Proverbs 11 (BOSCB)
1 Jehovha anovenga zviero zvinonyengera,asi zviero zvakakwana zvinomufadza. 2 Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo,asi uchenjeri huri kune akazvininipisa. 3 Unhu hwavakarurama hunovatungamirira,asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo. 4 Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa,asi kururama kunorwira parufu. 5 Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo,asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo. 6 Kururama kwavakarurama kunovarwira,asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa. 7 Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara;zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa. 8 Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko,uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake. 9 Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake,asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka. 10 Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara;vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa. 11 Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama,guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa. 12 Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake,asi munhu anonzwisisa anodzora rurimi rwake. 13 Guhwa rinoparadza chivimbo,asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika. 14 Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara,asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo. 15 Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo,asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona. 16 Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa,asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete. 17 Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake,asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko. 18 Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera,asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi. 19 Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu,asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake. 20 Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa,asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa. 21 Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi,asi vakarurama vachasunungurwa. 22 Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve,ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere. 23 Chishuvo cheakarurama chinoguma mune zvakanaka chete,asi tariro yeakaipa inogumira mukutsamwirwa. 24 Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda;mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo. 25 Munhu anopavhurira achabudirira;uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo. 26 Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina,asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa. 27 Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha,asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka. 28 Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa,asi akarurama achanaka seshizha nyoro. 29 Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete,uye benzi richava muranda womunhu akachenjera. 30 Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu,uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera. 31 Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika,ko, kuzoti akaipa nomutadzi!
In Other Versions
Proverbs 11 in the ANGEFD
Proverbs 11 in the ANTPNG2D
Proverbs 11 in the AS21
Proverbs 11 in the BAGH
Proverbs 11 in the BBPNG
Proverbs 11 in the BBT1E
Proverbs 11 in the BDS
Proverbs 11 in the BEV
Proverbs 11 in the BHAD
Proverbs 11 in the BIB
Proverbs 11 in the BLPT
Proverbs 11 in the BNT
Proverbs 11 in the BNTABOOT
Proverbs 11 in the BNTLV
Proverbs 11 in the BOATCB
Proverbs 11 in the BOATCB2
Proverbs 11 in the BOBCV
Proverbs 11 in the BOCNT
Proverbs 11 in the BOECS
Proverbs 11 in the BOGWICC
Proverbs 11 in the BOHCB
Proverbs 11 in the BOHCV
Proverbs 11 in the BOHLNT
Proverbs 11 in the BOHNTLTAL
Proverbs 11 in the BOICB
Proverbs 11 in the BOILNTAP
Proverbs 11 in the BOITCV
Proverbs 11 in the BOKCV
Proverbs 11 in the BOKCV2
Proverbs 11 in the BOKHWOG
Proverbs 11 in the BOKSSV
Proverbs 11 in the BOLCB
Proverbs 11 in the BOLCB2
Proverbs 11 in the BOMCV
Proverbs 11 in the BONAV
Proverbs 11 in the BONCB
Proverbs 11 in the BONLT
Proverbs 11 in the BONUT2
Proverbs 11 in the BOPLNT
Proverbs 11 in the BOSNC
Proverbs 11 in the BOTLNT
Proverbs 11 in the BOVCB
Proverbs 11 in the BOYCB
Proverbs 11 in the BPBB
Proverbs 11 in the BPH
Proverbs 11 in the BSB
Proverbs 11 in the CCB
Proverbs 11 in the CUV
Proverbs 11 in the CUVS
Proverbs 11 in the DBT
Proverbs 11 in the DGDNT
Proverbs 11 in the DHNT
Proverbs 11 in the DNT
Proverbs 11 in the ELBE
Proverbs 11 in the EMTV
Proverbs 11 in the ESV
Proverbs 11 in the FBV
Proverbs 11 in the FEB
Proverbs 11 in the GGMNT
Proverbs 11 in the GNT
Proverbs 11 in the HARY
Proverbs 11 in the HNT
Proverbs 11 in the IRVA
Proverbs 11 in the IRVB
Proverbs 11 in the IRVG
Proverbs 11 in the IRVH
Proverbs 11 in the IRVK
Proverbs 11 in the IRVM
Proverbs 11 in the IRVM2
Proverbs 11 in the IRVO
Proverbs 11 in the IRVP
Proverbs 11 in the IRVT
Proverbs 11 in the IRVT2
Proverbs 11 in the IRVU
Proverbs 11 in the ISVN
Proverbs 11 in the JSNT
Proverbs 11 in the KAPI
Proverbs 11 in the KBT1ETNIK
Proverbs 11 in the KBV
Proverbs 11 in the KJV
Proverbs 11 in the KNFD
Proverbs 11 in the LBA
Proverbs 11 in the LBLA
Proverbs 11 in the LNT
Proverbs 11 in the LSV
Proverbs 11 in the MAAL
Proverbs 11 in the MBV
Proverbs 11 in the MBV2
Proverbs 11 in the MHNT
Proverbs 11 in the MKNFD
Proverbs 11 in the MNG
Proverbs 11 in the MNT
Proverbs 11 in the MNT2
Proverbs 11 in the MRS1T
Proverbs 11 in the NAA
Proverbs 11 in the NASB
Proverbs 11 in the NBLA
Proverbs 11 in the NBS
Proverbs 11 in the NBVTP
Proverbs 11 in the NET2
Proverbs 11 in the NIV11
Proverbs 11 in the NNT
Proverbs 11 in the NNT2
Proverbs 11 in the NNT3
Proverbs 11 in the PDDPT
Proverbs 11 in the PFNT
Proverbs 11 in the RMNT
Proverbs 11 in the SBIAS
Proverbs 11 in the SBIBS
Proverbs 11 in the SBIBS2
Proverbs 11 in the SBICS
Proverbs 11 in the SBIDS
Proverbs 11 in the SBIGS
Proverbs 11 in the SBIHS
Proverbs 11 in the SBIIS
Proverbs 11 in the SBIIS2
Proverbs 11 in the SBIIS3
Proverbs 11 in the SBIKS
Proverbs 11 in the SBIKS2
Proverbs 11 in the SBIMS
Proverbs 11 in the SBIOS
Proverbs 11 in the SBIPS
Proverbs 11 in the SBISS
Proverbs 11 in the SBITS
Proverbs 11 in the SBITS2
Proverbs 11 in the SBITS3
Proverbs 11 in the SBITS4
Proverbs 11 in the SBIUS
Proverbs 11 in the SBIVS
Proverbs 11 in the SBT
Proverbs 11 in the SBT1E
Proverbs 11 in the SCHL
Proverbs 11 in the SNT
Proverbs 11 in the SUSU
Proverbs 11 in the SUSU2
Proverbs 11 in the SYNO
Proverbs 11 in the TBIAOTANT
Proverbs 11 in the TBT1E
Proverbs 11 in the TBT1E2
Proverbs 11 in the TFTIP
Proverbs 11 in the TFTU
Proverbs 11 in the TGNTATF3T
Proverbs 11 in the THAI
Proverbs 11 in the TNFD
Proverbs 11 in the TNT
Proverbs 11 in the TNTIK
Proverbs 11 in the TNTIL
Proverbs 11 in the TNTIN
Proverbs 11 in the TNTIP
Proverbs 11 in the TNTIZ
Proverbs 11 in the TOMA
Proverbs 11 in the TTENT
Proverbs 11 in the UBG
Proverbs 11 in the UGV
Proverbs 11 in the UGV2
Proverbs 11 in the UGV3
Proverbs 11 in the VBL
Proverbs 11 in the VDCC
Proverbs 11 in the YALU
Proverbs 11 in the YAPE
Proverbs 11 in the YBVTP
Proverbs 11 in the ZBP