Jeremiah 44 (BOSCB)

1 Shoko iri rakasvika kuna Jeremia pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere zasi kweIjipiti, muMigidhori nomuTapanesi nomuNofi, nokumusoro kweIjipiti, richiti, 2 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Makaona njodzi huru yandakauyisa pamusoro peJerusarema nomumaguta ose eJudha. Nhasi uno asiyiwa angova matongo 3 nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Vakanditsamwisa nokuda kwokupisira zvinonhuhwira uye nokunamata vamwe vamwari vavasina kumboziva ivo kana imi kana madzibaba enyu. 4 Ndakatuma ndatumazve varanda vangu vaprofita kuti vati, ‘Regai kuita chinhu chinonyangadza chandinovenga!’ 5 Asi havana kunzwa kana kuteerera: havana kudzoka kubva pane zvakaipa zvavo kana kurega kupisa zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari. 6 Naizvozvo kutsamwa kwangu kunotyisa kwakadururwa; kukapisa maguta eJudha uye nenzira dzeJerusarema ndikazviparadza zvikava matongo sezvazvakaita nhasi. 7 “Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe? 8 Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika. 9 Makanganwa here zvakashata zvakaitwa namadzibaba enyu namadzimambo navanamambokadzi veJudha uye zvakashata zvakaitwa nemi navakadzi venyu munyika yeJudha nomunzira dzeJerusarema? 10 Kusvikira pazuva ranhasi havana kuzvininipisa kana kuratidza rukudzo, kana kutevera murayiro wangu nezvirevo zvangu zvandakatema pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu. 11 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu ndigoparadza Judha yose. 12 Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa. 13 Ndicharanga vaya vanogara kuIjipiti nomunondo, nenzara uye nedenda sokuranga kwandakaita Jerusarema. 14 Hakuna kuna vakasara veJudha vakaenda kunogara kuIjipiti vachapunyuka kana kurarama kuti vadzoke kunyika yeJudha, uko kwavanoshuva kuti vadzokere kundogara; hakuna achadzoka kunze kwavashoma vachatiza.” 15 Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere Kumusoro neZasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia, 16 “Hatingateereri shoko rawataura kwatiri muzita raJehovha! 17 Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza. 18 Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.” 19 Vakadzi vakapamhidzira vachiti, “Patakapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga, uye tikadururira zvipiriso zvokunwa kwaari, varume vedu vakanga vasingazivi here kuti taimuitira makeke akaita somufananidzo wake uye tichimudururira zvipiriso zvinonwiwa?” 20 Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose, varume navakadzi, vakanga vachimupindura, 21 “Ko, Jehovha haana kurangarira here uye akafunga pamusoro pezvinonhuhwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika? 22 Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi. 23 Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuhwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.” 24 Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose kusanganisira vakadzi, “Inzwai shoko raJehovha, imi vanhu vose veJudha vari muIjipiti. 25 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuhwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’“Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu! 26 Asi inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munogara muIjipiti: ‘Ndinopika nezita rangu guru,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti hakuna anobva kuJudha agere papi napapi zvapo muIjipiti achadana zita rangu kana kupika achiti: “Zvirokwazvo naIshe Jehovha mupenyu,” 27 Nokuti ndinovarindira kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka, vaJudha vari muIjipiti vachafa nomunondo uye nenzara kusvikira vose vaparadzwa. 28 Avo vachapunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo. 29 “ ‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri chokuti ndichakuranga panzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuitira kuti muzive kuti mashoko eyambiro yangu pamusoro penyu achamira zvirokwazvo.’ 30 Zvanzi naJehovha: ‘Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’ ”

In Other Versions

Jeremiah 44 in the ANGEFD

Jeremiah 44 in the ANTPNG2D

Jeremiah 44 in the AS21

Jeremiah 44 in the BAGH

Jeremiah 44 in the BBPNG

Jeremiah 44 in the BBT1E

Jeremiah 44 in the BDS

Jeremiah 44 in the BEV

Jeremiah 44 in the BHAD

Jeremiah 44 in the BIB

Jeremiah 44 in the BLPT

Jeremiah 44 in the BNT

Jeremiah 44 in the BNTABOOT

Jeremiah 44 in the BNTLV

Jeremiah 44 in the BOATCB

Jeremiah 44 in the BOATCB2

Jeremiah 44 in the BOBCV

Jeremiah 44 in the BOCNT

Jeremiah 44 in the BOECS

Jeremiah 44 in the BOGWICC

Jeremiah 44 in the BOHCB

Jeremiah 44 in the BOHCV

Jeremiah 44 in the BOHLNT

Jeremiah 44 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 44 in the BOICB

Jeremiah 44 in the BOILNTAP

Jeremiah 44 in the BOITCV

Jeremiah 44 in the BOKCV

Jeremiah 44 in the BOKCV2

Jeremiah 44 in the BOKHWOG

Jeremiah 44 in the BOKSSV

Jeremiah 44 in the BOLCB

Jeremiah 44 in the BOLCB2

Jeremiah 44 in the BOMCV

Jeremiah 44 in the BONAV

Jeremiah 44 in the BONCB

Jeremiah 44 in the BONLT

Jeremiah 44 in the BONUT2

Jeremiah 44 in the BOPLNT

Jeremiah 44 in the BOSNC

Jeremiah 44 in the BOTLNT

Jeremiah 44 in the BOVCB

Jeremiah 44 in the BOYCB

Jeremiah 44 in the BPBB

Jeremiah 44 in the BPH

Jeremiah 44 in the BSB

Jeremiah 44 in the CCB

Jeremiah 44 in the CUV

Jeremiah 44 in the CUVS

Jeremiah 44 in the DBT

Jeremiah 44 in the DGDNT

Jeremiah 44 in the DHNT

Jeremiah 44 in the DNT

Jeremiah 44 in the ELBE

Jeremiah 44 in the EMTV

Jeremiah 44 in the ESV

Jeremiah 44 in the FBV

Jeremiah 44 in the FEB

Jeremiah 44 in the GGMNT

Jeremiah 44 in the GNT

Jeremiah 44 in the HARY

Jeremiah 44 in the HNT

Jeremiah 44 in the IRVA

Jeremiah 44 in the IRVB

Jeremiah 44 in the IRVG

Jeremiah 44 in the IRVH

Jeremiah 44 in the IRVK

Jeremiah 44 in the IRVM

Jeremiah 44 in the IRVM2

Jeremiah 44 in the IRVO

Jeremiah 44 in the IRVP

Jeremiah 44 in the IRVT

Jeremiah 44 in the IRVT2

Jeremiah 44 in the IRVU

Jeremiah 44 in the ISVN

Jeremiah 44 in the JSNT

Jeremiah 44 in the KAPI

Jeremiah 44 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 44 in the KBV

Jeremiah 44 in the KJV

Jeremiah 44 in the KNFD

Jeremiah 44 in the LBA

Jeremiah 44 in the LBLA

Jeremiah 44 in the LNT

Jeremiah 44 in the LSV

Jeremiah 44 in the MAAL

Jeremiah 44 in the MBV

Jeremiah 44 in the MBV2

Jeremiah 44 in the MHNT

Jeremiah 44 in the MKNFD

Jeremiah 44 in the MNG

Jeremiah 44 in the MNT

Jeremiah 44 in the MNT2

Jeremiah 44 in the MRS1T

Jeremiah 44 in the NAA

Jeremiah 44 in the NASB

Jeremiah 44 in the NBLA

Jeremiah 44 in the NBS

Jeremiah 44 in the NBVTP

Jeremiah 44 in the NET2

Jeremiah 44 in the NIV11

Jeremiah 44 in the NNT

Jeremiah 44 in the NNT2

Jeremiah 44 in the NNT3

Jeremiah 44 in the PDDPT

Jeremiah 44 in the PFNT

Jeremiah 44 in the RMNT

Jeremiah 44 in the SBIAS

Jeremiah 44 in the SBIBS

Jeremiah 44 in the SBIBS2

Jeremiah 44 in the SBICS

Jeremiah 44 in the SBIDS

Jeremiah 44 in the SBIGS

Jeremiah 44 in the SBIHS

Jeremiah 44 in the SBIIS

Jeremiah 44 in the SBIIS2

Jeremiah 44 in the SBIIS3

Jeremiah 44 in the SBIKS

Jeremiah 44 in the SBIKS2

Jeremiah 44 in the SBIMS

Jeremiah 44 in the SBIOS

Jeremiah 44 in the SBIPS

Jeremiah 44 in the SBISS

Jeremiah 44 in the SBITS

Jeremiah 44 in the SBITS2

Jeremiah 44 in the SBITS3

Jeremiah 44 in the SBITS4

Jeremiah 44 in the SBIUS

Jeremiah 44 in the SBIVS

Jeremiah 44 in the SBT

Jeremiah 44 in the SBT1E

Jeremiah 44 in the SCHL

Jeremiah 44 in the SNT

Jeremiah 44 in the SUSU

Jeremiah 44 in the SUSU2

Jeremiah 44 in the SYNO

Jeremiah 44 in the TBIAOTANT

Jeremiah 44 in the TBT1E

Jeremiah 44 in the TBT1E2

Jeremiah 44 in the TFTIP

Jeremiah 44 in the TFTU

Jeremiah 44 in the TGNTATF3T

Jeremiah 44 in the THAI

Jeremiah 44 in the TNFD

Jeremiah 44 in the TNT

Jeremiah 44 in the TNTIK

Jeremiah 44 in the TNTIL

Jeremiah 44 in the TNTIN

Jeremiah 44 in the TNTIP

Jeremiah 44 in the TNTIZ

Jeremiah 44 in the TOMA

Jeremiah 44 in the TTENT

Jeremiah 44 in the UBG

Jeremiah 44 in the UGV

Jeremiah 44 in the UGV2

Jeremiah 44 in the UGV3

Jeremiah 44 in the VBL

Jeremiah 44 in the VDCC

Jeremiah 44 in the YALU

Jeremiah 44 in the YAPE

Jeremiah 44 in the YBVTP

Jeremiah 44 in the ZBP