Genesis 17 (BOSCB)

1 Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. 2 Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.” 3 Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, 4 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji. 5 Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji. 6 Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri. 7 Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera. 8 Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.” 9 Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya. 10 Iyi ndiyo sungano yangu newe nezvizvarwa zvako zvinokutevera, sungano yaunofanira kuchengeta: Munhurume wose ari pakati penyu anofanira kudzingiswa. 11 Munofanira kudzingiswa, uye ichi chichava chiratidzo chesungano pakati pangu newe. 12 Kubva kuzvizvarwa zvinotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako. 13 Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi. 14 Munhurume upi zvake, asina kudzingiswa panyama, achabviswa pavanhu vokwake; aputsa sungano yangu.” 15 Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara. 16 Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.” 17 Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?” 18 Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!” 19 Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera. 20 Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru. 21 Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.” 22 Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kumusoro achibva paari. 23 Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari. 24 Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa, 25 uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa; 26 Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro. 27 Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye.

In Other Versions

Genesis 17 in the ANGEFD

Genesis 17 in the ANTPNG2D

Genesis 17 in the AS21

Genesis 17 in the BAGH

Genesis 17 in the BBPNG

Genesis 17 in the BBT1E

Genesis 17 in the BDS

Genesis 17 in the BEV

Genesis 17 in the BHAD

Genesis 17 in the BIB

Genesis 17 in the BLPT

Genesis 17 in the BNT

Genesis 17 in the BNTABOOT

Genesis 17 in the BNTLV

Genesis 17 in the BOATCB

Genesis 17 in the BOATCB2

Genesis 17 in the BOBCV

Genesis 17 in the BOCNT

Genesis 17 in the BOECS

Genesis 17 in the BOGWICC

Genesis 17 in the BOHCB

Genesis 17 in the BOHCV

Genesis 17 in the BOHLNT

Genesis 17 in the BOHNTLTAL

Genesis 17 in the BOICB

Genesis 17 in the BOILNTAP

Genesis 17 in the BOITCV

Genesis 17 in the BOKCV

Genesis 17 in the BOKCV2

Genesis 17 in the BOKHWOG

Genesis 17 in the BOKSSV

Genesis 17 in the BOLCB

Genesis 17 in the BOLCB2

Genesis 17 in the BOMCV

Genesis 17 in the BONAV

Genesis 17 in the BONCB

Genesis 17 in the BONLT

Genesis 17 in the BONUT2

Genesis 17 in the BOPLNT

Genesis 17 in the BOSNC

Genesis 17 in the BOTLNT

Genesis 17 in the BOVCB

Genesis 17 in the BOYCB

Genesis 17 in the BPBB

Genesis 17 in the BPH

Genesis 17 in the BSB

Genesis 17 in the CCB

Genesis 17 in the CUV

Genesis 17 in the CUVS

Genesis 17 in the DBT

Genesis 17 in the DGDNT

Genesis 17 in the DHNT

Genesis 17 in the DNT

Genesis 17 in the ELBE

Genesis 17 in the EMTV

Genesis 17 in the ESV

Genesis 17 in the FBV

Genesis 17 in the FEB

Genesis 17 in the GGMNT

Genesis 17 in the GNT

Genesis 17 in the HARY

Genesis 17 in the HNT

Genesis 17 in the IRVA

Genesis 17 in the IRVB

Genesis 17 in the IRVG

Genesis 17 in the IRVH

Genesis 17 in the IRVK

Genesis 17 in the IRVM

Genesis 17 in the IRVM2

Genesis 17 in the IRVO

Genesis 17 in the IRVP

Genesis 17 in the IRVT

Genesis 17 in the IRVT2

Genesis 17 in the IRVU

Genesis 17 in the ISVN

Genesis 17 in the JSNT

Genesis 17 in the KAPI

Genesis 17 in the KBT1ETNIK

Genesis 17 in the KBV

Genesis 17 in the KJV

Genesis 17 in the KNFD

Genesis 17 in the LBA

Genesis 17 in the LBLA

Genesis 17 in the LNT

Genesis 17 in the LSV

Genesis 17 in the MAAL

Genesis 17 in the MBV

Genesis 17 in the MBV2

Genesis 17 in the MHNT

Genesis 17 in the MKNFD

Genesis 17 in the MNG

Genesis 17 in the MNT

Genesis 17 in the MNT2

Genesis 17 in the MRS1T

Genesis 17 in the NAA

Genesis 17 in the NASB

Genesis 17 in the NBLA

Genesis 17 in the NBS

Genesis 17 in the NBVTP

Genesis 17 in the NET2

Genesis 17 in the NIV11

Genesis 17 in the NNT

Genesis 17 in the NNT2

Genesis 17 in the NNT3

Genesis 17 in the PDDPT

Genesis 17 in the PFNT

Genesis 17 in the RMNT

Genesis 17 in the SBIAS

Genesis 17 in the SBIBS

Genesis 17 in the SBIBS2

Genesis 17 in the SBICS

Genesis 17 in the SBIDS

Genesis 17 in the SBIGS

Genesis 17 in the SBIHS

Genesis 17 in the SBIIS

Genesis 17 in the SBIIS2

Genesis 17 in the SBIIS3

Genesis 17 in the SBIKS

Genesis 17 in the SBIKS2

Genesis 17 in the SBIMS

Genesis 17 in the SBIOS

Genesis 17 in the SBIPS

Genesis 17 in the SBISS

Genesis 17 in the SBITS

Genesis 17 in the SBITS2

Genesis 17 in the SBITS3

Genesis 17 in the SBITS4

Genesis 17 in the SBIUS

Genesis 17 in the SBIVS

Genesis 17 in the SBT

Genesis 17 in the SBT1E

Genesis 17 in the SCHL

Genesis 17 in the SNT

Genesis 17 in the SUSU

Genesis 17 in the SUSU2

Genesis 17 in the SYNO

Genesis 17 in the TBIAOTANT

Genesis 17 in the TBT1E

Genesis 17 in the TBT1E2

Genesis 17 in the TFTIP

Genesis 17 in the TFTU

Genesis 17 in the TGNTATF3T

Genesis 17 in the THAI

Genesis 17 in the TNFD

Genesis 17 in the TNT

Genesis 17 in the TNTIK

Genesis 17 in the TNTIL

Genesis 17 in the TNTIN

Genesis 17 in the TNTIP

Genesis 17 in the TNTIZ

Genesis 17 in the TOMA

Genesis 17 in the TTENT

Genesis 17 in the UBG

Genesis 17 in the UGV

Genesis 17 in the UGV2

Genesis 17 in the UGV3

Genesis 17 in the VBL

Genesis 17 in the VDCC

Genesis 17 in the YALU

Genesis 17 in the YAPE

Genesis 17 in the YBVTP

Genesis 17 in the ZBP