Genesis 25 (BOSCB)

1 Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura. 2 Akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. 3 Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi. 4 Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura. 5 Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka. 6 Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva. 7 Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu. 8 Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake. 9 Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti, 10 munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara. 11 Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi. 12 Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara. 13 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri,Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami, 14 Mishima, Dhuma, Masa, 15 Hadhadhi, Tema, Jeturi,Nafishi naKedhema. 16 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo. 17 Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, akasanganiswa navanhu vake. 18 Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo. 19 Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka, 20 uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu. 21 Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba. 22 Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha. 23 Jehovha akati kwaari,“Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako,uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana;rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe,uye mukuru achashumira muduku.” 24 Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. 25 Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. 26 Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka. 27 Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende. 28 Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho. 29 Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara! 30 Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu). 31 Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.” 32 Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?” 33 Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho. 34 Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda.Saka Esau akazvidza udangwe hwake.

In Other Versions

Genesis 25 in the ANGEFD

Genesis 25 in the ANTPNG2D

Genesis 25 in the AS21

Genesis 25 in the BAGH

Genesis 25 in the BBPNG

Genesis 25 in the BBT1E

Genesis 25 in the BDS

Genesis 25 in the BEV

Genesis 25 in the BHAD

Genesis 25 in the BIB

Genesis 25 in the BLPT

Genesis 25 in the BNT

Genesis 25 in the BNTABOOT

Genesis 25 in the BNTLV

Genesis 25 in the BOATCB

Genesis 25 in the BOATCB2

Genesis 25 in the BOBCV

Genesis 25 in the BOCNT

Genesis 25 in the BOECS

Genesis 25 in the BOGWICC

Genesis 25 in the BOHCB

Genesis 25 in the BOHCV

Genesis 25 in the BOHLNT

Genesis 25 in the BOHNTLTAL

Genesis 25 in the BOICB

Genesis 25 in the BOILNTAP

Genesis 25 in the BOITCV

Genesis 25 in the BOKCV

Genesis 25 in the BOKCV2

Genesis 25 in the BOKHWOG

Genesis 25 in the BOKSSV

Genesis 25 in the BOLCB

Genesis 25 in the BOLCB2

Genesis 25 in the BOMCV

Genesis 25 in the BONAV

Genesis 25 in the BONCB

Genesis 25 in the BONLT

Genesis 25 in the BONUT2

Genesis 25 in the BOPLNT

Genesis 25 in the BOSNC

Genesis 25 in the BOTLNT

Genesis 25 in the BOVCB

Genesis 25 in the BOYCB

Genesis 25 in the BPBB

Genesis 25 in the BPH

Genesis 25 in the BSB

Genesis 25 in the CCB

Genesis 25 in the CUV

Genesis 25 in the CUVS

Genesis 25 in the DBT

Genesis 25 in the DGDNT

Genesis 25 in the DHNT

Genesis 25 in the DNT

Genesis 25 in the ELBE

Genesis 25 in the EMTV

Genesis 25 in the ESV

Genesis 25 in the FBV

Genesis 25 in the FEB

Genesis 25 in the GGMNT

Genesis 25 in the GNT

Genesis 25 in the HARY

Genesis 25 in the HNT

Genesis 25 in the IRVA

Genesis 25 in the IRVB

Genesis 25 in the IRVG

Genesis 25 in the IRVH

Genesis 25 in the IRVK

Genesis 25 in the IRVM

Genesis 25 in the IRVM2

Genesis 25 in the IRVO

Genesis 25 in the IRVP

Genesis 25 in the IRVT

Genesis 25 in the IRVT2

Genesis 25 in the IRVU

Genesis 25 in the ISVN

Genesis 25 in the JSNT

Genesis 25 in the KAPI

Genesis 25 in the KBT1ETNIK

Genesis 25 in the KBV

Genesis 25 in the KJV

Genesis 25 in the KNFD

Genesis 25 in the LBA

Genesis 25 in the LBLA

Genesis 25 in the LNT

Genesis 25 in the LSV

Genesis 25 in the MAAL

Genesis 25 in the MBV

Genesis 25 in the MBV2

Genesis 25 in the MHNT

Genesis 25 in the MKNFD

Genesis 25 in the MNG

Genesis 25 in the MNT

Genesis 25 in the MNT2

Genesis 25 in the MRS1T

Genesis 25 in the NAA

Genesis 25 in the NASB

Genesis 25 in the NBLA

Genesis 25 in the NBS

Genesis 25 in the NBVTP

Genesis 25 in the NET2

Genesis 25 in the NIV11

Genesis 25 in the NNT

Genesis 25 in the NNT2

Genesis 25 in the NNT3

Genesis 25 in the PDDPT

Genesis 25 in the PFNT

Genesis 25 in the RMNT

Genesis 25 in the SBIAS

Genesis 25 in the SBIBS

Genesis 25 in the SBIBS2

Genesis 25 in the SBICS

Genesis 25 in the SBIDS

Genesis 25 in the SBIGS

Genesis 25 in the SBIHS

Genesis 25 in the SBIIS

Genesis 25 in the SBIIS2

Genesis 25 in the SBIIS3

Genesis 25 in the SBIKS

Genesis 25 in the SBIKS2

Genesis 25 in the SBIMS

Genesis 25 in the SBIOS

Genesis 25 in the SBIPS

Genesis 25 in the SBISS

Genesis 25 in the SBITS

Genesis 25 in the SBITS2

Genesis 25 in the SBITS3

Genesis 25 in the SBITS4

Genesis 25 in the SBIUS

Genesis 25 in the SBIVS

Genesis 25 in the SBT

Genesis 25 in the SBT1E

Genesis 25 in the SCHL

Genesis 25 in the SNT

Genesis 25 in the SUSU

Genesis 25 in the SUSU2

Genesis 25 in the SYNO

Genesis 25 in the TBIAOTANT

Genesis 25 in the TBT1E

Genesis 25 in the TBT1E2

Genesis 25 in the TFTIP

Genesis 25 in the TFTU

Genesis 25 in the TGNTATF3T

Genesis 25 in the THAI

Genesis 25 in the TNFD

Genesis 25 in the TNT

Genesis 25 in the TNTIK

Genesis 25 in the TNTIL

Genesis 25 in the TNTIN

Genesis 25 in the TNTIP

Genesis 25 in the TNTIZ

Genesis 25 in the TOMA

Genesis 25 in the TTENT

Genesis 25 in the UBG

Genesis 25 in the UGV

Genesis 25 in the UGV2

Genesis 25 in the UGV3

Genesis 25 in the VBL

Genesis 25 in the VDCC

Genesis 25 in the YALU

Genesis 25 in the YAPE

Genesis 25 in the YBVTP

Genesis 25 in the ZBP