Ezekiel 47 in the IRVA

Ezekiel 47 in the IRVB

Ezekiel 47 in the IRVG

Ezekiel 47 in the IRVH

Ezekiel 47 in the IRVK

Ezekiel 47 in the IRVM

Ezekiel 47 in the IRVM2

Ezekiel 47 in the IRVO

Ezekiel 47 in the IRVP

Ezekiel 47 in the IRVT

Ezekiel 47 in the IRVT2

Ezekiel 47 in the IRVU

Ezekiel 47 in the ISVN

Ezekiel 47 in the JSNT

Ezekiel 47 in the KAPI

Ezekiel 47 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 47 in the KBV

Ezekiel 47 in the KJV

Ezekiel 47 in the KNFD

Ezekiel 47 in the LBA

Ezekiel 47 in the LBLA

Ezekiel 47 in the LNT

Ezekiel 47 in the LSV

Ezekiel 47 in the MAAL

Ezekiel 47 in the MBV

Ezekiel 47 in the MBV2

Ezekiel 47 in the MHNT

Ezekiel 47 in the MKNFD

Ezekiel 47 in the MNG

Ezekiel 47 in the MNT

Ezekiel 47 in the MNT2

Ezekiel 47 in the MRS1T

Ezekiel 47 in the NAA

Ezekiel 47 in the NASB

Ezekiel 47 in the NBLA

Ezekiel 47 in the NBS

Ezekiel 47 in the NBVTP

Ezekiel 47 in the NET2

Ezekiel 47 in the NIV11

Ezekiel 47 in the NNT

Ezekiel 47 in the NNT2

Ezekiel 47 in the NNT3

Ezekiel 47 in the PDDPT

Ezekiel 47 in the PFNT

Ezekiel 47 in the RMNT

Ezekiel 47 in the SBIAS

Ezekiel 47 in the SBIBS

Ezekiel 47 in the SBIBS2

Ezekiel 47 in the SBICS

Ezekiel 47 in the SBIDS

Ezekiel 47 in the SBIGS

Ezekiel 47 in the SBIHS

Ezekiel 47 in the SBIIS

Ezekiel 47 in the SBIIS2

Ezekiel 47 in the SBIIS3

Ezekiel 47 in the SBIKS

Ezekiel 47 in the SBIKS2

Ezekiel 47 in the SBIMS

Ezekiel 47 in the SBIOS

Ezekiel 47 in the SBIPS

Ezekiel 47 in the SBISS

Ezekiel 47 in the SBITS

Ezekiel 47 in the SBITS2

Ezekiel 47 in the SBITS3

Ezekiel 47 in the SBITS4

Ezekiel 47 in the SBIUS

Ezekiel 47 in the SBIVS

Ezekiel 47 in the SBT

Ezekiel 47 in the SBT1E

Ezekiel 47 in the SCHL

Ezekiel 47 in the SNT

Ezekiel 47 in the SUSU

Ezekiel 47 in the SUSU2

Ezekiel 47 in the SYNO

Ezekiel 47 in the TBIAOTANT

Ezekiel 47 in the TBT1E

Ezekiel 47 in the TBT1E2

Ezekiel 47 in the TFTIP

Ezekiel 47 in the TFTU

Ezekiel 47 in the TGNTATF3T

Ezekiel 47 in the THAI

Ezekiel 47 in the TNFD

Ezekiel 47 in the TNT

Ezekiel 47 in the TNTIK

Ezekiel 47 in the TNTIL

Ezekiel 47 in the TNTIN

Ezekiel 47 in the TNTIP

Ezekiel 47 in the TNTIZ

Ezekiel 47 in the TOMA

Ezekiel 47 in the TTENT

Ezekiel 47 in the UBG

Ezekiel 47 in the UGV

Ezekiel 47 in the UGV2

Ezekiel 47 in the UGV3

Ezekiel 47 in the VBL

Ezekiel 47 in the VDCC

Ezekiel 47 in the YALU

Ezekiel 47 in the YAPE

Ezekiel 47 in the YBVTP

Ezekiel 47 in the ZBP