Joel 2 (BOSCB)

1 Ridzai hwamanda muZioni;ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene.Vanhu vose vagere munyika ngavadederenokuti zuva raJehovha riri kuuya.Rava pedyo, 2 zuva rerima nokusuwa,zuva ramakore nokusviba.Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo,hondo huru ine simba guru iri kuuya;zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare,uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera. 3 Moto unoparadza pamberi padzo,marimi omoto ari kupisa shure kwadzo.Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni,shure kwadzo kwangova gwenga risina basa,hapana chinopunyuka. 4 Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza;dzinomhanya samabhiza ehondo. 5 Nokutinhira sokwengorodzinokwakuka pamusoro pamakomodzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma,sehondo ine simba yabuda kundorwa. 6 Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya;vose vanocheneruka kumeso. 7 Dzinorwisa samauto;dzinokwira madziro savarwi.Dzinofamba dzakateveranadzisingatsauki padzakananga napo. 8 Hadzikwikwidzani pakufamba,imwe neimwe inofamba yakananga mberi.Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei,pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo. 9 Dzinobhururuka dzakananga muguta;dzinomhanya pamusoro porusvingo.Dzinokwira dzichipinda mudzimba;dzinopinda napamawindo sembavha. 10 Pamberi padzo, pasi panozunguzika,denga rinodedera,zuva nomwedzi zvinosvibauye nyeredzi dzinodzima. 11 Jehovha anoomba,ari pamberi pehondo yake;mauto ake haaverengeki,uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake.Zuva raJehovha iguru;rinotyisa kwazvo.Ndiani angamira musi waro? 12 Jehovha anoti, “Kunyange zvino,tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yosemuchitsanya, muchichema uye muchiungudza.” 13 Bvarurai mwoyo yenyu,kwete nguo dzenyu.Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu,iye ane nyasha uye ane tsitsi,anononoka kutsamwauye ane rudo rukuru;anozvidzora pakutumira vanhu njodzi. 14 Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi,uye agokusiyirai mukomborerowezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwazvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu. 15 Ridzai hwamanda muZioni.Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene,danai vanhu kuungano tsvene. 16 Unganidzai vanhu,munatse ungano iyi,unganidzai pamwe chete vakuru,unganidzai vana,vachiri kuyamwa.Vachangowanana, murume ngaabude muimba yakenomwenga muimba yake. 17 Vaprista vanoshumira pamberi paJehovhangavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari.Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha.Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa,chirevo pakati pendudzi.Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti,‘Mwari wavo aripiko?’ ” 18 Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake,uye achanzwira vanhu vake tsitsi. 19 Jehovha achavapindura achiti,“Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta,zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo,handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi. 20 “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro,ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko,dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva,uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero.Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira;kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru. 21 Usatya iwe nyika;fara zvako upembere.Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru. 22 Musatya, imi mhuka dzesango,nokuti mafuro ava kusvibira.Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo. 23 Farai imi vanhu veZioni,farai muna Jehovha Mwari wenyu,nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama.Anokupai mvura yakawanda,yokupedzisira neyebumharutsva sakare. 24 Mapuriro enyu achazara nezviyo,uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta. 25 “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu:mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata,dzimwe mhashu nefararira remhashu;hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu. 26 Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta,ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,uyo akakuitirai zvishamiso;vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. 27 Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri,uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu,uyewo kuti hakuna mumwe;vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. 28 “Uye mushure maizvozvo,ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,vatana venyu vacharota hope,majaya enyu achaona zviratidzo. 29 Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi,ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo. 30 Ndicharatidza zvishamiso kudenganapanyika,ropa nomoto neshongwe dzoutsi. 31 Zuva richashanduka rigova rima,uye mwedzi uchava ropa,zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. 32 Uye ani naani anodanakuzita raJehovha achaponeswa;nokuti paGomo reZioni nomuJerusaremamuchava noruponeso,sezvakataurwa naJehovha,pakati pavanopunyuka,avo vachadanwa naJehovha.

In Other Versions

Joel 2 in the ANGEFD

Joel 2 in the ANTPNG2D

Joel 2 in the AS21

Joel 2 in the BAGH

Joel 2 in the BBPNG

Joel 2 in the BBT1E

Joel 2 in the BDS

Joel 2 in the BEV

Joel 2 in the BHAD

Joel 2 in the BIB

Joel 2 in the BLPT

Joel 2 in the BNT

Joel 2 in the BNTABOOT

Joel 2 in the BNTLV

Joel 2 in the BOATCB

Joel 2 in the BOATCB2

Joel 2 in the BOBCV

Joel 2 in the BOCNT

Joel 2 in the BOECS

Joel 2 in the BOGWICC

Joel 2 in the BOHCB

Joel 2 in the BOHCV

Joel 2 in the BOHLNT

Joel 2 in the BOHNTLTAL

Joel 2 in the BOICB

Joel 2 in the BOILNTAP

Joel 2 in the BOITCV

Joel 2 in the BOKCV

Joel 2 in the BOKCV2

Joel 2 in the BOKHWOG

Joel 2 in the BOKSSV

Joel 2 in the BOLCB

Joel 2 in the BOLCB2

Joel 2 in the BOMCV

Joel 2 in the BONAV

Joel 2 in the BONCB

Joel 2 in the BONLT

Joel 2 in the BONUT2

Joel 2 in the BOPLNT

Joel 2 in the BOSNC

Joel 2 in the BOTLNT

Joel 2 in the BOVCB

Joel 2 in the BOYCB

Joel 2 in the BPBB

Joel 2 in the BPH

Joel 2 in the BSB

Joel 2 in the CCB

Joel 2 in the CUV

Joel 2 in the CUVS

Joel 2 in the DBT

Joel 2 in the DGDNT

Joel 2 in the DHNT

Joel 2 in the DNT

Joel 2 in the ELBE

Joel 2 in the EMTV

Joel 2 in the ESV

Joel 2 in the FBV

Joel 2 in the FEB

Joel 2 in the GGMNT

Joel 2 in the GNT

Joel 2 in the HARY

Joel 2 in the HNT

Joel 2 in the IRVA

Joel 2 in the IRVB

Joel 2 in the IRVG

Joel 2 in the IRVH

Joel 2 in the IRVK

Joel 2 in the IRVM

Joel 2 in the IRVM2

Joel 2 in the IRVO

Joel 2 in the IRVP

Joel 2 in the IRVT

Joel 2 in the IRVT2

Joel 2 in the IRVU

Joel 2 in the ISVN

Joel 2 in the JSNT

Joel 2 in the KAPI

Joel 2 in the KBT1ETNIK

Joel 2 in the KBV

Joel 2 in the KJV

Joel 2 in the KNFD

Joel 2 in the LBA

Joel 2 in the LBLA

Joel 2 in the LNT

Joel 2 in the LSV

Joel 2 in the MAAL

Joel 2 in the MBV

Joel 2 in the MBV2

Joel 2 in the MHNT

Joel 2 in the MKNFD

Joel 2 in the MNG

Joel 2 in the MNT

Joel 2 in the MNT2

Joel 2 in the MRS1T

Joel 2 in the NAA

Joel 2 in the NASB

Joel 2 in the NBLA

Joel 2 in the NBS

Joel 2 in the NBVTP

Joel 2 in the NET2

Joel 2 in the NIV11

Joel 2 in the NNT

Joel 2 in the NNT2

Joel 2 in the NNT3

Joel 2 in the PDDPT

Joel 2 in the PFNT

Joel 2 in the RMNT

Joel 2 in the SBIAS

Joel 2 in the SBIBS

Joel 2 in the SBIBS2

Joel 2 in the SBICS

Joel 2 in the SBIDS

Joel 2 in the SBIGS

Joel 2 in the SBIHS

Joel 2 in the SBIIS

Joel 2 in the SBIIS2

Joel 2 in the SBIIS3

Joel 2 in the SBIKS

Joel 2 in the SBIKS2

Joel 2 in the SBIMS

Joel 2 in the SBIOS

Joel 2 in the SBIPS

Joel 2 in the SBISS

Joel 2 in the SBITS

Joel 2 in the SBITS2

Joel 2 in the SBITS3

Joel 2 in the SBITS4

Joel 2 in the SBIUS

Joel 2 in the SBIVS

Joel 2 in the SBT

Joel 2 in the SBT1E

Joel 2 in the SCHL

Joel 2 in the SNT

Joel 2 in the SUSU

Joel 2 in the SUSU2

Joel 2 in the SYNO

Joel 2 in the TBIAOTANT

Joel 2 in the TBT1E

Joel 2 in the TBT1E2

Joel 2 in the TFTIP

Joel 2 in the TFTU

Joel 2 in the TGNTATF3T

Joel 2 in the THAI

Joel 2 in the TNFD

Joel 2 in the TNT

Joel 2 in the TNTIK

Joel 2 in the TNTIL

Joel 2 in the TNTIN

Joel 2 in the TNTIP

Joel 2 in the TNTIZ

Joel 2 in the TOMA

Joel 2 in the TTENT

Joel 2 in the UBG

Joel 2 in the UGV

Joel 2 in the UGV2

Joel 2 in the UGV3

Joel 2 in the VBL

Joel 2 in the VDCC

Joel 2 in the YALU

Joel 2 in the YAPE

Joel 2 in the YBVTP

Joel 2 in the ZBP