Judges 2 (BOSCB)

1 Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi, 2 uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo? 3 Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.” 4 Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo, 5 uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha. 6 Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake. 7 Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. 8 Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete. 9 Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi. 10 Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka. 11 Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari. 12 Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha, 13 nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti. 14 Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa. 15 Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru. 16 Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava. 17 Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha. 18 Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira uye vachivarwadzisa. 19 Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo. 20 Naizvozvo Jehovha akavatsamwira zvikuru akati, “Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakaputsa sungano yangu yandakaita namadzitateguru avo uye vakasanditeerera, 21 handichadzingizve pamberi pavo rudzi rupi zvarwo rwedzimwe ndudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake. 22 Ndichavashandisa kuti vaedze vaIsraeri, kuti ndione kuti vachachengeta here nzira yaJehovha vagofamba mairi sezvakaitwa namadzitateguru avo.” 23 Jehovha akatendera ndudzi idzo kuti dzisare; haana kudzidzinga pakarepo uye haana kudziisa mumaoko aJoshua.

In Other Versions

Judges 2 in the ANGEFD

Judges 2 in the ANTPNG2D

Judges 2 in the AS21

Judges 2 in the BAGH

Judges 2 in the BBPNG

Judges 2 in the BBT1E

Judges 2 in the BDS

Judges 2 in the BEV

Judges 2 in the BHAD

Judges 2 in the BIB

Judges 2 in the BLPT

Judges 2 in the BNT

Judges 2 in the BNTABOOT

Judges 2 in the BNTLV

Judges 2 in the BOATCB

Judges 2 in the BOATCB2

Judges 2 in the BOBCV

Judges 2 in the BOCNT

Judges 2 in the BOECS

Judges 2 in the BOGWICC

Judges 2 in the BOHCB

Judges 2 in the BOHCV

Judges 2 in the BOHLNT

Judges 2 in the BOHNTLTAL

Judges 2 in the BOICB

Judges 2 in the BOILNTAP

Judges 2 in the BOITCV

Judges 2 in the BOKCV

Judges 2 in the BOKCV2

Judges 2 in the BOKHWOG

Judges 2 in the BOKSSV

Judges 2 in the BOLCB

Judges 2 in the BOLCB2

Judges 2 in the BOMCV

Judges 2 in the BONAV

Judges 2 in the BONCB

Judges 2 in the BONLT

Judges 2 in the BONUT2

Judges 2 in the BOPLNT

Judges 2 in the BOSNC

Judges 2 in the BOTLNT

Judges 2 in the BOVCB

Judges 2 in the BOYCB

Judges 2 in the BPBB

Judges 2 in the BPH

Judges 2 in the BSB

Judges 2 in the CCB

Judges 2 in the CUV

Judges 2 in the CUVS

Judges 2 in the DBT

Judges 2 in the DGDNT

Judges 2 in the DHNT

Judges 2 in the DNT

Judges 2 in the ELBE

Judges 2 in the EMTV

Judges 2 in the ESV

Judges 2 in the FBV

Judges 2 in the FEB

Judges 2 in the GGMNT

Judges 2 in the GNT

Judges 2 in the HARY

Judges 2 in the HNT

Judges 2 in the IRVA

Judges 2 in the IRVB

Judges 2 in the IRVG

Judges 2 in the IRVH

Judges 2 in the IRVK

Judges 2 in the IRVM

Judges 2 in the IRVM2

Judges 2 in the IRVO

Judges 2 in the IRVP

Judges 2 in the IRVT

Judges 2 in the IRVT2

Judges 2 in the IRVU

Judges 2 in the ISVN

Judges 2 in the JSNT

Judges 2 in the KAPI

Judges 2 in the KBT1ETNIK

Judges 2 in the KBV

Judges 2 in the KJV

Judges 2 in the KNFD

Judges 2 in the LBA

Judges 2 in the LBLA

Judges 2 in the LNT

Judges 2 in the LSV

Judges 2 in the MAAL

Judges 2 in the MBV

Judges 2 in the MBV2

Judges 2 in the MHNT

Judges 2 in the MKNFD

Judges 2 in the MNG

Judges 2 in the MNT

Judges 2 in the MNT2

Judges 2 in the MRS1T

Judges 2 in the NAA

Judges 2 in the NASB

Judges 2 in the NBLA

Judges 2 in the NBS

Judges 2 in the NBVTP

Judges 2 in the NET2

Judges 2 in the NIV11

Judges 2 in the NNT

Judges 2 in the NNT2

Judges 2 in the NNT3

Judges 2 in the PDDPT

Judges 2 in the PFNT

Judges 2 in the RMNT

Judges 2 in the SBIAS

Judges 2 in the SBIBS

Judges 2 in the SBIBS2

Judges 2 in the SBICS

Judges 2 in the SBIDS

Judges 2 in the SBIGS

Judges 2 in the SBIHS

Judges 2 in the SBIIS

Judges 2 in the SBIIS2

Judges 2 in the SBIIS3

Judges 2 in the SBIKS

Judges 2 in the SBIKS2

Judges 2 in the SBIMS

Judges 2 in the SBIOS

Judges 2 in the SBIPS

Judges 2 in the SBISS

Judges 2 in the SBITS

Judges 2 in the SBITS2

Judges 2 in the SBITS3

Judges 2 in the SBITS4

Judges 2 in the SBIUS

Judges 2 in the SBIVS

Judges 2 in the SBT

Judges 2 in the SBT1E

Judges 2 in the SCHL

Judges 2 in the SNT

Judges 2 in the SUSU

Judges 2 in the SUSU2

Judges 2 in the SYNO

Judges 2 in the TBIAOTANT

Judges 2 in the TBT1E

Judges 2 in the TBT1E2

Judges 2 in the TFTIP

Judges 2 in the TFTU

Judges 2 in the TGNTATF3T

Judges 2 in the THAI

Judges 2 in the TNFD

Judges 2 in the TNT

Judges 2 in the TNTIK

Judges 2 in the TNTIL

Judges 2 in the TNTIN

Judges 2 in the TNTIP

Judges 2 in the TNTIZ

Judges 2 in the TOMA

Judges 2 in the TTENT

Judges 2 in the UBG

Judges 2 in the UGV

Judges 2 in the UGV2

Judges 2 in the UGV3

Judges 2 in the VBL

Judges 2 in the VDCC

Judges 2 in the YALU

Judges 2 in the YAPE

Judges 2 in the YBVTP

Judges 2 in the ZBP