Jeremiah 40 (BOSCB)

1 Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokusunungurwa kwake paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi. Akanga awana Jeremia akasungwa nengetani ari pakati pavatapwa vose vaibva kuJerusarema neJudha avo vakanga vachiendeswa kuutapwa kuBhabhironi. 2 Mukuru wavarindi akati awana Jeremia, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako akatenda kuti njodzi iyi iwire nzvimbo ino. 3 Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera. 4 Asi nhasi ndinokusunungura kubva pangetani dziri mumaoko ako. Uya tiende tose kuBhabhironi, kana uchida, ini ndichakuchengeta; asi kana usingadi, usauya. Tarira, nyika yose iri pamberi pako; enda hako kwose kwaunoda.” 5 Kunyange zvakadaro hazvo, Jeremia asati atendeuka kuti aende, Nebhuzaradhani akaenderera mberi achiti, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wemaguta eJudha, undogara naye pakati pavanhu, kana kuti woenda kwose kwaunoda.”Ipapo mukuru wavarindi akamupa zvokudya zvokutakura nezvipo akamurega achienda. 6 Saka Jeremia akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa akandogara naye pakati pavanhu vakanga vasara munyika. 7 Vakuru vehondo navanhu vakanga vachigara mumasango enyika vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami kuti ave mubati wenyika uye kuti mambo akanga amuita mutariri wavarume, vakadzi navana, avo vakanga vari varombo zvakanyanya munyika uye vakanga vasina kuendeswa pautapwa kuBhabhironi, 8 vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, Johanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, mwanakomana waEfai muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo. 9 Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akapika mhiko yokuvasimbisa ivo navanhu vavo achiti, “Musatya kushandira vaBhabhironi. Garai henyu munyika mushandire mambo weBhabhironi, zvigokuitirai zvakanaka. 10 Ini pachangu ndichagara paMizipa kuti ndikumirirei pamberi pavaBhabhironi vanouya kwatiri, asi imi munofanira kukohwa waini, nezvibereko zvezhizha namafuta mugozviisa mumidziyo yenyu, mugogara mumaguta amakakunda.” 11 VaJudha vose vaiva muMoabhu, muAmoni, nevemuEdhomu nedzimwe nyika dzose vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asiya vamwe vanhu muJudha uye kuti akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, somubati pamusoro pavo, 12 vose vakadzoka kunyika yeJudha, kuna Gedharia paMizipa, vachibva kunyika dzose kwavakanga vakaparadzirwa. Uye vakakohwa waini yakawanda nezvibereko zvezhizha zvizhinji kwazvo. 13 Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakanga vachiri kumasango vakauya kuna Gedharia paMizipa. 14 Vakati kwaari, “Hauzivi here kuti Bhaarisi mambo wavaAmoni atuma Ishumaeri mwanakomana waNetania kuti azokuuraya?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda. 15 Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akati kuna Gedharia muchivande vari paMizipa, “Rega ndinouraya Ishumaeri mwanakomana waNetania, uye hapana achazviziva. Anodirei kukuuraya nokuita kuti vaJudha vose vakaungana, vakakupoteredza, vaparadzirwe uye vakasara veJudha vaparare?” 16 Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu chakadaro! Zvauri kutaura pamusoro paIshumaeri hazvisi zvechokwadi.”

In Other Versions

Jeremiah 40 in the ANGEFD

Jeremiah 40 in the ANTPNG2D

Jeremiah 40 in the AS21

Jeremiah 40 in the BAGH

Jeremiah 40 in the BBPNG

Jeremiah 40 in the BBT1E

Jeremiah 40 in the BDS

Jeremiah 40 in the BEV

Jeremiah 40 in the BHAD

Jeremiah 40 in the BIB

Jeremiah 40 in the BLPT

Jeremiah 40 in the BNT

Jeremiah 40 in the BNTABOOT

Jeremiah 40 in the BNTLV

Jeremiah 40 in the BOATCB

Jeremiah 40 in the BOATCB2

Jeremiah 40 in the BOBCV

Jeremiah 40 in the BOCNT

Jeremiah 40 in the BOECS

Jeremiah 40 in the BOGWICC

Jeremiah 40 in the BOHCB

Jeremiah 40 in the BOHCV

Jeremiah 40 in the BOHLNT

Jeremiah 40 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 40 in the BOICB

Jeremiah 40 in the BOILNTAP

Jeremiah 40 in the BOITCV

Jeremiah 40 in the BOKCV

Jeremiah 40 in the BOKCV2

Jeremiah 40 in the BOKHWOG

Jeremiah 40 in the BOKSSV

Jeremiah 40 in the BOLCB

Jeremiah 40 in the BOLCB2

Jeremiah 40 in the BOMCV

Jeremiah 40 in the BONAV

Jeremiah 40 in the BONCB

Jeremiah 40 in the BONLT

Jeremiah 40 in the BONUT2

Jeremiah 40 in the BOPLNT

Jeremiah 40 in the BOSNC

Jeremiah 40 in the BOTLNT

Jeremiah 40 in the BOVCB

Jeremiah 40 in the BOYCB

Jeremiah 40 in the BPBB

Jeremiah 40 in the BPH

Jeremiah 40 in the BSB

Jeremiah 40 in the CCB

Jeremiah 40 in the CUV

Jeremiah 40 in the CUVS

Jeremiah 40 in the DBT

Jeremiah 40 in the DGDNT

Jeremiah 40 in the DHNT

Jeremiah 40 in the DNT

Jeremiah 40 in the ELBE

Jeremiah 40 in the EMTV

Jeremiah 40 in the ESV

Jeremiah 40 in the FBV

Jeremiah 40 in the FEB

Jeremiah 40 in the GGMNT

Jeremiah 40 in the GNT

Jeremiah 40 in the HARY

Jeremiah 40 in the HNT

Jeremiah 40 in the IRVA

Jeremiah 40 in the IRVB

Jeremiah 40 in the IRVG

Jeremiah 40 in the IRVH

Jeremiah 40 in the IRVK

Jeremiah 40 in the IRVM

Jeremiah 40 in the IRVM2

Jeremiah 40 in the IRVO

Jeremiah 40 in the IRVP

Jeremiah 40 in the IRVT

Jeremiah 40 in the IRVT2

Jeremiah 40 in the IRVU

Jeremiah 40 in the ISVN

Jeremiah 40 in the JSNT

Jeremiah 40 in the KAPI

Jeremiah 40 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 40 in the KBV

Jeremiah 40 in the KJV

Jeremiah 40 in the KNFD

Jeremiah 40 in the LBA

Jeremiah 40 in the LBLA

Jeremiah 40 in the LNT

Jeremiah 40 in the LSV

Jeremiah 40 in the MAAL

Jeremiah 40 in the MBV

Jeremiah 40 in the MBV2

Jeremiah 40 in the MHNT

Jeremiah 40 in the MKNFD

Jeremiah 40 in the MNG

Jeremiah 40 in the MNT

Jeremiah 40 in the MNT2

Jeremiah 40 in the MRS1T

Jeremiah 40 in the NAA

Jeremiah 40 in the NASB

Jeremiah 40 in the NBLA

Jeremiah 40 in the NBS

Jeremiah 40 in the NBVTP

Jeremiah 40 in the NET2

Jeremiah 40 in the NIV11

Jeremiah 40 in the NNT

Jeremiah 40 in the NNT2

Jeremiah 40 in the NNT3

Jeremiah 40 in the PDDPT

Jeremiah 40 in the PFNT

Jeremiah 40 in the RMNT

Jeremiah 40 in the SBIAS

Jeremiah 40 in the SBIBS

Jeremiah 40 in the SBIBS2

Jeremiah 40 in the SBICS

Jeremiah 40 in the SBIDS

Jeremiah 40 in the SBIGS

Jeremiah 40 in the SBIHS

Jeremiah 40 in the SBIIS

Jeremiah 40 in the SBIIS2

Jeremiah 40 in the SBIIS3

Jeremiah 40 in the SBIKS

Jeremiah 40 in the SBIKS2

Jeremiah 40 in the SBIMS

Jeremiah 40 in the SBIOS

Jeremiah 40 in the SBIPS

Jeremiah 40 in the SBISS

Jeremiah 40 in the SBITS

Jeremiah 40 in the SBITS2

Jeremiah 40 in the SBITS3

Jeremiah 40 in the SBITS4

Jeremiah 40 in the SBIUS

Jeremiah 40 in the SBIVS

Jeremiah 40 in the SBT

Jeremiah 40 in the SBT1E

Jeremiah 40 in the SCHL

Jeremiah 40 in the SNT

Jeremiah 40 in the SUSU

Jeremiah 40 in the SUSU2

Jeremiah 40 in the SYNO

Jeremiah 40 in the TBIAOTANT

Jeremiah 40 in the TBT1E

Jeremiah 40 in the TBT1E2

Jeremiah 40 in the TFTIP

Jeremiah 40 in the TFTU

Jeremiah 40 in the TGNTATF3T

Jeremiah 40 in the THAI

Jeremiah 40 in the TNFD

Jeremiah 40 in the TNT

Jeremiah 40 in the TNTIK

Jeremiah 40 in the TNTIL

Jeremiah 40 in the TNTIN

Jeremiah 40 in the TNTIP

Jeremiah 40 in the TNTIZ

Jeremiah 40 in the TOMA

Jeremiah 40 in the TTENT

Jeremiah 40 in the UBG

Jeremiah 40 in the UGV

Jeremiah 40 in the UGV2

Jeremiah 40 in the UGV3

Jeremiah 40 in the VBL

Jeremiah 40 in the VDCC

Jeremiah 40 in the YALU

Jeremiah 40 in the YAPE

Jeremiah 40 in the YBVTP

Jeremiah 40 in the ZBP