Jeremiah 35 (BOSCB)

1 Iri ndiro shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha pamazuva okutonga kwaJehoyakimi, mwanakomana waJosia mambo weJudha, richiti, 2 “Enda kumhuri yavaRekabhi undovakoka kuti vauye mune rimwe kamuri raparutivi rweimba yaJehovha ugovapa waini vanwe.” 3 Saka ndakaenda ndikandotora Jaazania mwanakomana waJeremia, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake navakomana vake vose, mhuri yose yavaRekabhi. 4 Ndakavapinza mumba maJehovha, mukamuri ravanakomana vaHanani mwanakomana waIgidharia munhu waMwari. Yakanga iri pedyo nekamuri ramachinda, rakanga riri pamusoro peraMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri womukova. 5 Ipapo ndakagadzika hari dzizere newaini nemikombe pamberi pavarume vemhuri yavaRekabhi ndikati kwavari, “Inwai waini.” 6 Asi ivo vakapindura vakati, “Hatinwi waini, nokuti tateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akatipa murayiro uyu wokuti, ‘Imi kana vana venyu hamufaniri kunwa waini zvachose. 7 Zvakare, hamufaniri kutombovaka dzimba, kana kudyara mbeu kana kurima minda yemizambiringa; hamufaniri kuva nechimwe chezvinhu izvi, asi munofanira kugara mumatende nguva dzose. Ipapo muchararama mazuva akawanda munyika iyo yamuri vatorwa.’ 8 Takateerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi. Hapana akambonwa waini, isu kana vakadzi vedu, kana vanakomana vedu, kana vanasikana vedu, 9 kana kuvaka dzimba dzokugara, kana kuva neminda yemizambiringa, kana minda, kana mbeu. 10 Takagara mumatende uye takanyatsoteerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi. 11 Asi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akati apinda munyika ino, isu takati, ‘Uyai, tiende kuJerusarema titize hondo yavaBhabhironi neyavaAramu.’ Saka takaramba tiri muJerusarema.” 12 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, 13 “Zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Enda unoudza varume veJudha navanhu veJerusarema kuti, ‘Hamudzidziwo chidzidzo here mugoteerera mashoko angu?’ ndizvo zvinotaura Jehovha. 14 ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vanakomana vake kuti varege kunwa waini uye murayiro uyu wanga uchingochengetwa. Kusvikira zuva ranhasi havanwi waini, nokuti vanoteerera murayiro watateguru wavo. Asi ini ndakataura ndataurazve nemi, asi hamuna kunditeerera. 15 Ini ndakatuma ndatumazve kwamuri varanda vangu vose ivo vaprofita. Ivo vakati kwamuri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzoka panzira dzakaipa dzake dzose mugonatsa zviito zvenyu; murege kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire. Ipapo muchagara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu.” Asi hamuna kumborerekera nzeve dzenyu kwandiri kana kundinzwa. 16 Zvizvarwa zvaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakachengeta murayiro wavakapiwa natateguru wavo, asi vanhu ava havana kunditeerera.’ 17 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: ‘Inzwai! Ndava kuuyisa pamusoro peJudha napamusoro pavose vagere muJerusarema njodzi dzose dzandakareva pamusoro pavo. Ndakataura kwavari, asi havana kuteerera; ndakavadana, asi havana kudavira.’ ” 18 Ipapo Jeremia akati kumhuri yavaRekabhi, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Makateerera murayiro watateguru wenyu Jonadhabhi, mukatevera zvaakarayira zvose uye mukaita zvose zvaakatema.’ 19 Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangamboshayiwi munhu angandishumira.’ ”

In Other Versions

Jeremiah 35 in the ANGEFD

Jeremiah 35 in the ANTPNG2D

Jeremiah 35 in the AS21

Jeremiah 35 in the BAGH

Jeremiah 35 in the BBPNG

Jeremiah 35 in the BBT1E

Jeremiah 35 in the BDS

Jeremiah 35 in the BEV

Jeremiah 35 in the BHAD

Jeremiah 35 in the BIB

Jeremiah 35 in the BLPT

Jeremiah 35 in the BNT

Jeremiah 35 in the BNTABOOT

Jeremiah 35 in the BNTLV

Jeremiah 35 in the BOATCB

Jeremiah 35 in the BOATCB2

Jeremiah 35 in the BOBCV

Jeremiah 35 in the BOCNT

Jeremiah 35 in the BOECS

Jeremiah 35 in the BOGWICC

Jeremiah 35 in the BOHCB

Jeremiah 35 in the BOHCV

Jeremiah 35 in the BOHLNT

Jeremiah 35 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 35 in the BOICB

Jeremiah 35 in the BOILNTAP

Jeremiah 35 in the BOITCV

Jeremiah 35 in the BOKCV

Jeremiah 35 in the BOKCV2

Jeremiah 35 in the BOKHWOG

Jeremiah 35 in the BOKSSV

Jeremiah 35 in the BOLCB

Jeremiah 35 in the BOLCB2

Jeremiah 35 in the BOMCV

Jeremiah 35 in the BONAV

Jeremiah 35 in the BONCB

Jeremiah 35 in the BONLT

Jeremiah 35 in the BONUT2

Jeremiah 35 in the BOPLNT

Jeremiah 35 in the BOSNC

Jeremiah 35 in the BOTLNT

Jeremiah 35 in the BOVCB

Jeremiah 35 in the BOYCB

Jeremiah 35 in the BPBB

Jeremiah 35 in the BPH

Jeremiah 35 in the BSB

Jeremiah 35 in the CCB

Jeremiah 35 in the CUV

Jeremiah 35 in the CUVS

Jeremiah 35 in the DBT

Jeremiah 35 in the DGDNT

Jeremiah 35 in the DHNT

Jeremiah 35 in the DNT

Jeremiah 35 in the ELBE

Jeremiah 35 in the EMTV

Jeremiah 35 in the ESV

Jeremiah 35 in the FBV

Jeremiah 35 in the FEB

Jeremiah 35 in the GGMNT

Jeremiah 35 in the GNT

Jeremiah 35 in the HARY

Jeremiah 35 in the HNT

Jeremiah 35 in the IRVA

Jeremiah 35 in the IRVB

Jeremiah 35 in the IRVG

Jeremiah 35 in the IRVH

Jeremiah 35 in the IRVK

Jeremiah 35 in the IRVM

Jeremiah 35 in the IRVM2

Jeremiah 35 in the IRVO

Jeremiah 35 in the IRVP

Jeremiah 35 in the IRVT

Jeremiah 35 in the IRVT2

Jeremiah 35 in the IRVU

Jeremiah 35 in the ISVN

Jeremiah 35 in the JSNT

Jeremiah 35 in the KAPI

Jeremiah 35 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 35 in the KBV

Jeremiah 35 in the KJV

Jeremiah 35 in the KNFD

Jeremiah 35 in the LBA

Jeremiah 35 in the LBLA

Jeremiah 35 in the LNT

Jeremiah 35 in the LSV

Jeremiah 35 in the MAAL

Jeremiah 35 in the MBV

Jeremiah 35 in the MBV2

Jeremiah 35 in the MHNT

Jeremiah 35 in the MKNFD

Jeremiah 35 in the MNG

Jeremiah 35 in the MNT

Jeremiah 35 in the MNT2

Jeremiah 35 in the MRS1T

Jeremiah 35 in the NAA

Jeremiah 35 in the NASB

Jeremiah 35 in the NBLA

Jeremiah 35 in the NBS

Jeremiah 35 in the NBVTP

Jeremiah 35 in the NET2

Jeremiah 35 in the NIV11

Jeremiah 35 in the NNT

Jeremiah 35 in the NNT2

Jeremiah 35 in the NNT3

Jeremiah 35 in the PDDPT

Jeremiah 35 in the PFNT

Jeremiah 35 in the RMNT

Jeremiah 35 in the SBIAS

Jeremiah 35 in the SBIBS

Jeremiah 35 in the SBIBS2

Jeremiah 35 in the SBICS

Jeremiah 35 in the SBIDS

Jeremiah 35 in the SBIGS

Jeremiah 35 in the SBIHS

Jeremiah 35 in the SBIIS

Jeremiah 35 in the SBIIS2

Jeremiah 35 in the SBIIS3

Jeremiah 35 in the SBIKS

Jeremiah 35 in the SBIKS2

Jeremiah 35 in the SBIMS

Jeremiah 35 in the SBIOS

Jeremiah 35 in the SBIPS

Jeremiah 35 in the SBISS

Jeremiah 35 in the SBITS

Jeremiah 35 in the SBITS2

Jeremiah 35 in the SBITS3

Jeremiah 35 in the SBITS4

Jeremiah 35 in the SBIUS

Jeremiah 35 in the SBIVS

Jeremiah 35 in the SBT

Jeremiah 35 in the SBT1E

Jeremiah 35 in the SCHL

Jeremiah 35 in the SNT

Jeremiah 35 in the SUSU

Jeremiah 35 in the SUSU2

Jeremiah 35 in the SYNO

Jeremiah 35 in the TBIAOTANT

Jeremiah 35 in the TBT1E

Jeremiah 35 in the TBT1E2

Jeremiah 35 in the TFTIP

Jeremiah 35 in the TFTU

Jeremiah 35 in the TGNTATF3T

Jeremiah 35 in the THAI

Jeremiah 35 in the TNFD

Jeremiah 35 in the TNT

Jeremiah 35 in the TNTIK

Jeremiah 35 in the TNTIL

Jeremiah 35 in the TNTIN

Jeremiah 35 in the TNTIP

Jeremiah 35 in the TNTIZ

Jeremiah 35 in the TOMA

Jeremiah 35 in the TTENT

Jeremiah 35 in the UBG

Jeremiah 35 in the UGV

Jeremiah 35 in the UGV2

Jeremiah 35 in the UGV3

Jeremiah 35 in the VBL

Jeremiah 35 in the VDCC

Jeremiah 35 in the YALU

Jeremiah 35 in the YAPE

Jeremiah 35 in the YBVTP

Jeremiah 35 in the ZBP