Matthew 7 (BOSCB)
1 “Usatonga kuti newewo urege kutongwa. 2 Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. 3 “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? 4 Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? 5 Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. 6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai. 7 “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. 8 Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo. 9 “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe? 10 Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka? 11 Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira! 12 Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita. 13 “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. 14 Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana. 15 “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza. 16 Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato? 17 Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. 18 Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. 19 Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. 20 Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo. 21 “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. 22 Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ 23 Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’ 24 “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware. 25 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware. 26 Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. 27 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.” 28 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake, 29 nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.
In Other Versions
Matthew 7 in the ANGEFD
Matthew 7 in the ANTPNG2D
Matthew 7 in the AS21
Matthew 7 in the BAGH
Matthew 7 in the BBPNG
Matthew 7 in the BBT1E
Matthew 7 in the BDS
Matthew 7 in the BEV
Matthew 7 in the BHAD
Matthew 7 in the BIB
Matthew 7 in the BLPT
Matthew 7 in the BNT
Matthew 7 in the BNTABOOT
Matthew 7 in the BNTLV
Matthew 7 in the BOATCB
Matthew 7 in the BOATCB2
Matthew 7 in the BOBCV
Matthew 7 in the BOCNT
Matthew 7 in the BOECS
Matthew 7 in the BOGWICC
Matthew 7 in the BOHCB
Matthew 7 in the BOHCV
Matthew 7 in the BOHLNT
Matthew 7 in the BOHNTLTAL
Matthew 7 in the BOICB
Matthew 7 in the BOILNTAP
Matthew 7 in the BOITCV
Matthew 7 in the BOKCV
Matthew 7 in the BOKCV2
Matthew 7 in the BOKHWOG
Matthew 7 in the BOKSSV
Matthew 7 in the BOLCB
Matthew 7 in the BOLCB2
Matthew 7 in the BOMCV
Matthew 7 in the BONAV
Matthew 7 in the BONCB
Matthew 7 in the BONLT
Matthew 7 in the BONUT2
Matthew 7 in the BOPLNT
Matthew 7 in the BOSNC
Matthew 7 in the BOTLNT
Matthew 7 in the BOVCB
Matthew 7 in the BOYCB
Matthew 7 in the BPBB
Matthew 7 in the BPH
Matthew 7 in the BSB
Matthew 7 in the CCB
Matthew 7 in the CUV
Matthew 7 in the CUVS
Matthew 7 in the DBT
Matthew 7 in the DGDNT
Matthew 7 in the DHNT
Matthew 7 in the DNT
Matthew 7 in the ELBE
Matthew 7 in the EMTV
Matthew 7 in the ESV
Matthew 7 in the FBV
Matthew 7 in the FEB
Matthew 7 in the GGMNT
Matthew 7 in the GNT
Matthew 7 in the HARY
Matthew 7 in the HNT
Matthew 7 in the IRVA
Matthew 7 in the IRVB
Matthew 7 in the IRVG
Matthew 7 in the IRVH
Matthew 7 in the IRVK
Matthew 7 in the IRVM
Matthew 7 in the IRVM2
Matthew 7 in the IRVO
Matthew 7 in the IRVP
Matthew 7 in the IRVT
Matthew 7 in the IRVT2
Matthew 7 in the IRVU
Matthew 7 in the ISVN
Matthew 7 in the JSNT
Matthew 7 in the KAPI
Matthew 7 in the KBT1ETNIK
Matthew 7 in the KBV
Matthew 7 in the KJV
Matthew 7 in the KNFD
Matthew 7 in the LBA
Matthew 7 in the LBLA
Matthew 7 in the LNT
Matthew 7 in the LSV
Matthew 7 in the MAAL
Matthew 7 in the MBV
Matthew 7 in the MBV2
Matthew 7 in the MHNT
Matthew 7 in the MKNFD
Matthew 7 in the MNG
Matthew 7 in the MNT
Matthew 7 in the MNT2
Matthew 7 in the MRS1T
Matthew 7 in the NAA
Matthew 7 in the NASB
Matthew 7 in the NBLA
Matthew 7 in the NBS
Matthew 7 in the NBVTP
Matthew 7 in the NET2
Matthew 7 in the NIV11
Matthew 7 in the NNT
Matthew 7 in the NNT2
Matthew 7 in the NNT3
Matthew 7 in the PDDPT
Matthew 7 in the PFNT
Matthew 7 in the RMNT
Matthew 7 in the SBIAS
Matthew 7 in the SBIBS
Matthew 7 in the SBIBS2
Matthew 7 in the SBICS
Matthew 7 in the SBIDS
Matthew 7 in the SBIGS
Matthew 7 in the SBIHS
Matthew 7 in the SBIIS
Matthew 7 in the SBIIS2
Matthew 7 in the SBIIS3
Matthew 7 in the SBIKS
Matthew 7 in the SBIKS2
Matthew 7 in the SBIMS
Matthew 7 in the SBIOS
Matthew 7 in the SBIPS
Matthew 7 in the SBISS
Matthew 7 in the SBITS
Matthew 7 in the SBITS2
Matthew 7 in the SBITS3
Matthew 7 in the SBITS4
Matthew 7 in the SBIUS
Matthew 7 in the SBIVS
Matthew 7 in the SBT
Matthew 7 in the SBT1E
Matthew 7 in the SCHL
Matthew 7 in the SNT
Matthew 7 in the SUSU
Matthew 7 in the SUSU2
Matthew 7 in the SYNO
Matthew 7 in the TBIAOTANT
Matthew 7 in the TBT1E
Matthew 7 in the TBT1E2
Matthew 7 in the TFTIP
Matthew 7 in the TFTU
Matthew 7 in the TGNTATF3T
Matthew 7 in the THAI
Matthew 7 in the TNFD
Matthew 7 in the TNT
Matthew 7 in the TNTIK
Matthew 7 in the TNTIL
Matthew 7 in the TNTIN
Matthew 7 in the TNTIP
Matthew 7 in the TNTIZ
Matthew 7 in the TOMA
Matthew 7 in the TTENT
Matthew 7 in the UBG
Matthew 7 in the UGV
Matthew 7 in the UGV2
Matthew 7 in the UGV3
Matthew 7 in the VBL
Matthew 7 in the VDCC
Matthew 7 in the YALU
Matthew 7 in the YAPE
Matthew 7 in the YBVTP
Matthew 7 in the ZBP