Jeremiah 14 (BOSCB)

1 Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura: 2 “Judha anochema,maguta ake apera simba;vanoungudza nokuda kwenyika,uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema. 3 Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura;vanoenda kumatsime,asi vanoshayiwa mvura.Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura;vaora mwoyo uye vasisina tariro,vanofukidza misoro yavo. 4 Nyika yaparukanokuti munyika hamuchina mvura;varimi vaora mwoyouye vanofukidza misoro yavo. 5 Kunyange nehadzi yenondo iri musangoinosiya mhuru yayo ichangoberekwanokuti hakuchina bundo. 6 Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti,uye dzinofemedzeka semakava;meso adzo haachaona zvakanakanokuda kwokushaya mafuro.” 7 Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa,imi Jehovha, onai zvamungaita nokuda kwezita renyu.Nokuti kudzokera kwedu shure kukuru;takakutadzirai. 8 Imi Tariro yaIsraeri,Muponesi wavo panguva yokutambudzika,maitireiko somutorwa munyika,somufambi anongovata usiku humwe chete? 9 Maitireiko somunhu ashamisikasomurwi ashaya simba rokuponesa?Muri pakati pedu, imi Jehovha,uye takatumidzwa zita renyu;regai kutisiya! 10 Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava,“Vanofarira kungofamba-famba;havadzori tsoka dzavo.Saka Jehovha haavagamuchiri;zvino acharangarira zvakaipa zvavouye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.” 11 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava. 12 Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.” 13 Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ” 14 Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofitirai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo. 15 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara. 16 Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira. 17 “Taura shoko iri kwavari, uti,“ ‘Meso angu ngaayerere misodziusiku namasikati asingaregi;nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu,vakuvadzwa vanga rakaipa, iko kurohwa kukuru. 18 Kana ndikaenda mukati menyika,ndinoona vaya vakaurayiwa nomunondo;kana ndikaenda muguta,ndinoona vakaparadzwa nenzara.Vose, muprofita nomupristavakaenda kunyika yavasingazivi.’ ” 19 Ko, maramba Judha zvachose here?Munozvidza Zioni here?Sei makatirwadzisazvokuti tirege kuporeswa?Takatarisira rugareasi hakuna chakanaka chakauya,takatarisira nguva yokuporeswaasi panongova nokuvhundutswa bedzi. 20 Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu,uye nemhosva yamadzibaba edu;zvirokwazvo takakutadzirai. 21 Nokuda kwezita renyu, musatizvidza;regai kushora chigaro chenyu chinobwinya.Rangarirai henyu sungano yenyu nesumugorega kuiputsa. 22 Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here?Ko, matenga, anonayisa mvura oga here?Kwete, ndimi, iyemi Jehovha Mwari wedu.Naizvozvo tariro yedu iri mamuri,nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.

In Other Versions

Jeremiah 14 in the ANGEFD

Jeremiah 14 in the ANTPNG2D

Jeremiah 14 in the AS21

Jeremiah 14 in the BAGH

Jeremiah 14 in the BBPNG

Jeremiah 14 in the BBT1E

Jeremiah 14 in the BDS

Jeremiah 14 in the BEV

Jeremiah 14 in the BHAD

Jeremiah 14 in the BIB

Jeremiah 14 in the BLPT

Jeremiah 14 in the BNT

Jeremiah 14 in the BNTABOOT

Jeremiah 14 in the BNTLV

Jeremiah 14 in the BOATCB

Jeremiah 14 in the BOATCB2

Jeremiah 14 in the BOBCV

Jeremiah 14 in the BOCNT

Jeremiah 14 in the BOECS

Jeremiah 14 in the BOGWICC

Jeremiah 14 in the BOHCB

Jeremiah 14 in the BOHCV

Jeremiah 14 in the BOHLNT

Jeremiah 14 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 14 in the BOICB

Jeremiah 14 in the BOILNTAP

Jeremiah 14 in the BOITCV

Jeremiah 14 in the BOKCV

Jeremiah 14 in the BOKCV2

Jeremiah 14 in the BOKHWOG

Jeremiah 14 in the BOKSSV

Jeremiah 14 in the BOLCB

Jeremiah 14 in the BOLCB2

Jeremiah 14 in the BOMCV

Jeremiah 14 in the BONAV

Jeremiah 14 in the BONCB

Jeremiah 14 in the BONLT

Jeremiah 14 in the BONUT2

Jeremiah 14 in the BOPLNT

Jeremiah 14 in the BOSNC

Jeremiah 14 in the BOTLNT

Jeremiah 14 in the BOVCB

Jeremiah 14 in the BOYCB

Jeremiah 14 in the BPBB

Jeremiah 14 in the BPH

Jeremiah 14 in the BSB

Jeremiah 14 in the CCB

Jeremiah 14 in the CUV

Jeremiah 14 in the CUVS

Jeremiah 14 in the DBT

Jeremiah 14 in the DGDNT

Jeremiah 14 in the DHNT

Jeremiah 14 in the DNT

Jeremiah 14 in the ELBE

Jeremiah 14 in the EMTV

Jeremiah 14 in the ESV

Jeremiah 14 in the FBV

Jeremiah 14 in the FEB

Jeremiah 14 in the GGMNT

Jeremiah 14 in the GNT

Jeremiah 14 in the HARY

Jeremiah 14 in the HNT

Jeremiah 14 in the IRVA

Jeremiah 14 in the IRVB

Jeremiah 14 in the IRVG

Jeremiah 14 in the IRVH

Jeremiah 14 in the IRVK

Jeremiah 14 in the IRVM

Jeremiah 14 in the IRVM2

Jeremiah 14 in the IRVO

Jeremiah 14 in the IRVP

Jeremiah 14 in the IRVT

Jeremiah 14 in the IRVT2

Jeremiah 14 in the IRVU

Jeremiah 14 in the ISVN

Jeremiah 14 in the JSNT

Jeremiah 14 in the KAPI

Jeremiah 14 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 14 in the KBV

Jeremiah 14 in the KJV

Jeremiah 14 in the KNFD

Jeremiah 14 in the LBA

Jeremiah 14 in the LBLA

Jeremiah 14 in the LNT

Jeremiah 14 in the LSV

Jeremiah 14 in the MAAL

Jeremiah 14 in the MBV

Jeremiah 14 in the MBV2

Jeremiah 14 in the MHNT

Jeremiah 14 in the MKNFD

Jeremiah 14 in the MNG

Jeremiah 14 in the MNT

Jeremiah 14 in the MNT2

Jeremiah 14 in the MRS1T

Jeremiah 14 in the NAA

Jeremiah 14 in the NASB

Jeremiah 14 in the NBLA

Jeremiah 14 in the NBS

Jeremiah 14 in the NBVTP

Jeremiah 14 in the NET2

Jeremiah 14 in the NIV11

Jeremiah 14 in the NNT

Jeremiah 14 in the NNT2

Jeremiah 14 in the NNT3

Jeremiah 14 in the PDDPT

Jeremiah 14 in the PFNT

Jeremiah 14 in the RMNT

Jeremiah 14 in the SBIAS

Jeremiah 14 in the SBIBS

Jeremiah 14 in the SBIBS2

Jeremiah 14 in the SBICS

Jeremiah 14 in the SBIDS

Jeremiah 14 in the SBIGS

Jeremiah 14 in the SBIHS

Jeremiah 14 in the SBIIS

Jeremiah 14 in the SBIIS2

Jeremiah 14 in the SBIIS3

Jeremiah 14 in the SBIKS

Jeremiah 14 in the SBIKS2

Jeremiah 14 in the SBIMS

Jeremiah 14 in the SBIOS

Jeremiah 14 in the SBIPS

Jeremiah 14 in the SBISS

Jeremiah 14 in the SBITS

Jeremiah 14 in the SBITS2

Jeremiah 14 in the SBITS3

Jeremiah 14 in the SBITS4

Jeremiah 14 in the SBIUS

Jeremiah 14 in the SBIVS

Jeremiah 14 in the SBT

Jeremiah 14 in the SBT1E

Jeremiah 14 in the SCHL

Jeremiah 14 in the SNT

Jeremiah 14 in the SUSU

Jeremiah 14 in the SUSU2

Jeremiah 14 in the SYNO

Jeremiah 14 in the TBIAOTANT

Jeremiah 14 in the TBT1E

Jeremiah 14 in the TBT1E2

Jeremiah 14 in the TFTIP

Jeremiah 14 in the TFTU

Jeremiah 14 in the TGNTATF3T

Jeremiah 14 in the THAI

Jeremiah 14 in the TNFD

Jeremiah 14 in the TNT

Jeremiah 14 in the TNTIK

Jeremiah 14 in the TNTIL

Jeremiah 14 in the TNTIN

Jeremiah 14 in the TNTIP

Jeremiah 14 in the TNTIZ

Jeremiah 14 in the TOMA

Jeremiah 14 in the TTENT

Jeremiah 14 in the UBG

Jeremiah 14 in the UGV

Jeremiah 14 in the UGV2

Jeremiah 14 in the UGV3

Jeremiah 14 in the VBL

Jeremiah 14 in the VDCC

Jeremiah 14 in the YALU

Jeremiah 14 in the YAPE

Jeremiah 14 in the YBVTP

Jeremiah 14 in the ZBP