Genesis 4 (BOSCB)
1 Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” 2 Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri.Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu. 3 Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. 4 Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake, 5 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana. 6 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana? 7 Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.” 8 Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya. 9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?”Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?” 10 Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu. 11 Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako. 12 Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.” 13 Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura. 14 Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.” 15 Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya. 16 Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni. 17 Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki. 18 Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki. 19 Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira. 20 Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo. 21 Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere. 22 Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama. 23 Rameki akati kuvakadzi vake,“Adha naZira, nditeererei;imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu.Ndauraya munhu nokuti andikuvadza,nejaya nokuti randipwanya. 24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe,naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.” 25 Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.” 26 Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi.Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.
In Other Versions
Genesis 4 in the ANGEFD
Genesis 4 in the ANTPNG2D
Genesis 4 in the AS21
Genesis 4 in the BAGH
Genesis 4 in the BBPNG
Genesis 4 in the BBT1E
Genesis 4 in the BDS
Genesis 4 in the BEV
Genesis 4 in the BHAD
Genesis 4 in the BIB
Genesis 4 in the BLPT
Genesis 4 in the BNT
Genesis 4 in the BNTABOOT
Genesis 4 in the BNTLV
Genesis 4 in the BOATCB
Genesis 4 in the BOATCB2
Genesis 4 in the BOBCV
Genesis 4 in the BOCNT
Genesis 4 in the BOECS
Genesis 4 in the BOGWICC
Genesis 4 in the BOHCB
Genesis 4 in the BOHCV
Genesis 4 in the BOHLNT
Genesis 4 in the BOHNTLTAL
Genesis 4 in the BOICB
Genesis 4 in the BOILNTAP
Genesis 4 in the BOITCV
Genesis 4 in the BOKCV
Genesis 4 in the BOKCV2
Genesis 4 in the BOKHWOG
Genesis 4 in the BOKSSV
Genesis 4 in the BOLCB
Genesis 4 in the BOLCB2
Genesis 4 in the BOMCV
Genesis 4 in the BONAV
Genesis 4 in the BONCB
Genesis 4 in the BONLT
Genesis 4 in the BONUT2
Genesis 4 in the BOPLNT
Genesis 4 in the BOSNC
Genesis 4 in the BOTLNT
Genesis 4 in the BOVCB
Genesis 4 in the BOYCB
Genesis 4 in the BPBB
Genesis 4 in the BPH
Genesis 4 in the BSB
Genesis 4 in the CCB
Genesis 4 in the CUV
Genesis 4 in the CUVS
Genesis 4 in the DBT
Genesis 4 in the DGDNT
Genesis 4 in the DHNT
Genesis 4 in the DNT
Genesis 4 in the ELBE
Genesis 4 in the EMTV
Genesis 4 in the ESV
Genesis 4 in the FBV
Genesis 4 in the FEB
Genesis 4 in the GGMNT
Genesis 4 in the GNT
Genesis 4 in the HARY
Genesis 4 in the HNT
Genesis 4 in the IRVA
Genesis 4 in the IRVB
Genesis 4 in the IRVG
Genesis 4 in the IRVH
Genesis 4 in the IRVK
Genesis 4 in the IRVM
Genesis 4 in the IRVM2
Genesis 4 in the IRVO
Genesis 4 in the IRVP
Genesis 4 in the IRVT
Genesis 4 in the IRVT2
Genesis 4 in the IRVU
Genesis 4 in the ISVN
Genesis 4 in the JSNT
Genesis 4 in the KAPI
Genesis 4 in the KBT1ETNIK
Genesis 4 in the KBV
Genesis 4 in the KJV
Genesis 4 in the KNFD
Genesis 4 in the LBA
Genesis 4 in the LBLA
Genesis 4 in the LNT
Genesis 4 in the LSV
Genesis 4 in the MAAL
Genesis 4 in the MBV
Genesis 4 in the MBV2
Genesis 4 in the MHNT
Genesis 4 in the MKNFD
Genesis 4 in the MNG
Genesis 4 in the MNT
Genesis 4 in the MNT2
Genesis 4 in the MRS1T
Genesis 4 in the NAA
Genesis 4 in the NASB
Genesis 4 in the NBLA
Genesis 4 in the NBS
Genesis 4 in the NBVTP
Genesis 4 in the NET2
Genesis 4 in the NIV11
Genesis 4 in the NNT
Genesis 4 in the NNT2
Genesis 4 in the NNT3
Genesis 4 in the PDDPT
Genesis 4 in the PFNT
Genesis 4 in the RMNT
Genesis 4 in the SBIAS
Genesis 4 in the SBIBS
Genesis 4 in the SBIBS2
Genesis 4 in the SBICS
Genesis 4 in the SBIDS
Genesis 4 in the SBIGS
Genesis 4 in the SBIHS
Genesis 4 in the SBIIS
Genesis 4 in the SBIIS2
Genesis 4 in the SBIIS3
Genesis 4 in the SBIKS
Genesis 4 in the SBIKS2
Genesis 4 in the SBIMS
Genesis 4 in the SBIOS
Genesis 4 in the SBIPS
Genesis 4 in the SBISS
Genesis 4 in the SBITS
Genesis 4 in the SBITS2
Genesis 4 in the SBITS3
Genesis 4 in the SBITS4
Genesis 4 in the SBIUS
Genesis 4 in the SBIVS
Genesis 4 in the SBT
Genesis 4 in the SBT1E
Genesis 4 in the SCHL
Genesis 4 in the SNT
Genesis 4 in the SUSU
Genesis 4 in the SUSU2
Genesis 4 in the SYNO
Genesis 4 in the TBIAOTANT
Genesis 4 in the TBT1E
Genesis 4 in the TBT1E2
Genesis 4 in the TFTIP
Genesis 4 in the TFTU
Genesis 4 in the TGNTATF3T
Genesis 4 in the THAI
Genesis 4 in the TNFD
Genesis 4 in the TNT
Genesis 4 in the TNTIK
Genesis 4 in the TNTIL
Genesis 4 in the TNTIN
Genesis 4 in the TNTIP
Genesis 4 in the TNTIZ
Genesis 4 in the TOMA
Genesis 4 in the TTENT
Genesis 4 in the UBG
Genesis 4 in the UGV
Genesis 4 in the UGV2
Genesis 4 in the UGV3
Genesis 4 in the VBL
Genesis 4 in the VDCC
Genesis 4 in the YALU
Genesis 4 in the YAPE
Genesis 4 in the YBVTP
Genesis 4 in the ZBP