Philippians 1 (BOSCB)

1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. 3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. 4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro 5 nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, 6 ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu. 7 Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa nengetani kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari. 8 Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu. 9 Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, 10 kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, 11 muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari. 12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. 13 Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. 14 Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. 15 Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. 16 Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. 17 Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. 18 Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara.Hongu, uye ndicharamba ndichifara, 19 nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. 20 Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. 21 Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. 22 Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! 23 Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; 24 asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu. 25 Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu, 26 kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu. 27 Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri, 28 musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari. 29 Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake, 30 sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.

In Other Versions

Philippians 1 in the ANGEFD

Philippians 1 in the ANTPNG2D

Philippians 1 in the AS21

Philippians 1 in the BAGH

Philippians 1 in the BBPNG

Philippians 1 in the BBT1E

Philippians 1 in the BDS

Philippians 1 in the BEV

Philippians 1 in the BHAD

Philippians 1 in the BIB

Philippians 1 in the BLPT

Philippians 1 in the BNT

Philippians 1 in the BNTABOOT

Philippians 1 in the BNTLV

Philippians 1 in the BOATCB

Philippians 1 in the BOATCB2

Philippians 1 in the BOBCV

Philippians 1 in the BOCNT

Philippians 1 in the BOECS

Philippians 1 in the BOGWICC

Philippians 1 in the BOHCB

Philippians 1 in the BOHCV

Philippians 1 in the BOHLNT

Philippians 1 in the BOHNTLTAL

Philippians 1 in the BOICB

Philippians 1 in the BOILNTAP

Philippians 1 in the BOITCV

Philippians 1 in the BOKCV

Philippians 1 in the BOKCV2

Philippians 1 in the BOKHWOG

Philippians 1 in the BOKSSV

Philippians 1 in the BOLCB

Philippians 1 in the BOLCB2

Philippians 1 in the BOMCV

Philippians 1 in the BONAV

Philippians 1 in the BONCB

Philippians 1 in the BONLT

Philippians 1 in the BONUT2

Philippians 1 in the BOPLNT

Philippians 1 in the BOSNC

Philippians 1 in the BOTLNT

Philippians 1 in the BOVCB

Philippians 1 in the BOYCB

Philippians 1 in the BPBB

Philippians 1 in the BPH

Philippians 1 in the BSB

Philippians 1 in the CCB

Philippians 1 in the CUV

Philippians 1 in the CUVS

Philippians 1 in the DBT

Philippians 1 in the DGDNT

Philippians 1 in the DHNT

Philippians 1 in the DNT

Philippians 1 in the ELBE

Philippians 1 in the EMTV

Philippians 1 in the ESV

Philippians 1 in the FBV

Philippians 1 in the FEB

Philippians 1 in the GGMNT

Philippians 1 in the GNT

Philippians 1 in the HARY

Philippians 1 in the HNT

Philippians 1 in the IRVA

Philippians 1 in the IRVB

Philippians 1 in the IRVG

Philippians 1 in the IRVH

Philippians 1 in the IRVK

Philippians 1 in the IRVM

Philippians 1 in the IRVM2

Philippians 1 in the IRVO

Philippians 1 in the IRVP

Philippians 1 in the IRVT

Philippians 1 in the IRVT2

Philippians 1 in the IRVU

Philippians 1 in the ISVN

Philippians 1 in the JSNT

Philippians 1 in the KAPI

Philippians 1 in the KBT1ETNIK

Philippians 1 in the KBV

Philippians 1 in the KJV

Philippians 1 in the KNFD

Philippians 1 in the LBA

Philippians 1 in the LBLA

Philippians 1 in the LNT

Philippians 1 in the LSV

Philippians 1 in the MAAL

Philippians 1 in the MBV

Philippians 1 in the MBV2

Philippians 1 in the MHNT

Philippians 1 in the MKNFD

Philippians 1 in the MNG

Philippians 1 in the MNT

Philippians 1 in the MNT2

Philippians 1 in the MRS1T

Philippians 1 in the NAA

Philippians 1 in the NASB

Philippians 1 in the NBLA

Philippians 1 in the NBS

Philippians 1 in the NBVTP

Philippians 1 in the NET2

Philippians 1 in the NIV11

Philippians 1 in the NNT

Philippians 1 in the NNT2

Philippians 1 in the NNT3

Philippians 1 in the PDDPT

Philippians 1 in the PFNT

Philippians 1 in the RMNT

Philippians 1 in the SBIAS

Philippians 1 in the SBIBS

Philippians 1 in the SBIBS2

Philippians 1 in the SBICS

Philippians 1 in the SBIDS

Philippians 1 in the SBIGS

Philippians 1 in the SBIHS

Philippians 1 in the SBIIS

Philippians 1 in the SBIIS2

Philippians 1 in the SBIIS3

Philippians 1 in the SBIKS

Philippians 1 in the SBIKS2

Philippians 1 in the SBIMS

Philippians 1 in the SBIOS

Philippians 1 in the SBIPS

Philippians 1 in the SBISS

Philippians 1 in the SBITS

Philippians 1 in the SBITS2

Philippians 1 in the SBITS3

Philippians 1 in the SBITS4

Philippians 1 in the SBIUS

Philippians 1 in the SBIVS

Philippians 1 in the SBT

Philippians 1 in the SBT1E

Philippians 1 in the SCHL

Philippians 1 in the SNT

Philippians 1 in the SUSU

Philippians 1 in the SUSU2

Philippians 1 in the SYNO

Philippians 1 in the TBIAOTANT

Philippians 1 in the TBT1E

Philippians 1 in the TBT1E2

Philippians 1 in the TFTIP

Philippians 1 in the TFTU

Philippians 1 in the TGNTATF3T

Philippians 1 in the THAI

Philippians 1 in the TNFD

Philippians 1 in the TNT

Philippians 1 in the TNTIK

Philippians 1 in the TNTIL

Philippians 1 in the TNTIN

Philippians 1 in the TNTIP

Philippians 1 in the TNTIZ

Philippians 1 in the TOMA

Philippians 1 in the TTENT

Philippians 1 in the UBG

Philippians 1 in the UGV

Philippians 1 in the UGV2

Philippians 1 in the UGV3

Philippians 1 in the VBL

Philippians 1 in the VDCC

Philippians 1 in the YALU

Philippians 1 in the YAPE

Philippians 1 in the YBVTP

Philippians 1 in the ZBP