John 1 (BOSCB)

1 Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. 2 Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. 3 Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. 4 Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. 5 Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. 6 Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. 7 Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. 8 Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. 9 Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. 10 Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. 11 Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. 12 Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, 13 vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari. 14 Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi. 15 Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” 16 Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. 17 Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. 18 Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe. 19 Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. 20 Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.” 21 Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”Iye akati, “Handizi iye.”“Uri muprofita here?”Akapindura akati, “Kwete.” 22 Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?” 23 Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ” 24 Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa 25 vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?” 26 Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi. 27 Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.” 28 Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani. 29 Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! 30 Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ 31 Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.” 32 Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. 33 Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ 34 Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” 35 Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. 36 Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!” 37 Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. 38 Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?” 39 Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi. 40 Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu. 41 Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu). 42 Uye akauya naye kuna Jesu.Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro). 43 Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.” 44 Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro, 45 Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.” 46 Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?”Firipi akati, “Uya uone.” 47 Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.” 48 Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?”Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.” 49 Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.” 50 Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.” 51 Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”

In Other Versions

John 1 in the ANGEFD

John 1 in the ANTPNG2D

John 1 in the AS21

John 1 in the BAGH

John 1 in the BBPNG

John 1 in the BBT1E

John 1 in the BDS

John 1 in the BEV

John 1 in the BHAD

John 1 in the BIB

John 1 in the BLPT

John 1 in the BNT

John 1 in the BNTABOOT

John 1 in the BNTLV

John 1 in the BOATCB

John 1 in the BOATCB2

John 1 in the BOBCV

John 1 in the BOCNT

John 1 in the BOECS

John 1 in the BOGWICC

John 1 in the BOHCB

John 1 in the BOHCV

John 1 in the BOHLNT

John 1 in the BOHNTLTAL

John 1 in the BOICB

John 1 in the BOILNTAP

John 1 in the BOITCV

John 1 in the BOKCV

John 1 in the BOKCV2

John 1 in the BOKHWOG

John 1 in the BOKSSV

John 1 in the BOLCB

John 1 in the BOLCB2

John 1 in the BOMCV

John 1 in the BONAV

John 1 in the BONCB

John 1 in the BONLT

John 1 in the BONUT2

John 1 in the BOPLNT

John 1 in the BOSNC

John 1 in the BOTLNT

John 1 in the BOVCB

John 1 in the BOYCB

John 1 in the BPBB

John 1 in the BPH

John 1 in the BSB

John 1 in the CCB

John 1 in the CUV

John 1 in the CUVS

John 1 in the DBT

John 1 in the DGDNT

John 1 in the DHNT

John 1 in the DNT

John 1 in the ELBE

John 1 in the EMTV

John 1 in the ESV

John 1 in the FBV

John 1 in the FEB

John 1 in the GGMNT

John 1 in the GNT

John 1 in the HARY

John 1 in the HNT

John 1 in the IRVA

John 1 in the IRVB

John 1 in the IRVG

John 1 in the IRVH

John 1 in the IRVK

John 1 in the IRVM

John 1 in the IRVM2

John 1 in the IRVO

John 1 in the IRVP

John 1 in the IRVT

John 1 in the IRVT2

John 1 in the IRVU

John 1 in the ISVN

John 1 in the JSNT

John 1 in the KAPI

John 1 in the KBT1ETNIK

John 1 in the KBV

John 1 in the KJV

John 1 in the KNFD

John 1 in the LBA

John 1 in the LBLA

John 1 in the LNT

John 1 in the LSV

John 1 in the MAAL

John 1 in the MBV

John 1 in the MBV2

John 1 in the MHNT

John 1 in the MKNFD

John 1 in the MNG

John 1 in the MNT

John 1 in the MNT2

John 1 in the MRS1T

John 1 in the NAA

John 1 in the NASB

John 1 in the NBLA

John 1 in the NBS

John 1 in the NBVTP

John 1 in the NET2

John 1 in the NIV11

John 1 in the NNT

John 1 in the NNT2

John 1 in the NNT3

John 1 in the PDDPT

John 1 in the PFNT

John 1 in the RMNT

John 1 in the SBIAS

John 1 in the SBIBS

John 1 in the SBIBS2

John 1 in the SBICS

John 1 in the SBIDS

John 1 in the SBIGS

John 1 in the SBIHS

John 1 in the SBIIS

John 1 in the SBIIS2

John 1 in the SBIIS3

John 1 in the SBIKS

John 1 in the SBIKS2

John 1 in the SBIMS

John 1 in the SBIOS

John 1 in the SBIPS

John 1 in the SBISS

John 1 in the SBITS

John 1 in the SBITS2

John 1 in the SBITS3

John 1 in the SBITS4

John 1 in the SBIUS

John 1 in the SBIVS

John 1 in the SBT

John 1 in the SBT1E

John 1 in the SCHL

John 1 in the SNT

John 1 in the SUSU

John 1 in the SUSU2

John 1 in the SYNO

John 1 in the TBIAOTANT

John 1 in the TBT1E

John 1 in the TBT1E2

John 1 in the TFTIP

John 1 in the TFTU

John 1 in the TGNTATF3T

John 1 in the THAI

John 1 in the TNFD

John 1 in the TNT

John 1 in the TNTIK

John 1 in the TNTIL

John 1 in the TNTIN

John 1 in the TNTIP

John 1 in the TNTIZ

John 1 in the TOMA

John 1 in the TTENT

John 1 in the UBG

John 1 in the UGV

John 1 in the UGV2

John 1 in the UGV3

John 1 in the VBL

John 1 in the VDCC

John 1 in the YALU

John 1 in the YAPE

John 1 in the YBVTP

John 1 in the ZBP