Genesis 3 (BOSCB)
1 Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?” 2 Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, 3 asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ” 4 Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. 5 Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.” 6 Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya. 7 Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo. 8 Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu. 9 Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?” 10 Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.” 11 Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?” 12 Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.” 13 Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.” 14 Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi,“Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose,kupfuura mhuka dzose dzesango!Uchafamba nedumbu rakouye uchadya guruvamazuva ose oupenyu hwako. 15 Uye ndichaisa ruvengopakati pako nomukadzi,uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi;achapwanya musoro wako,uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.” 16 Kumukadzi akati,“Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana;uchabereka vana mukurwadziwa.Kuda kwako kuchava kumurume wako,uye achava nesimba pamusoro pako.” 17 Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’“Ivhu ratukwa nokuda kwako;mukushanda kunorwadza,uchadya zvibereko zvaromazuva ose oupenyu hwako. 18 Richakuberekera minzwa norukato,uye uchadya miriwo yomusango. 19 Neziya rechiso chakouchadya zvokudya zvakokusvikira wadzokera kuguruva,sezvo wakatorwa kwariri;nokuti uri guruva,kuguruva uchadzokera.” 20 Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose. 21 Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza. 22 Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.” 23 Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. 24 Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
In Other Versions
Genesis 3 in the ANGEFD
Genesis 3 in the ANTPNG2D
Genesis 3 in the AS21
Genesis 3 in the BAGH
Genesis 3 in the BBPNG
Genesis 3 in the BBT1E
Genesis 3 in the BDS
Genesis 3 in the BEV
Genesis 3 in the BHAD
Genesis 3 in the BIB
Genesis 3 in the BLPT
Genesis 3 in the BNT
Genesis 3 in the BNTABOOT
Genesis 3 in the BNTLV
Genesis 3 in the BOATCB
Genesis 3 in the BOATCB2
Genesis 3 in the BOBCV
Genesis 3 in the BOCNT
Genesis 3 in the BOECS
Genesis 3 in the BOGWICC
Genesis 3 in the BOHCB
Genesis 3 in the BOHCV
Genesis 3 in the BOHLNT
Genesis 3 in the BOHNTLTAL
Genesis 3 in the BOICB
Genesis 3 in the BOILNTAP
Genesis 3 in the BOITCV
Genesis 3 in the BOKCV
Genesis 3 in the BOKCV2
Genesis 3 in the BOKHWOG
Genesis 3 in the BOKSSV
Genesis 3 in the BOLCB
Genesis 3 in the BOLCB2
Genesis 3 in the BOMCV
Genesis 3 in the BONAV
Genesis 3 in the BONCB
Genesis 3 in the BONLT
Genesis 3 in the BONUT2
Genesis 3 in the BOPLNT
Genesis 3 in the BOSNC
Genesis 3 in the BOTLNT
Genesis 3 in the BOVCB
Genesis 3 in the BOYCB
Genesis 3 in the BPBB
Genesis 3 in the BPH
Genesis 3 in the BSB
Genesis 3 in the CCB
Genesis 3 in the CUV
Genesis 3 in the CUVS
Genesis 3 in the DBT
Genesis 3 in the DGDNT
Genesis 3 in the DHNT
Genesis 3 in the DNT
Genesis 3 in the ELBE
Genesis 3 in the EMTV
Genesis 3 in the ESV
Genesis 3 in the FBV
Genesis 3 in the FEB
Genesis 3 in the GGMNT
Genesis 3 in the GNT
Genesis 3 in the HARY
Genesis 3 in the HNT
Genesis 3 in the IRVA
Genesis 3 in the IRVB
Genesis 3 in the IRVG
Genesis 3 in the IRVH
Genesis 3 in the IRVK
Genesis 3 in the IRVM
Genesis 3 in the IRVM2
Genesis 3 in the IRVO
Genesis 3 in the IRVP
Genesis 3 in the IRVT
Genesis 3 in the IRVT2
Genesis 3 in the IRVU
Genesis 3 in the ISVN
Genesis 3 in the JSNT
Genesis 3 in the KAPI
Genesis 3 in the KBT1ETNIK
Genesis 3 in the KBV
Genesis 3 in the KJV
Genesis 3 in the KNFD
Genesis 3 in the LBA
Genesis 3 in the LBLA
Genesis 3 in the LNT
Genesis 3 in the LSV
Genesis 3 in the MAAL
Genesis 3 in the MBV
Genesis 3 in the MBV2
Genesis 3 in the MHNT
Genesis 3 in the MKNFD
Genesis 3 in the MNG
Genesis 3 in the MNT
Genesis 3 in the MNT2
Genesis 3 in the MRS1T
Genesis 3 in the NAA
Genesis 3 in the NASB
Genesis 3 in the NBLA
Genesis 3 in the NBS
Genesis 3 in the NBVTP
Genesis 3 in the NET2
Genesis 3 in the NIV11
Genesis 3 in the NNT
Genesis 3 in the NNT2
Genesis 3 in the NNT3
Genesis 3 in the PDDPT
Genesis 3 in the PFNT
Genesis 3 in the RMNT
Genesis 3 in the SBIAS
Genesis 3 in the SBIBS
Genesis 3 in the SBIBS2
Genesis 3 in the SBICS
Genesis 3 in the SBIDS
Genesis 3 in the SBIGS
Genesis 3 in the SBIHS
Genesis 3 in the SBIIS
Genesis 3 in the SBIIS2
Genesis 3 in the SBIIS3
Genesis 3 in the SBIKS
Genesis 3 in the SBIKS2
Genesis 3 in the SBIMS
Genesis 3 in the SBIOS
Genesis 3 in the SBIPS
Genesis 3 in the SBISS
Genesis 3 in the SBITS
Genesis 3 in the SBITS2
Genesis 3 in the SBITS3
Genesis 3 in the SBITS4
Genesis 3 in the SBIUS
Genesis 3 in the SBIVS
Genesis 3 in the SBT
Genesis 3 in the SBT1E
Genesis 3 in the SCHL
Genesis 3 in the SNT
Genesis 3 in the SUSU
Genesis 3 in the SUSU2
Genesis 3 in the SYNO
Genesis 3 in the TBIAOTANT
Genesis 3 in the TBT1E
Genesis 3 in the TBT1E2
Genesis 3 in the TFTIP
Genesis 3 in the TFTU
Genesis 3 in the TGNTATF3T
Genesis 3 in the THAI
Genesis 3 in the TNFD
Genesis 3 in the TNT
Genesis 3 in the TNTIK
Genesis 3 in the TNTIL
Genesis 3 in the TNTIN
Genesis 3 in the TNTIP
Genesis 3 in the TNTIZ
Genesis 3 in the TOMA
Genesis 3 in the TTENT
Genesis 3 in the UBG
Genesis 3 in the UGV
Genesis 3 in the UGV2
Genesis 3 in the UGV3
Genesis 3 in the VBL
Genesis 3 in the VDCC
Genesis 3 in the YALU
Genesis 3 in the YAPE
Genesis 3 in the YBVTP
Genesis 3 in the ZBP