Numbers 13 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.” 3 Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri. 4 Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri; 5 kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori; 6 kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune; 7 kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa; 8 kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni; 9 kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu; 10 kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi; 11 kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi; 12 kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari; 13 kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri; 14 kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi; 15 kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki. 16 Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshea mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua). 17 Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwidzai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo. 18 Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji. 19 Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa? 20 Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa). 21 Naizvozvo vakakwidza vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati. 22 Vakakwidza vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti). 23 Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde. 24 Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri. 25 Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika. 26 Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika. 27 Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo. 28 Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko. 29 VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye nomunzvimbo inotevedza Jorodhani.” 30 Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwidza tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.” 31 Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.” 32 Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo. 33 Takaona vaNefirimi (izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi) ikoko. Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”

In Other Versions

Numbers 13 in the ANGEFD

Numbers 13 in the ANTPNG2D

Numbers 13 in the AS21

Numbers 13 in the BAGH

Numbers 13 in the BBPNG

Numbers 13 in the BBT1E

Numbers 13 in the BDS

Numbers 13 in the BEV

Numbers 13 in the BHAD

Numbers 13 in the BIB

Numbers 13 in the BLPT

Numbers 13 in the BNT

Numbers 13 in the BNTABOOT

Numbers 13 in the BNTLV

Numbers 13 in the BOATCB

Numbers 13 in the BOATCB2

Numbers 13 in the BOBCV

Numbers 13 in the BOCNT

Numbers 13 in the BOECS

Numbers 13 in the BOGWICC

Numbers 13 in the BOHCB

Numbers 13 in the BOHCV

Numbers 13 in the BOHLNT

Numbers 13 in the BOHNTLTAL

Numbers 13 in the BOICB

Numbers 13 in the BOILNTAP

Numbers 13 in the BOITCV

Numbers 13 in the BOKCV

Numbers 13 in the BOKCV2

Numbers 13 in the BOKHWOG

Numbers 13 in the BOKSSV

Numbers 13 in the BOLCB

Numbers 13 in the BOLCB2

Numbers 13 in the BOMCV

Numbers 13 in the BONAV

Numbers 13 in the BONCB

Numbers 13 in the BONLT

Numbers 13 in the BONUT2

Numbers 13 in the BOPLNT

Numbers 13 in the BOSNC

Numbers 13 in the BOTLNT

Numbers 13 in the BOVCB

Numbers 13 in the BOYCB

Numbers 13 in the BPBB

Numbers 13 in the BPH

Numbers 13 in the BSB

Numbers 13 in the CCB

Numbers 13 in the CUV

Numbers 13 in the CUVS

Numbers 13 in the DBT

Numbers 13 in the DGDNT

Numbers 13 in the DHNT

Numbers 13 in the DNT

Numbers 13 in the ELBE

Numbers 13 in the EMTV

Numbers 13 in the ESV

Numbers 13 in the FBV

Numbers 13 in the FEB

Numbers 13 in the GGMNT

Numbers 13 in the GNT

Numbers 13 in the HARY

Numbers 13 in the HNT

Numbers 13 in the IRVA

Numbers 13 in the IRVB

Numbers 13 in the IRVG

Numbers 13 in the IRVH

Numbers 13 in the IRVK

Numbers 13 in the IRVM

Numbers 13 in the IRVM2

Numbers 13 in the IRVO

Numbers 13 in the IRVP

Numbers 13 in the IRVT

Numbers 13 in the IRVT2

Numbers 13 in the IRVU

Numbers 13 in the ISVN

Numbers 13 in the JSNT

Numbers 13 in the KAPI

Numbers 13 in the KBT1ETNIK

Numbers 13 in the KBV

Numbers 13 in the KJV

Numbers 13 in the KNFD

Numbers 13 in the LBA

Numbers 13 in the LBLA

Numbers 13 in the LNT

Numbers 13 in the LSV

Numbers 13 in the MAAL

Numbers 13 in the MBV

Numbers 13 in the MBV2

Numbers 13 in the MHNT

Numbers 13 in the MKNFD

Numbers 13 in the MNG

Numbers 13 in the MNT

Numbers 13 in the MNT2

Numbers 13 in the MRS1T

Numbers 13 in the NAA

Numbers 13 in the NASB

Numbers 13 in the NBLA

Numbers 13 in the NBS

Numbers 13 in the NBVTP

Numbers 13 in the NET2

Numbers 13 in the NIV11

Numbers 13 in the NNT

Numbers 13 in the NNT2

Numbers 13 in the NNT3

Numbers 13 in the PDDPT

Numbers 13 in the PFNT

Numbers 13 in the RMNT

Numbers 13 in the SBIAS

Numbers 13 in the SBIBS

Numbers 13 in the SBIBS2

Numbers 13 in the SBICS

Numbers 13 in the SBIDS

Numbers 13 in the SBIGS

Numbers 13 in the SBIHS

Numbers 13 in the SBIIS

Numbers 13 in the SBIIS2

Numbers 13 in the SBIIS3

Numbers 13 in the SBIKS

Numbers 13 in the SBIKS2

Numbers 13 in the SBIMS

Numbers 13 in the SBIOS

Numbers 13 in the SBIPS

Numbers 13 in the SBISS

Numbers 13 in the SBITS

Numbers 13 in the SBITS2

Numbers 13 in the SBITS3

Numbers 13 in the SBITS4

Numbers 13 in the SBIUS

Numbers 13 in the SBIVS

Numbers 13 in the SBT

Numbers 13 in the SBT1E

Numbers 13 in the SCHL

Numbers 13 in the SNT

Numbers 13 in the SUSU

Numbers 13 in the SUSU2

Numbers 13 in the SYNO

Numbers 13 in the TBIAOTANT

Numbers 13 in the TBT1E

Numbers 13 in the TBT1E2

Numbers 13 in the TFTIP

Numbers 13 in the TFTU

Numbers 13 in the TGNTATF3T

Numbers 13 in the THAI

Numbers 13 in the TNFD

Numbers 13 in the TNT

Numbers 13 in the TNTIK

Numbers 13 in the TNTIL

Numbers 13 in the TNTIN

Numbers 13 in the TNTIP

Numbers 13 in the TNTIZ

Numbers 13 in the TOMA

Numbers 13 in the TTENT

Numbers 13 in the UBG

Numbers 13 in the UGV

Numbers 13 in the UGV2

Numbers 13 in the UGV3

Numbers 13 in the VBL

Numbers 13 in the VDCC

Numbers 13 in the YALU

Numbers 13 in the YAPE

Numbers 13 in the YBVTP

Numbers 13 in the ZBP