Joshua 5 (BOSCB)

1 Zvino madzimambo ose avaAmoni aigara kumavirazuva eJorodhani namadzimambo ose avaKenani vaigara pedyo negungwa vakanzwa kuti Jehovha akanga aomesa Jorodhani pamberi pavaIsraeri kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakarukutika vakasazova nokushinga nokuda kwavaIsraeri. 2 Panguva iyoyo Jehovha akataura naJoshua akati, “Gadzira mapanga amatombo anopinza ugodzingisa vaIsraeri zvakare.” 3 Naizvozvo Joshua akagadzira mapanga amatombo akadzingisa vaIsraeri paGibhea Hararoti (chikomo chezvikanda zvepamberi). 4 Joshua akavadzingisa nokuda kwechikonzero ichi: Varume vose vakabuda muIjipiti, varume vezera rehondo, vakafira munzira mugwenga mushure mokubuda muIjipiti. 5 Vanhu vose vakabuda vakanga vadzingiswa asi vose vakaberekerwa mugwenga vachibva kuIjipiti vakanga vasina. 6 VaIsraeri vakanga vafamba mugwenga kwamakore makumi mana kusvikira varume vose vaiva vezera rehondo pavakabuda muIjipiti vafa, nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha. Nokuti Jehovha akanga apika kwavari kuti havaizoona nyika iyo yaakanga avimbisa madzitateguru avo kuti achatipa, nyika inoerera mukaka nouchi. 7 Zvino akasimudza vanakomana vavo pachinzvimbo chavo, uye ivava ndivo vakanga vasati vadzingiswa naJoshua. Vakanga vasati vadzingiswa nokuti havana kunge vadzingiswa munzira. 8 Shure kwokunge rudzi rwose rwadzingiswa, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora. 9 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kuzvidzwa kweIjipiti pamuri.” Saka nzvimbo iyoyo yakanzi Girigari, kusvikira nanhasi. 10 Madekwana ezuva regumi namana romwedzi, vaIsraeri vari pamisasa paGirigari pamapani eJeriko, vakapemberera Pasika. 11 Zuva raitevera shure kwePasika, musi wacho chaiwo, vakadya zvimwe zvezvibereko zvenyika iyoyo: chingwa chisina mbiriso nezviyo zvakakangwa. 12 Mana yakabva yaguma musi wakatevera shure kwokudya zvokudya zvenyika iyoyo; vaIsraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro. 13 Zvino Joshua akati ava pedyo neJeriko, akasimudza meso ake akaona murume amire pamberi pake akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake. Joshua akaenda kwaari akabvunza achiti, “Uri mumwe wedu here kana wavavengi vedu?” 14 Iye akapindura achiti, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake akanamata, uye akamubvunza achiti, “Ishe wangu, mune shoko reiko kumuranda wenyu?” 15 Mukuru wehondo yaJehovha akapindura achiti, “Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” Joshua akaita saizvozvo.

In Other Versions

Joshua 5 in the ANGEFD

Joshua 5 in the ANTPNG2D

Joshua 5 in the AS21

Joshua 5 in the BAGH

Joshua 5 in the BBPNG

Joshua 5 in the BBT1E

Joshua 5 in the BDS

Joshua 5 in the BEV

Joshua 5 in the BHAD

Joshua 5 in the BIB

Joshua 5 in the BLPT

Joshua 5 in the BNT

Joshua 5 in the BNTABOOT

Joshua 5 in the BNTLV

Joshua 5 in the BOATCB

Joshua 5 in the BOATCB2

Joshua 5 in the BOBCV

Joshua 5 in the BOCNT

Joshua 5 in the BOECS

Joshua 5 in the BOGWICC

Joshua 5 in the BOHCB

Joshua 5 in the BOHCV

Joshua 5 in the BOHLNT

Joshua 5 in the BOHNTLTAL

Joshua 5 in the BOICB

Joshua 5 in the BOILNTAP

Joshua 5 in the BOITCV

Joshua 5 in the BOKCV

Joshua 5 in the BOKCV2

Joshua 5 in the BOKHWOG

Joshua 5 in the BOKSSV

Joshua 5 in the BOLCB

Joshua 5 in the BOLCB2

Joshua 5 in the BOMCV

Joshua 5 in the BONAV

Joshua 5 in the BONCB

Joshua 5 in the BONLT

Joshua 5 in the BONUT2

Joshua 5 in the BOPLNT

Joshua 5 in the BOSNC

Joshua 5 in the BOTLNT

Joshua 5 in the BOVCB

Joshua 5 in the BOYCB

Joshua 5 in the BPBB

Joshua 5 in the BPH

Joshua 5 in the BSB

Joshua 5 in the CCB

Joshua 5 in the CUV

Joshua 5 in the CUVS

Joshua 5 in the DBT

Joshua 5 in the DGDNT

Joshua 5 in the DHNT

Joshua 5 in the DNT

Joshua 5 in the ELBE

Joshua 5 in the EMTV

Joshua 5 in the ESV

Joshua 5 in the FBV

Joshua 5 in the FEB

Joshua 5 in the GGMNT

Joshua 5 in the GNT

Joshua 5 in the HARY

Joshua 5 in the HNT

Joshua 5 in the IRVA

Joshua 5 in the IRVB

Joshua 5 in the IRVG

Joshua 5 in the IRVH

Joshua 5 in the IRVK

Joshua 5 in the IRVM

Joshua 5 in the IRVM2

Joshua 5 in the IRVO

Joshua 5 in the IRVP

Joshua 5 in the IRVT

Joshua 5 in the IRVT2

Joshua 5 in the IRVU

Joshua 5 in the ISVN

Joshua 5 in the JSNT

Joshua 5 in the KAPI

Joshua 5 in the KBT1ETNIK

Joshua 5 in the KBV

Joshua 5 in the KJV

Joshua 5 in the KNFD

Joshua 5 in the LBA

Joshua 5 in the LBLA

Joshua 5 in the LNT

Joshua 5 in the LSV

Joshua 5 in the MAAL

Joshua 5 in the MBV

Joshua 5 in the MBV2

Joshua 5 in the MHNT

Joshua 5 in the MKNFD

Joshua 5 in the MNG

Joshua 5 in the MNT

Joshua 5 in the MNT2

Joshua 5 in the MRS1T

Joshua 5 in the NAA

Joshua 5 in the NASB

Joshua 5 in the NBLA

Joshua 5 in the NBS

Joshua 5 in the NBVTP

Joshua 5 in the NET2

Joshua 5 in the NIV11

Joshua 5 in the NNT

Joshua 5 in the NNT2

Joshua 5 in the NNT3

Joshua 5 in the PDDPT

Joshua 5 in the PFNT

Joshua 5 in the RMNT

Joshua 5 in the SBIAS

Joshua 5 in the SBIBS

Joshua 5 in the SBIBS2

Joshua 5 in the SBICS

Joshua 5 in the SBIDS

Joshua 5 in the SBIGS

Joshua 5 in the SBIHS

Joshua 5 in the SBIIS

Joshua 5 in the SBIIS2

Joshua 5 in the SBIIS3

Joshua 5 in the SBIKS

Joshua 5 in the SBIKS2

Joshua 5 in the SBIMS

Joshua 5 in the SBIOS

Joshua 5 in the SBIPS

Joshua 5 in the SBISS

Joshua 5 in the SBITS

Joshua 5 in the SBITS2

Joshua 5 in the SBITS3

Joshua 5 in the SBITS4

Joshua 5 in the SBIUS

Joshua 5 in the SBIVS

Joshua 5 in the SBT

Joshua 5 in the SBT1E

Joshua 5 in the SCHL

Joshua 5 in the SNT

Joshua 5 in the SUSU

Joshua 5 in the SUSU2

Joshua 5 in the SYNO

Joshua 5 in the TBIAOTANT

Joshua 5 in the TBT1E

Joshua 5 in the TBT1E2

Joshua 5 in the TFTIP

Joshua 5 in the TFTU

Joshua 5 in the TGNTATF3T

Joshua 5 in the THAI

Joshua 5 in the TNFD

Joshua 5 in the TNT

Joshua 5 in the TNTIK

Joshua 5 in the TNTIL

Joshua 5 in the TNTIN

Joshua 5 in the TNTIP

Joshua 5 in the TNTIZ

Joshua 5 in the TOMA

Joshua 5 in the TTENT

Joshua 5 in the UBG

Joshua 5 in the UGV

Joshua 5 in the UGV2

Joshua 5 in the UGV3

Joshua 5 in the VBL

Joshua 5 in the VDCC

Joshua 5 in the YALU

Joshua 5 in the YAPE

Joshua 5 in the YBVTP

Joshua 5 in the ZBP