Numbers 33 (BOSCB)

1 Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni. 2 Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo: 3 VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose, 4 avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo. 5 VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti. 6 Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga. 7 Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori. 8 Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakadzika misasa paMara. 9 Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo. 10 Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku. 11 Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini. 12 Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika. 13 Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi. 14 Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. 15 Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai. 16 Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hataavha. 17 Vakabva paKibhuroti Hataavha vakandodzika misasa paHazeroti. 18 Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima. 19 Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi. 20 Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina. 21 Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa. 22 Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata. 23 Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi. 24 Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha. 25 Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti. 26 Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati. 27 Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera. 28 Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika. 29 Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona. 30 Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti. 31 Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani. 32 Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi. 33 Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata. 34 Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona. 35 Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri. 36 Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini. 37 Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu. 38 Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti. 39 Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori. 40 Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya. 41 Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona. 42 Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni. 43 Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhoti. 44 Vakabva paObhoti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu. 45 Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi. 46 Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi. 47 Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho. 48 Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko. 49 Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu. 50 Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, 51 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, 52 mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira. 53 Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu. 54 Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu. 55 “ ‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere. 56 Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’ ”

In Other Versions

Numbers 33 in the ANGEFD

Numbers 33 in the ANTPNG2D

Numbers 33 in the AS21

Numbers 33 in the BAGH

Numbers 33 in the BBPNG

Numbers 33 in the BBT1E

Numbers 33 in the BDS

Numbers 33 in the BEV

Numbers 33 in the BHAD

Numbers 33 in the BIB

Numbers 33 in the BLPT

Numbers 33 in the BNT

Numbers 33 in the BNTABOOT

Numbers 33 in the BNTLV

Numbers 33 in the BOATCB

Numbers 33 in the BOATCB2

Numbers 33 in the BOBCV

Numbers 33 in the BOCNT

Numbers 33 in the BOECS

Numbers 33 in the BOGWICC

Numbers 33 in the BOHCB

Numbers 33 in the BOHCV

Numbers 33 in the BOHLNT

Numbers 33 in the BOHNTLTAL

Numbers 33 in the BOICB

Numbers 33 in the BOILNTAP

Numbers 33 in the BOITCV

Numbers 33 in the BOKCV

Numbers 33 in the BOKCV2

Numbers 33 in the BOKHWOG

Numbers 33 in the BOKSSV

Numbers 33 in the BOLCB

Numbers 33 in the BOLCB2

Numbers 33 in the BOMCV

Numbers 33 in the BONAV

Numbers 33 in the BONCB

Numbers 33 in the BONLT

Numbers 33 in the BONUT2

Numbers 33 in the BOPLNT

Numbers 33 in the BOSNC

Numbers 33 in the BOTLNT

Numbers 33 in the BOVCB

Numbers 33 in the BOYCB

Numbers 33 in the BPBB

Numbers 33 in the BPH

Numbers 33 in the BSB

Numbers 33 in the CCB

Numbers 33 in the CUV

Numbers 33 in the CUVS

Numbers 33 in the DBT

Numbers 33 in the DGDNT

Numbers 33 in the DHNT

Numbers 33 in the DNT

Numbers 33 in the ELBE

Numbers 33 in the EMTV

Numbers 33 in the ESV

Numbers 33 in the FBV

Numbers 33 in the FEB

Numbers 33 in the GGMNT

Numbers 33 in the GNT

Numbers 33 in the HARY

Numbers 33 in the HNT

Numbers 33 in the IRVA

Numbers 33 in the IRVB

Numbers 33 in the IRVG

Numbers 33 in the IRVH

Numbers 33 in the IRVK

Numbers 33 in the IRVM

Numbers 33 in the IRVM2

Numbers 33 in the IRVO

Numbers 33 in the IRVP

Numbers 33 in the IRVT

Numbers 33 in the IRVT2

Numbers 33 in the IRVU

Numbers 33 in the ISVN

Numbers 33 in the JSNT

Numbers 33 in the KAPI

Numbers 33 in the KBT1ETNIK

Numbers 33 in the KBV

Numbers 33 in the KJV

Numbers 33 in the KNFD

Numbers 33 in the LBA

Numbers 33 in the LBLA

Numbers 33 in the LNT

Numbers 33 in the LSV

Numbers 33 in the MAAL

Numbers 33 in the MBV

Numbers 33 in the MBV2

Numbers 33 in the MHNT

Numbers 33 in the MKNFD

Numbers 33 in the MNG

Numbers 33 in the MNT

Numbers 33 in the MNT2

Numbers 33 in the MRS1T

Numbers 33 in the NAA

Numbers 33 in the NASB

Numbers 33 in the NBLA

Numbers 33 in the NBS

Numbers 33 in the NBVTP

Numbers 33 in the NET2

Numbers 33 in the NIV11

Numbers 33 in the NNT

Numbers 33 in the NNT2

Numbers 33 in the NNT3

Numbers 33 in the PDDPT

Numbers 33 in the PFNT

Numbers 33 in the RMNT

Numbers 33 in the SBIAS

Numbers 33 in the SBIBS

Numbers 33 in the SBIBS2

Numbers 33 in the SBICS

Numbers 33 in the SBIDS

Numbers 33 in the SBIGS

Numbers 33 in the SBIHS

Numbers 33 in the SBIIS

Numbers 33 in the SBIIS2

Numbers 33 in the SBIIS3

Numbers 33 in the SBIKS

Numbers 33 in the SBIKS2

Numbers 33 in the SBIMS

Numbers 33 in the SBIOS

Numbers 33 in the SBIPS

Numbers 33 in the SBISS

Numbers 33 in the SBITS

Numbers 33 in the SBITS2

Numbers 33 in the SBITS3

Numbers 33 in the SBITS4

Numbers 33 in the SBIUS

Numbers 33 in the SBIVS

Numbers 33 in the SBT

Numbers 33 in the SBT1E

Numbers 33 in the SCHL

Numbers 33 in the SNT

Numbers 33 in the SUSU

Numbers 33 in the SUSU2

Numbers 33 in the SYNO

Numbers 33 in the TBIAOTANT

Numbers 33 in the TBT1E

Numbers 33 in the TBT1E2

Numbers 33 in the TFTIP

Numbers 33 in the TFTU

Numbers 33 in the TGNTATF3T

Numbers 33 in the THAI

Numbers 33 in the TNFD

Numbers 33 in the TNT

Numbers 33 in the TNTIK

Numbers 33 in the TNTIL

Numbers 33 in the TNTIN

Numbers 33 in the TNTIP

Numbers 33 in the TNTIZ

Numbers 33 in the TOMA

Numbers 33 in the TTENT

Numbers 33 in the UBG

Numbers 33 in the UGV

Numbers 33 in the UGV2

Numbers 33 in the UGV3

Numbers 33 in the VBL

Numbers 33 in the VDCC

Numbers 33 in the YALU

Numbers 33 in the YAPE

Numbers 33 in the YBVTP

Numbers 33 in the ZBP