Jeremiah 39 (BOSCB)
1 Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore repfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose uye akarikomba. 2 Zvino mugore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa. 3 Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: Nerigari-Sharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi. 4 Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha. 5 Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati kwaakamupa mutongo wake. 6 Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha. 7 Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi. 8 VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema. 9 Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu. 10 Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda. 11 Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti, 12 “Mutorei mumuchengete; musamuitira zvakaipa asi mumuitire zvose zvaanokumbira.” 13 Saka Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, naNebhushazibhani mukuru wavaranda, naNerigari-Sharezeri aiva mukuru wenʼanga namamwe machinda ose amambo weBhabhironi 14 vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake. 15 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti, 16 “Enda undoudza Ebhedhi-Mereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako. 17 Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya. 18 Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
In Other Versions
Jeremiah 39 in the ANGEFD
Jeremiah 39 in the ANTPNG2D
Jeremiah 39 in the AS21
Jeremiah 39 in the BAGH
Jeremiah 39 in the BBPNG
Jeremiah 39 in the BBT1E
Jeremiah 39 in the BDS
Jeremiah 39 in the BEV
Jeremiah 39 in the BHAD
Jeremiah 39 in the BIB
Jeremiah 39 in the BLPT
Jeremiah 39 in the BNT
Jeremiah 39 in the BNTABOOT
Jeremiah 39 in the BNTLV
Jeremiah 39 in the BOATCB
Jeremiah 39 in the BOATCB2
Jeremiah 39 in the BOBCV
Jeremiah 39 in the BOCNT
Jeremiah 39 in the BOECS
Jeremiah 39 in the BOGWICC
Jeremiah 39 in the BOHCB
Jeremiah 39 in the BOHCV
Jeremiah 39 in the BOHLNT
Jeremiah 39 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 39 in the BOICB
Jeremiah 39 in the BOILNTAP
Jeremiah 39 in the BOITCV
Jeremiah 39 in the BOKCV
Jeremiah 39 in the BOKCV2
Jeremiah 39 in the BOKHWOG
Jeremiah 39 in the BOKSSV
Jeremiah 39 in the BOLCB
Jeremiah 39 in the BOLCB2
Jeremiah 39 in the BOMCV
Jeremiah 39 in the BONAV
Jeremiah 39 in the BONCB
Jeremiah 39 in the BONLT
Jeremiah 39 in the BONUT2
Jeremiah 39 in the BOPLNT
Jeremiah 39 in the BOSNC
Jeremiah 39 in the BOTLNT
Jeremiah 39 in the BOVCB
Jeremiah 39 in the BOYCB
Jeremiah 39 in the BPBB
Jeremiah 39 in the BPH
Jeremiah 39 in the BSB
Jeremiah 39 in the CCB
Jeremiah 39 in the CUV
Jeremiah 39 in the CUVS
Jeremiah 39 in the DBT
Jeremiah 39 in the DGDNT
Jeremiah 39 in the DHNT
Jeremiah 39 in the DNT
Jeremiah 39 in the ELBE
Jeremiah 39 in the EMTV
Jeremiah 39 in the ESV
Jeremiah 39 in the FBV
Jeremiah 39 in the FEB
Jeremiah 39 in the GGMNT
Jeremiah 39 in the GNT
Jeremiah 39 in the HARY
Jeremiah 39 in the HNT
Jeremiah 39 in the IRVA
Jeremiah 39 in the IRVB
Jeremiah 39 in the IRVG
Jeremiah 39 in the IRVH
Jeremiah 39 in the IRVK
Jeremiah 39 in the IRVM
Jeremiah 39 in the IRVM2
Jeremiah 39 in the IRVO
Jeremiah 39 in the IRVP
Jeremiah 39 in the IRVT
Jeremiah 39 in the IRVT2
Jeremiah 39 in the IRVU
Jeremiah 39 in the ISVN
Jeremiah 39 in the JSNT
Jeremiah 39 in the KAPI
Jeremiah 39 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 39 in the KBV
Jeremiah 39 in the KJV
Jeremiah 39 in the KNFD
Jeremiah 39 in the LBA
Jeremiah 39 in the LBLA
Jeremiah 39 in the LNT
Jeremiah 39 in the LSV
Jeremiah 39 in the MAAL
Jeremiah 39 in the MBV
Jeremiah 39 in the MBV2
Jeremiah 39 in the MHNT
Jeremiah 39 in the MKNFD
Jeremiah 39 in the MNG
Jeremiah 39 in the MNT
Jeremiah 39 in the MNT2
Jeremiah 39 in the MRS1T
Jeremiah 39 in the NAA
Jeremiah 39 in the NASB
Jeremiah 39 in the NBLA
Jeremiah 39 in the NBS
Jeremiah 39 in the NBVTP
Jeremiah 39 in the NET2
Jeremiah 39 in the NIV11
Jeremiah 39 in the NNT
Jeremiah 39 in the NNT2
Jeremiah 39 in the NNT3
Jeremiah 39 in the PDDPT
Jeremiah 39 in the PFNT
Jeremiah 39 in the RMNT
Jeremiah 39 in the SBIAS
Jeremiah 39 in the SBIBS
Jeremiah 39 in the SBIBS2
Jeremiah 39 in the SBICS
Jeremiah 39 in the SBIDS
Jeremiah 39 in the SBIGS
Jeremiah 39 in the SBIHS
Jeremiah 39 in the SBIIS
Jeremiah 39 in the SBIIS2
Jeremiah 39 in the SBIIS3
Jeremiah 39 in the SBIKS
Jeremiah 39 in the SBIKS2
Jeremiah 39 in the SBIMS
Jeremiah 39 in the SBIOS
Jeremiah 39 in the SBIPS
Jeremiah 39 in the SBISS
Jeremiah 39 in the SBITS
Jeremiah 39 in the SBITS2
Jeremiah 39 in the SBITS3
Jeremiah 39 in the SBITS4
Jeremiah 39 in the SBIUS
Jeremiah 39 in the SBIVS
Jeremiah 39 in the SBT
Jeremiah 39 in the SBT1E
Jeremiah 39 in the SCHL
Jeremiah 39 in the SNT
Jeremiah 39 in the SUSU
Jeremiah 39 in the SUSU2
Jeremiah 39 in the SYNO
Jeremiah 39 in the TBIAOTANT
Jeremiah 39 in the TBT1E
Jeremiah 39 in the TBT1E2
Jeremiah 39 in the TFTIP
Jeremiah 39 in the TFTU
Jeremiah 39 in the TGNTATF3T
Jeremiah 39 in the THAI
Jeremiah 39 in the TNFD
Jeremiah 39 in the TNT
Jeremiah 39 in the TNTIK
Jeremiah 39 in the TNTIL
Jeremiah 39 in the TNTIN
Jeremiah 39 in the TNTIP
Jeremiah 39 in the TNTIZ
Jeremiah 39 in the TOMA
Jeremiah 39 in the TTENT
Jeremiah 39 in the UBG
Jeremiah 39 in the UGV
Jeremiah 39 in the UGV2
Jeremiah 39 in the UGV3
Jeremiah 39 in the VBL
Jeremiah 39 in the VDCC
Jeremiah 39 in the YALU
Jeremiah 39 in the YAPE
Jeremiah 39 in the YBVTP
Jeremiah 39 in the ZBP