Nehemiah 5 (BOSCB)

1 Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha. 2 Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama, tinofanira kuwana zviyo.” 3 Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.” 4 Vamwezve vakati, “Takatozokwereta mari kuti tiripe mutero wamambo weminda yedu neminda yemizambiringa. 5 Kunyange tiri venyama imwe uye tiri veropa rimwe savanhu venyika yedu, uye kunyange vanakomana vedu vakangofanana nevavo, takaguma taisa vanakomana vedu navanasikana vedu kuutapwa. Vamwe vavanasikana vedu vakatotapwa kare, asi isu hatina simba, nokuti minda yedu neminda yemizambiringa yava yavamwe.” 6 Pandakanzwa kuchema kwavo kukuru nezvairehwa izvi, ndakatsamwa kwazvo. 7 Zvino ndakazvirangarira mupfungwa dzangu ipapo ndikatsiura vakuru navabati ndikati kwavari, “Imi muri kureva mhindu kuvanhu venyika yenyu!” Saka ndakavakoka kumusangano mukuru kuti ndivarayire 8 uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kune vedzimwe ndudzi. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura. 9 Saka ndakaenderera mberi ndikati, “Zvamunoita hazvina kunaka. Ko, hamaifanira kufamba mukutya Mwari wedu here kuti vavengi vedu vechihedheni varege kutishora. 10 Ini nehama dzangu uye navaranda vangu tiri kukweretesa vanhu mari nezviyo. Asi izvo zvokureva mhindu ngazvigume! 11 Vadzorerei minda yavo nokukurumidza, neminda yavo yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo uyewo nemhindu yamunoripisa, chikamu chimwe chete muzana chemari, zviyo, newaini itsva uye namafuta.” 12 Ivo vakati, “Tichavadzorera. Uye hatichazorevi chimwe chinhuzve kubva kwavari. Tichaita sezvamareva.”Ipapo ndakadana vaprista ndikaita kuti vakuru navabati vaite mhiko kuti vagoita sezvavakanga vavimbisa. 13 Ndakazunzawo mikombero yenguo yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi kubva muimba yake nemidziyo yake, mumwe nomumwe asingachengeti vimbiso iyi. Naizvozvo, munhu akadai ngaazunzwe asare asina chinhu.”Ipapo ungano yose yakati, “Ameni,” uye vakarumbidza Jehovha. Uye vanhu vakaita sezvavakanga vavimbisa. 14 Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati. 15 Asi vabati vokutanga, avo vakanditangira, vairemedza vanhu uye vaitora kubva kwavari mashekeri makumi mana esirivha, pamusoro pezvo vachitorazve zvokudya newaini. Kunyange vabatsiri vavo vairemedzawo vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari. 16 Panzvimbo yaizvozvo, ndakazvipira kuita basa iri rorusvingo. Varanda vangu vose vakanga vakaungana pabasa ipapo; hatina kutombotora minda ipi zvayo. 17 Pamusoro paizvozvo, vaJudha zana namakumi mashanu navabati, pamwe chete navaHeti vaibva kundudzi dzakatikomberedza, vaidya patafura yangu. 18 Zuva rimwe nerimwe ndaigadzirirwa nzombe imwe, makwai akaisvonaka matanhatu nehuku, uye pagumi roga ramazuva ndaipiwa waini zhinji dzemhando dzose. Kunyange zvakadaro hazvo, handina kumbokumbira zvokudya zvomubati, nokuti mitoro yakanga yakatakudzwa vanhu ava yairema kwazvo. 19 Haiwa Mwari wangu, ndirangarirei henyu nenyasha, nokuda kwezvose zvandakaitira vanhu ava.

In Other Versions

Nehemiah 5 in the ANGEFD

Nehemiah 5 in the ANTPNG2D

Nehemiah 5 in the AS21

Nehemiah 5 in the BAGH

Nehemiah 5 in the BBPNG

Nehemiah 5 in the BBT1E

Nehemiah 5 in the BDS

Nehemiah 5 in the BEV

Nehemiah 5 in the BHAD

Nehemiah 5 in the BIB

Nehemiah 5 in the BLPT

Nehemiah 5 in the BNT

Nehemiah 5 in the BNTABOOT

Nehemiah 5 in the BNTLV

Nehemiah 5 in the BOATCB

Nehemiah 5 in the BOATCB2

Nehemiah 5 in the BOBCV

Nehemiah 5 in the BOCNT

Nehemiah 5 in the BOECS

Nehemiah 5 in the BOGWICC

Nehemiah 5 in the BOHCB

Nehemiah 5 in the BOHCV

Nehemiah 5 in the BOHLNT

Nehemiah 5 in the BOHNTLTAL

Nehemiah 5 in the BOICB

Nehemiah 5 in the BOILNTAP

Nehemiah 5 in the BOITCV

Nehemiah 5 in the BOKCV

Nehemiah 5 in the BOKCV2

Nehemiah 5 in the BOKHWOG

Nehemiah 5 in the BOKSSV

Nehemiah 5 in the BOLCB

Nehemiah 5 in the BOLCB2

Nehemiah 5 in the BOMCV

Nehemiah 5 in the BONAV

Nehemiah 5 in the BONCB

Nehemiah 5 in the BONLT

Nehemiah 5 in the BONUT2

Nehemiah 5 in the BOPLNT

Nehemiah 5 in the BOSNC

Nehemiah 5 in the BOTLNT

Nehemiah 5 in the BOVCB

Nehemiah 5 in the BOYCB

Nehemiah 5 in the BPBB

Nehemiah 5 in the BPH

Nehemiah 5 in the BSB

Nehemiah 5 in the CCB

Nehemiah 5 in the CUV

Nehemiah 5 in the CUVS

Nehemiah 5 in the DBT

Nehemiah 5 in the DGDNT

Nehemiah 5 in the DHNT

Nehemiah 5 in the DNT

Nehemiah 5 in the ELBE

Nehemiah 5 in the EMTV

Nehemiah 5 in the ESV

Nehemiah 5 in the FBV

Nehemiah 5 in the FEB

Nehemiah 5 in the GGMNT

Nehemiah 5 in the GNT

Nehemiah 5 in the HARY

Nehemiah 5 in the HNT

Nehemiah 5 in the IRVA

Nehemiah 5 in the IRVB

Nehemiah 5 in the IRVG

Nehemiah 5 in the IRVH

Nehemiah 5 in the IRVK

Nehemiah 5 in the IRVM

Nehemiah 5 in the IRVM2

Nehemiah 5 in the IRVO

Nehemiah 5 in the IRVP

Nehemiah 5 in the IRVT

Nehemiah 5 in the IRVT2

Nehemiah 5 in the IRVU

Nehemiah 5 in the ISVN

Nehemiah 5 in the JSNT

Nehemiah 5 in the KAPI

Nehemiah 5 in the KBT1ETNIK

Nehemiah 5 in the KBV

Nehemiah 5 in the KJV

Nehemiah 5 in the KNFD

Nehemiah 5 in the LBA

Nehemiah 5 in the LBLA

Nehemiah 5 in the LNT

Nehemiah 5 in the LSV

Nehemiah 5 in the MAAL

Nehemiah 5 in the MBV

Nehemiah 5 in the MBV2

Nehemiah 5 in the MHNT

Nehemiah 5 in the MKNFD

Nehemiah 5 in the MNG

Nehemiah 5 in the MNT

Nehemiah 5 in the MNT2

Nehemiah 5 in the MRS1T

Nehemiah 5 in the NAA

Nehemiah 5 in the NASB

Nehemiah 5 in the NBLA

Nehemiah 5 in the NBS

Nehemiah 5 in the NBVTP

Nehemiah 5 in the NET2

Nehemiah 5 in the NIV11

Nehemiah 5 in the NNT

Nehemiah 5 in the NNT2

Nehemiah 5 in the NNT3

Nehemiah 5 in the PDDPT

Nehemiah 5 in the PFNT

Nehemiah 5 in the RMNT

Nehemiah 5 in the SBIAS

Nehemiah 5 in the SBIBS

Nehemiah 5 in the SBIBS2

Nehemiah 5 in the SBICS

Nehemiah 5 in the SBIDS

Nehemiah 5 in the SBIGS

Nehemiah 5 in the SBIHS

Nehemiah 5 in the SBIIS

Nehemiah 5 in the SBIIS2

Nehemiah 5 in the SBIIS3

Nehemiah 5 in the SBIKS

Nehemiah 5 in the SBIKS2

Nehemiah 5 in the SBIMS

Nehemiah 5 in the SBIOS

Nehemiah 5 in the SBIPS

Nehemiah 5 in the SBISS

Nehemiah 5 in the SBITS

Nehemiah 5 in the SBITS2

Nehemiah 5 in the SBITS3

Nehemiah 5 in the SBITS4

Nehemiah 5 in the SBIUS

Nehemiah 5 in the SBIVS

Nehemiah 5 in the SBT

Nehemiah 5 in the SBT1E

Nehemiah 5 in the SCHL

Nehemiah 5 in the SNT

Nehemiah 5 in the SUSU

Nehemiah 5 in the SUSU2

Nehemiah 5 in the SYNO

Nehemiah 5 in the TBIAOTANT

Nehemiah 5 in the TBT1E

Nehemiah 5 in the TBT1E2

Nehemiah 5 in the TFTIP

Nehemiah 5 in the TFTU

Nehemiah 5 in the TGNTATF3T

Nehemiah 5 in the THAI

Nehemiah 5 in the TNFD

Nehemiah 5 in the TNT

Nehemiah 5 in the TNTIK

Nehemiah 5 in the TNTIL

Nehemiah 5 in the TNTIN

Nehemiah 5 in the TNTIP

Nehemiah 5 in the TNTIZ

Nehemiah 5 in the TOMA

Nehemiah 5 in the TTENT

Nehemiah 5 in the UBG

Nehemiah 5 in the UGV

Nehemiah 5 in the UGV2

Nehemiah 5 in the UGV3

Nehemiah 5 in the VBL

Nehemiah 5 in the VDCC

Nehemiah 5 in the YALU

Nehemiah 5 in the YAPE

Nehemiah 5 in the YBVTP

Nehemiah 5 in the ZBP