Leviticus 20 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe. 3 Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene. 4 Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya, 5 ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki. 6 “ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake. 7 “ ‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 8 Chengetai mitemo yangu mugoitevera. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene. 9 “ ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa. Atuka baba kana mai vake uye ropa rake richava pamusoro pake. 10 “ ‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa. 11 “ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababa vake azvidza baba vake. Vose murume nomukadzi vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo. 12 “ ‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo. 13 “ ‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo. 14 “ ‘Kana mumwe akawana mukadzi pamwe chete namai vake, zvakaipa. Vose iye naivo vanofanira kupiswa mumoto kuitira kuti pasawanikwe kuipa pakati penyu. 15 “ ‘Kana murume akavata nemhuka anofanira kuurayiwa uye munofanira kuuraya mhuka yacho. 16 “ ‘Kana mukadzi akaswedera kumhuka kuti avate nayo, urayai zvose mukadzi nemhuka yacho. Vanofanira kuurayiwa; ropa ravo richava pamusoro pavo. 17 “ ‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva. 18 “ ‘Kana murume akavata nomukadzi panguva yokuva kwake kumwedzi akasangana naye, afumura chaipo panobva kuyerera kwake, mukadziwo azvifumura. Vose vari vaviri vanofanira kubviswa pavanhu vokwavo. 19 “ ‘Usavata namainini kana vatete vako nokuti uku kuzvidza hama yapedyo; mose muri vaviri muchava nemhosva. 20 “ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababamunini vake azvidza babamunini vake. Vachava nemhosva; vachafa vasina vana. 21 “ ‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana womununʼuna ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana mununʼuna wake. Vachashaya vana. 22 “ ‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze. 23 Hamufaniri kutevera tsika dzendudzi dzandichadzinga pamberi penyu. Nokuti dzakaita zvinhu zvose izvi, ndikadzisema. 24 Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi. 25 “ ‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri. 26 Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kundudzi kuti muve vangu ndoga. 27 “ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”

In Other Versions

Leviticus 20 in the ANGEFD

Leviticus 20 in the ANTPNG2D

Leviticus 20 in the AS21

Leviticus 20 in the BAGH

Leviticus 20 in the BBPNG

Leviticus 20 in the BBT1E

Leviticus 20 in the BDS

Leviticus 20 in the BEV

Leviticus 20 in the BHAD

Leviticus 20 in the BIB

Leviticus 20 in the BLPT

Leviticus 20 in the BNT

Leviticus 20 in the BNTABOOT

Leviticus 20 in the BNTLV

Leviticus 20 in the BOATCB

Leviticus 20 in the BOATCB2

Leviticus 20 in the BOBCV

Leviticus 20 in the BOCNT

Leviticus 20 in the BOECS

Leviticus 20 in the BOGWICC

Leviticus 20 in the BOHCB

Leviticus 20 in the BOHCV

Leviticus 20 in the BOHLNT

Leviticus 20 in the BOHNTLTAL

Leviticus 20 in the BOICB

Leviticus 20 in the BOILNTAP

Leviticus 20 in the BOITCV

Leviticus 20 in the BOKCV

Leviticus 20 in the BOKCV2

Leviticus 20 in the BOKHWOG

Leviticus 20 in the BOKSSV

Leviticus 20 in the BOLCB

Leviticus 20 in the BOLCB2

Leviticus 20 in the BOMCV

Leviticus 20 in the BONAV

Leviticus 20 in the BONCB

Leviticus 20 in the BONLT

Leviticus 20 in the BONUT2

Leviticus 20 in the BOPLNT

Leviticus 20 in the BOSNC

Leviticus 20 in the BOTLNT

Leviticus 20 in the BOVCB

Leviticus 20 in the BOYCB

Leviticus 20 in the BPBB

Leviticus 20 in the BPH

Leviticus 20 in the BSB

Leviticus 20 in the CCB

Leviticus 20 in the CUV

Leviticus 20 in the CUVS

Leviticus 20 in the DBT

Leviticus 20 in the DGDNT

Leviticus 20 in the DHNT

Leviticus 20 in the DNT

Leviticus 20 in the ELBE

Leviticus 20 in the EMTV

Leviticus 20 in the ESV

Leviticus 20 in the FBV

Leviticus 20 in the FEB

Leviticus 20 in the GGMNT

Leviticus 20 in the GNT

Leviticus 20 in the HARY

Leviticus 20 in the HNT

Leviticus 20 in the IRVA

Leviticus 20 in the IRVB

Leviticus 20 in the IRVG

Leviticus 20 in the IRVH

Leviticus 20 in the IRVK

Leviticus 20 in the IRVM

Leviticus 20 in the IRVM2

Leviticus 20 in the IRVO

Leviticus 20 in the IRVP

Leviticus 20 in the IRVT

Leviticus 20 in the IRVT2

Leviticus 20 in the IRVU

Leviticus 20 in the ISVN

Leviticus 20 in the JSNT

Leviticus 20 in the KAPI

Leviticus 20 in the KBT1ETNIK

Leviticus 20 in the KBV

Leviticus 20 in the KJV

Leviticus 20 in the KNFD

Leviticus 20 in the LBA

Leviticus 20 in the LBLA

Leviticus 20 in the LNT

Leviticus 20 in the LSV

Leviticus 20 in the MAAL

Leviticus 20 in the MBV

Leviticus 20 in the MBV2

Leviticus 20 in the MHNT

Leviticus 20 in the MKNFD

Leviticus 20 in the MNG

Leviticus 20 in the MNT

Leviticus 20 in the MNT2

Leviticus 20 in the MRS1T

Leviticus 20 in the NAA

Leviticus 20 in the NASB

Leviticus 20 in the NBLA

Leviticus 20 in the NBS

Leviticus 20 in the NBVTP

Leviticus 20 in the NET2

Leviticus 20 in the NIV11

Leviticus 20 in the NNT

Leviticus 20 in the NNT2

Leviticus 20 in the NNT3

Leviticus 20 in the PDDPT

Leviticus 20 in the PFNT

Leviticus 20 in the RMNT

Leviticus 20 in the SBIAS

Leviticus 20 in the SBIBS

Leviticus 20 in the SBIBS2

Leviticus 20 in the SBICS

Leviticus 20 in the SBIDS

Leviticus 20 in the SBIGS

Leviticus 20 in the SBIHS

Leviticus 20 in the SBIIS

Leviticus 20 in the SBIIS2

Leviticus 20 in the SBIIS3

Leviticus 20 in the SBIKS

Leviticus 20 in the SBIKS2

Leviticus 20 in the SBIMS

Leviticus 20 in the SBIOS

Leviticus 20 in the SBIPS

Leviticus 20 in the SBISS

Leviticus 20 in the SBITS

Leviticus 20 in the SBITS2

Leviticus 20 in the SBITS3

Leviticus 20 in the SBITS4

Leviticus 20 in the SBIUS

Leviticus 20 in the SBIVS

Leviticus 20 in the SBT

Leviticus 20 in the SBT1E

Leviticus 20 in the SCHL

Leviticus 20 in the SNT

Leviticus 20 in the SUSU

Leviticus 20 in the SUSU2

Leviticus 20 in the SYNO

Leviticus 20 in the TBIAOTANT

Leviticus 20 in the TBT1E

Leviticus 20 in the TBT1E2

Leviticus 20 in the TFTIP

Leviticus 20 in the TFTU

Leviticus 20 in the TGNTATF3T

Leviticus 20 in the THAI

Leviticus 20 in the TNFD

Leviticus 20 in the TNT

Leviticus 20 in the TNTIK

Leviticus 20 in the TNTIL

Leviticus 20 in the TNTIN

Leviticus 20 in the TNTIP

Leviticus 20 in the TNTIZ

Leviticus 20 in the TOMA

Leviticus 20 in the TTENT

Leviticus 20 in the UBG

Leviticus 20 in the UGV

Leviticus 20 in the UGV2

Leviticus 20 in the UGV3

Leviticus 20 in the VBL

Leviticus 20 in the VDCC

Leviticus 20 in the YALU

Leviticus 20 in the YAPE

Leviticus 20 in the YBVTP

Leviticus 20 in the ZBP