Ezra 3 (BOSCB)
1 Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema. 2 Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari. 3 Vakavakira aritari pahwaro uye vakabayirapo kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa, zvose zvipiriso zvinopiswa zvamangwanani nezvamadekwana, zvisinei kuti vaitya vanhu vakanga vakavapoteredza. 4 Ipapo vakapemberera Mutambo waMatumba sezvazvakanga zvakanyorwa, nouwandu hwaidikanwa hwezvipiriso zvinopiswa hwakanga hwakanyorwa, hwezuva rimwe nerimwe. 5 Mushure maizvozvo, vakapa chipiriso chinopiswa chenguva dzose, nezvibayiro zvapaKugara kwoMwedzi uye nezvibayiro zvemitambo yose mitsvene yaJehovha yakanga yakatarwa, pamwe chetewo neizvo zvakauyiswa sezvipo zvokuzvisarudzira kuna Jehovha. 6 Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kunyange zvazvo nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa. 7 Ipapo vakapa mari kuvavezi vamabwe navavezi vamatanda, uye vakapa zvokudya nezvokunwa namafuta kuvanhu veSidhoni neveTire, kuitira kuti vatore matanda emisidhari kubva kuRebhanoni vagoayeredza nemvura yegungwa kuti aende kuJopa, sezvakanga zvatenderwa naSirasi mambo wePezhia. 8 Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema vachibva kuutapwa) vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha. 9 Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari. 10 Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri. 11 Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti:“Jehovha akanaka;rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.”Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa. 12 Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru pavakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro. 13 Hapana aigona kutsaura inzwi rokudanidzira kwomufaro kubva kuinzwi rokuchema kwavanhu, nokuti vanhu vakaita ruzha rukuru kwazvo. Uye ruzha urwu rwakanzwika kure kure.
In Other Versions
Ezra 3 in the ANGEFD
Ezra 3 in the ANTPNG2D
Ezra 3 in the AS21
Ezra 3 in the BAGH
Ezra 3 in the BBPNG
Ezra 3 in the BBT1E
Ezra 3 in the BDS
Ezra 3 in the BEV
Ezra 3 in the BHAD
Ezra 3 in the BIB
Ezra 3 in the BLPT
Ezra 3 in the BNT
Ezra 3 in the BNTABOOT
Ezra 3 in the BNTLV
Ezra 3 in the BOATCB
Ezra 3 in the BOATCB2
Ezra 3 in the BOBCV
Ezra 3 in the BOCNT
Ezra 3 in the BOECS
Ezra 3 in the BOGWICC
Ezra 3 in the BOHCB
Ezra 3 in the BOHCV
Ezra 3 in the BOHLNT
Ezra 3 in the BOHNTLTAL
Ezra 3 in the BOICB
Ezra 3 in the BOILNTAP
Ezra 3 in the BOITCV
Ezra 3 in the BOKCV
Ezra 3 in the BOKCV2
Ezra 3 in the BOKHWOG
Ezra 3 in the BOKSSV
Ezra 3 in the BOLCB
Ezra 3 in the BOLCB2
Ezra 3 in the BOMCV
Ezra 3 in the BONAV
Ezra 3 in the BONCB
Ezra 3 in the BONLT
Ezra 3 in the BONUT2
Ezra 3 in the BOPLNT
Ezra 3 in the BOSNC
Ezra 3 in the BOTLNT
Ezra 3 in the BOVCB
Ezra 3 in the BOYCB
Ezra 3 in the BPBB
Ezra 3 in the BPH
Ezra 3 in the BSB
Ezra 3 in the CCB
Ezra 3 in the CUV
Ezra 3 in the CUVS
Ezra 3 in the DBT
Ezra 3 in the DGDNT
Ezra 3 in the DHNT
Ezra 3 in the DNT
Ezra 3 in the ELBE
Ezra 3 in the EMTV
Ezra 3 in the ESV
Ezra 3 in the FBV
Ezra 3 in the FEB
Ezra 3 in the GGMNT
Ezra 3 in the GNT
Ezra 3 in the HARY
Ezra 3 in the HNT
Ezra 3 in the IRVA
Ezra 3 in the IRVB
Ezra 3 in the IRVG
Ezra 3 in the IRVH
Ezra 3 in the IRVK
Ezra 3 in the IRVM
Ezra 3 in the IRVM2
Ezra 3 in the IRVO
Ezra 3 in the IRVP
Ezra 3 in the IRVT
Ezra 3 in the IRVT2
Ezra 3 in the IRVU
Ezra 3 in the ISVN
Ezra 3 in the JSNT
Ezra 3 in the KAPI
Ezra 3 in the KBT1ETNIK
Ezra 3 in the KBV
Ezra 3 in the KJV
Ezra 3 in the KNFD
Ezra 3 in the LBA
Ezra 3 in the LBLA
Ezra 3 in the LNT
Ezra 3 in the LSV
Ezra 3 in the MAAL
Ezra 3 in the MBV
Ezra 3 in the MBV2
Ezra 3 in the MHNT
Ezra 3 in the MKNFD
Ezra 3 in the MNG
Ezra 3 in the MNT
Ezra 3 in the MNT2
Ezra 3 in the MRS1T
Ezra 3 in the NAA
Ezra 3 in the NASB
Ezra 3 in the NBLA
Ezra 3 in the NBS
Ezra 3 in the NBVTP
Ezra 3 in the NET2
Ezra 3 in the NIV11
Ezra 3 in the NNT
Ezra 3 in the NNT2
Ezra 3 in the NNT3
Ezra 3 in the PDDPT
Ezra 3 in the PFNT
Ezra 3 in the RMNT
Ezra 3 in the SBIAS
Ezra 3 in the SBIBS
Ezra 3 in the SBIBS2
Ezra 3 in the SBICS
Ezra 3 in the SBIDS
Ezra 3 in the SBIGS
Ezra 3 in the SBIHS
Ezra 3 in the SBIIS
Ezra 3 in the SBIIS2
Ezra 3 in the SBIIS3
Ezra 3 in the SBIKS
Ezra 3 in the SBIKS2
Ezra 3 in the SBIMS
Ezra 3 in the SBIOS
Ezra 3 in the SBIPS
Ezra 3 in the SBISS
Ezra 3 in the SBITS
Ezra 3 in the SBITS2
Ezra 3 in the SBITS3
Ezra 3 in the SBITS4
Ezra 3 in the SBIUS
Ezra 3 in the SBIVS
Ezra 3 in the SBT
Ezra 3 in the SBT1E
Ezra 3 in the SCHL
Ezra 3 in the SNT
Ezra 3 in the SUSU
Ezra 3 in the SUSU2
Ezra 3 in the SYNO
Ezra 3 in the TBIAOTANT
Ezra 3 in the TBT1E
Ezra 3 in the TBT1E2
Ezra 3 in the TFTIP
Ezra 3 in the TFTU
Ezra 3 in the TGNTATF3T
Ezra 3 in the THAI
Ezra 3 in the TNFD
Ezra 3 in the TNT
Ezra 3 in the TNTIK
Ezra 3 in the TNTIL
Ezra 3 in the TNTIN
Ezra 3 in the TNTIP
Ezra 3 in the TNTIZ
Ezra 3 in the TOMA
Ezra 3 in the TTENT
Ezra 3 in the UBG
Ezra 3 in the UGV
Ezra 3 in the UGV2
Ezra 3 in the UGV3
Ezra 3 in the VBL
Ezra 3 in the VDCC
Ezra 3 in the YALU
Ezra 3 in the YAPE
Ezra 3 in the YBVTP
Ezra 3 in the ZBP