Malachi 3 (BOSCB)

1 “Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 2 Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki. 3 Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama, 4 uye zvipiriso zveJudha neJerusarema zvichagamuchirwa naJehovha, sapamazuva akapfuura, sapamakore akare. 5 “Saka ndichaswedera kwamuri kuzotonga. Ndichakurumidza kupupura ndichipikisa varoyi, mhombwe uye navanopika nhema, navaya vanobiridzira vashandi migove yavo, vanodzvinyirira chirikadzi nenherera uye vasingaruramisiri vatorwa, uye vasingandityi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 6 “Ini Jehovha handishanduki. Saka imi, rudzi rwaJakobho, hamuna kuparadzwa. 7 Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.“Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’ 8 “Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira.“Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’“Pazvegumi nezvipiriso. 9 Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira. 10 Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa. 11 Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 12 “Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 13 Jehovha anoti, “Makataura zvinhu zvikukutu pamusoro pangu.”“Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takataureiko pamusoro penyu?’ 14 “Imi makati, ‘Hazvina maturo kushumira Mwari. Takawaneiko nokuita zvaakarayira uye zvatakafamba savachemi pamberi paJehovha Wamasimba Ose? 15 Asi zvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa. Zvirokwazvo vaiti vezvakaipa vanobudirira uye naivo vaya vanoedza Mwari vanopunyuka.’ ” 16 Ipapo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, uye Jehovha akateerera akanzwa. Bhuku rechirangaridzo rakanyorwa pamberi pake pamusoro pavanotya Jehovha uye nevanoremekedza zita rake. 17 “Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira. 18 Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama navakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.

In Other Versions

Malachi 3 in the ANGEFD

Malachi 3 in the ANTPNG2D

Malachi 3 in the AS21

Malachi 3 in the BAGH

Malachi 3 in the BBPNG

Malachi 3 in the BBT1E

Malachi 3 in the BDS

Malachi 3 in the BEV

Malachi 3 in the BHAD

Malachi 3 in the BIB

Malachi 3 in the BLPT

Malachi 3 in the BNT

Malachi 3 in the BNTABOOT

Malachi 3 in the BNTLV

Malachi 3 in the BOATCB

Malachi 3 in the BOATCB2

Malachi 3 in the BOBCV

Malachi 3 in the BOCNT

Malachi 3 in the BOECS

Malachi 3 in the BOGWICC

Malachi 3 in the BOHCB

Malachi 3 in the BOHCV

Malachi 3 in the BOHLNT

Malachi 3 in the BOHNTLTAL

Malachi 3 in the BOICB

Malachi 3 in the BOILNTAP

Malachi 3 in the BOITCV

Malachi 3 in the BOKCV

Malachi 3 in the BOKCV2

Malachi 3 in the BOKHWOG

Malachi 3 in the BOKSSV

Malachi 3 in the BOLCB

Malachi 3 in the BOLCB2

Malachi 3 in the BOMCV

Malachi 3 in the BONAV

Malachi 3 in the BONCB

Malachi 3 in the BONLT

Malachi 3 in the BONUT2

Malachi 3 in the BOPLNT

Malachi 3 in the BOSNC

Malachi 3 in the BOTLNT

Malachi 3 in the BOVCB

Malachi 3 in the BOYCB

Malachi 3 in the BPBB

Malachi 3 in the BPH

Malachi 3 in the BSB

Malachi 3 in the CCB

Malachi 3 in the CUV

Malachi 3 in the CUVS

Malachi 3 in the DBT

Malachi 3 in the DGDNT

Malachi 3 in the DHNT

Malachi 3 in the DNT

Malachi 3 in the ELBE

Malachi 3 in the EMTV

Malachi 3 in the ESV

Malachi 3 in the FBV

Malachi 3 in the FEB

Malachi 3 in the GGMNT

Malachi 3 in the GNT

Malachi 3 in the HARY

Malachi 3 in the HNT

Malachi 3 in the IRVA

Malachi 3 in the IRVB

Malachi 3 in the IRVG

Malachi 3 in the IRVH

Malachi 3 in the IRVK

Malachi 3 in the IRVM

Malachi 3 in the IRVM2

Malachi 3 in the IRVO

Malachi 3 in the IRVP

Malachi 3 in the IRVT

Malachi 3 in the IRVT2

Malachi 3 in the IRVU

Malachi 3 in the ISVN

Malachi 3 in the JSNT

Malachi 3 in the KAPI

Malachi 3 in the KBT1ETNIK

Malachi 3 in the KBV

Malachi 3 in the KJV

Malachi 3 in the KNFD

Malachi 3 in the LBA

Malachi 3 in the LBLA

Malachi 3 in the LNT

Malachi 3 in the LSV

Malachi 3 in the MAAL

Malachi 3 in the MBV

Malachi 3 in the MBV2

Malachi 3 in the MHNT

Malachi 3 in the MKNFD

Malachi 3 in the MNG

Malachi 3 in the MNT

Malachi 3 in the MNT2

Malachi 3 in the MRS1T

Malachi 3 in the NAA

Malachi 3 in the NASB

Malachi 3 in the NBLA

Malachi 3 in the NBS

Malachi 3 in the NBVTP

Malachi 3 in the NET2

Malachi 3 in the NIV11

Malachi 3 in the NNT

Malachi 3 in the NNT2

Malachi 3 in the NNT3

Malachi 3 in the PDDPT

Malachi 3 in the PFNT

Malachi 3 in the RMNT

Malachi 3 in the SBIAS

Malachi 3 in the SBIBS

Malachi 3 in the SBIBS2

Malachi 3 in the SBICS

Malachi 3 in the SBIDS

Malachi 3 in the SBIGS

Malachi 3 in the SBIHS

Malachi 3 in the SBIIS

Malachi 3 in the SBIIS2

Malachi 3 in the SBIIS3

Malachi 3 in the SBIKS

Malachi 3 in the SBIKS2

Malachi 3 in the SBIMS

Malachi 3 in the SBIOS

Malachi 3 in the SBIPS

Malachi 3 in the SBISS

Malachi 3 in the SBITS

Malachi 3 in the SBITS2

Malachi 3 in the SBITS3

Malachi 3 in the SBITS4

Malachi 3 in the SBIUS

Malachi 3 in the SBIVS

Malachi 3 in the SBT

Malachi 3 in the SBT1E

Malachi 3 in the SCHL

Malachi 3 in the SNT

Malachi 3 in the SUSU

Malachi 3 in the SUSU2

Malachi 3 in the SYNO

Malachi 3 in the TBIAOTANT

Malachi 3 in the TBT1E

Malachi 3 in the TBT1E2

Malachi 3 in the TFTIP

Malachi 3 in the TFTU

Malachi 3 in the TGNTATF3T

Malachi 3 in the THAI

Malachi 3 in the TNFD

Malachi 3 in the TNT

Malachi 3 in the TNTIK

Malachi 3 in the TNTIL

Malachi 3 in the TNTIN

Malachi 3 in the TNTIP

Malachi 3 in the TNTIZ

Malachi 3 in the TOMA

Malachi 3 in the TTENT

Malachi 3 in the UBG

Malachi 3 in the UGV

Malachi 3 in the UGV2

Malachi 3 in the UGV3

Malachi 3 in the VBL

Malachi 3 in the VDCC

Malachi 3 in the YALU

Malachi 3 in the YAPE

Malachi 3 in the YBVTP

Malachi 3 in the ZBP