Haggai 1 (BOSCB)
1 Mugore rechipiri ramambo Dhariasi, pazuva rokutanga romwedzi wechitanhatu, shoko raJehovha rakasvika kubudikidza nomuprofita Hagai richienda kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, richiti: 2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu ava vanoti, ‘Nguva haisati yasvika yokuti imba yaJehovha ivakwe.’ ” 3 Ipapo shoko raJehovha rakasvika nokumuprofita Hagai richiti, 4 “Ko, inguva here yokuti imi pachenyu mugare mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namapuranga, asi imba ino ichiramba iri dongo?” 5 Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu. 6 Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.” 7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu. 8 Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 9 “Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake. 10 Naizvozvo, nokuda kwenyu matenga aramba nedova uye nyika yaramba nezvibereko zvayo. 11 Ndakadana kuoma kuti kuuye paminda napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napazvose zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, uye napamabasa amaoko enyu.” 12 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo uye shoko romuprofita Hagai, nokuti Jehovha Mwari wavo akanga amutuma. Uye vanhu vakatya Jehovha. 13 Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, akasvitsa shoko iri raJehovha kuvanhu achiti, “Ndinemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 14 Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo, 15 pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu mugore rechipiri ramambo Dhariasi.
In Other Versions
Haggai 1 in the ANGEFD
Haggai 1 in the ANTPNG2D
Haggai 1 in the AS21
Haggai 1 in the BAGH
Haggai 1 in the BBPNG
Haggai 1 in the BBT1E
Haggai 1 in the BDS
Haggai 1 in the BEV
Haggai 1 in the BHAD
Haggai 1 in the BIB
Haggai 1 in the BLPT
Haggai 1 in the BNT
Haggai 1 in the BNTABOOT
Haggai 1 in the BNTLV
Haggai 1 in the BOATCB
Haggai 1 in the BOATCB2
Haggai 1 in the BOBCV
Haggai 1 in the BOCNT
Haggai 1 in the BOECS
Haggai 1 in the BOGWICC
Haggai 1 in the BOHCB
Haggai 1 in the BOHCV
Haggai 1 in the BOHLNT
Haggai 1 in the BOHNTLTAL
Haggai 1 in the BOICB
Haggai 1 in the BOILNTAP
Haggai 1 in the BOITCV
Haggai 1 in the BOKCV
Haggai 1 in the BOKCV2
Haggai 1 in the BOKHWOG
Haggai 1 in the BOKSSV
Haggai 1 in the BOLCB
Haggai 1 in the BOLCB2
Haggai 1 in the BOMCV
Haggai 1 in the BONAV
Haggai 1 in the BONCB
Haggai 1 in the BONLT
Haggai 1 in the BONUT2
Haggai 1 in the BOPLNT
Haggai 1 in the BOSNC
Haggai 1 in the BOTLNT
Haggai 1 in the BOVCB
Haggai 1 in the BOYCB
Haggai 1 in the BPBB
Haggai 1 in the BPH
Haggai 1 in the BSB
Haggai 1 in the CCB
Haggai 1 in the CUV
Haggai 1 in the CUVS
Haggai 1 in the DBT
Haggai 1 in the DGDNT
Haggai 1 in the DHNT
Haggai 1 in the DNT
Haggai 1 in the ELBE
Haggai 1 in the EMTV
Haggai 1 in the ESV
Haggai 1 in the FBV
Haggai 1 in the FEB
Haggai 1 in the GGMNT
Haggai 1 in the GNT
Haggai 1 in the HARY
Haggai 1 in the HNT
Haggai 1 in the IRVA
Haggai 1 in the IRVB
Haggai 1 in the IRVG
Haggai 1 in the IRVH
Haggai 1 in the IRVK
Haggai 1 in the IRVM
Haggai 1 in the IRVM2
Haggai 1 in the IRVO
Haggai 1 in the IRVP
Haggai 1 in the IRVT
Haggai 1 in the IRVT2
Haggai 1 in the IRVU
Haggai 1 in the ISVN
Haggai 1 in the JSNT
Haggai 1 in the KAPI
Haggai 1 in the KBT1ETNIK
Haggai 1 in the KBV
Haggai 1 in the KJV
Haggai 1 in the KNFD
Haggai 1 in the LBA
Haggai 1 in the LBLA
Haggai 1 in the LNT
Haggai 1 in the LSV
Haggai 1 in the MAAL
Haggai 1 in the MBV
Haggai 1 in the MBV2
Haggai 1 in the MHNT
Haggai 1 in the MKNFD
Haggai 1 in the MNG
Haggai 1 in the MNT
Haggai 1 in the MNT2
Haggai 1 in the MRS1T
Haggai 1 in the NAA
Haggai 1 in the NASB
Haggai 1 in the NBLA
Haggai 1 in the NBS
Haggai 1 in the NBVTP
Haggai 1 in the NET2
Haggai 1 in the NIV11
Haggai 1 in the NNT
Haggai 1 in the NNT2
Haggai 1 in the NNT3
Haggai 1 in the PDDPT
Haggai 1 in the PFNT
Haggai 1 in the RMNT
Haggai 1 in the SBIAS
Haggai 1 in the SBIBS
Haggai 1 in the SBIBS2
Haggai 1 in the SBICS
Haggai 1 in the SBIDS
Haggai 1 in the SBIGS
Haggai 1 in the SBIHS
Haggai 1 in the SBIIS
Haggai 1 in the SBIIS2
Haggai 1 in the SBIIS3
Haggai 1 in the SBIKS
Haggai 1 in the SBIKS2
Haggai 1 in the SBIMS
Haggai 1 in the SBIOS
Haggai 1 in the SBIPS
Haggai 1 in the SBISS
Haggai 1 in the SBITS
Haggai 1 in the SBITS2
Haggai 1 in the SBITS3
Haggai 1 in the SBITS4
Haggai 1 in the SBIUS
Haggai 1 in the SBIVS
Haggai 1 in the SBT
Haggai 1 in the SBT1E
Haggai 1 in the SCHL
Haggai 1 in the SNT
Haggai 1 in the SUSU
Haggai 1 in the SUSU2
Haggai 1 in the SYNO
Haggai 1 in the TBIAOTANT
Haggai 1 in the TBT1E
Haggai 1 in the TBT1E2
Haggai 1 in the TFTIP
Haggai 1 in the TFTU
Haggai 1 in the TGNTATF3T
Haggai 1 in the THAI
Haggai 1 in the TNFD
Haggai 1 in the TNT
Haggai 1 in the TNTIK
Haggai 1 in the TNTIL
Haggai 1 in the TNTIN
Haggai 1 in the TNTIP
Haggai 1 in the TNTIZ
Haggai 1 in the TOMA
Haggai 1 in the TTENT
Haggai 1 in the UBG
Haggai 1 in the UGV
Haggai 1 in the UGV2
Haggai 1 in the UGV3
Haggai 1 in the VBL
Haggai 1 in the VDCC
Haggai 1 in the YALU
Haggai 1 in the YAPE
Haggai 1 in the YBVTP
Haggai 1 in the ZBP