Proverbs 6 (BOSCB)
1 Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako,kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe, 2 kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura,wabatwa namashoko omuromo wako, 3 ipapo ita izvi, mwanakomana wangu,kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako!Enda undozvininipisa;ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako! 4 Usatendera meso ako hope,usatendera meso ako kutsumwaira. 5 Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi,seshiri kubva paugombe hwomuteyi. 6 Enda kusvosve, iwe simbe;cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera! 7 Harina mutungamiri,mutariri kana mutongi, 8 asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha,uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa. 9 Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe?Uchamuka riniko kubva pahope dzako? 10 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana,kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore. 11 Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo,uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa. 12 Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa,anofamba-famba achitaura zvakaora, 13 anochonya nameso ake,anonongedzera netsoka dzake,uye anodudzira neminwe yake, 14 anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make,iyeyo anogaromutsa kupesana. 15 Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma;achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira. 16 Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha,zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: 17 meso anozvikudza,rurimi runoreva nhema,maoko anodeura ropa risina mhosva, 18 mwoyo unoronga mano akaipa,tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa, 19 chapupu chenhema chinodurura nhema,uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama. 20 Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. 21 Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi;uzvishonge pamutsipa wako. 22 Paunofamba zvichakutungamirira;paucharara, zvichakurinda;pauchamuka, zvichataura newe. 23 Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza,uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu, 24 kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati,kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. 25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako,kana kumurega achikubata namaziso ake, 26 nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa,uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu. 27 Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake,nguo dzake dzikasatsva here? 28 Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa,tsoka dzake dzikasatsva here? 29 Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume;hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa. 30 Vanhu havazvidzi mbavhakana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya. 31 Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe,kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake. 32 Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere;ani naani anozviita anozviparadza iye pachake. 33 Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake,uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi; 34 nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume,uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva. 35 Haangagamuchiri muripo upi zvawo;acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
In Other Versions
Proverbs 6 in the ANGEFD
Proverbs 6 in the ANTPNG2D
Proverbs 6 in the AS21
Proverbs 6 in the BAGH
Proverbs 6 in the BBPNG
Proverbs 6 in the BBT1E
Proverbs 6 in the BDS
Proverbs 6 in the BEV
Proverbs 6 in the BHAD
Proverbs 6 in the BIB
Proverbs 6 in the BLPT
Proverbs 6 in the BNT
Proverbs 6 in the BNTABOOT
Proverbs 6 in the BNTLV
Proverbs 6 in the BOATCB
Proverbs 6 in the BOATCB2
Proverbs 6 in the BOBCV
Proverbs 6 in the BOCNT
Proverbs 6 in the BOECS
Proverbs 6 in the BOGWICC
Proverbs 6 in the BOHCB
Proverbs 6 in the BOHCV
Proverbs 6 in the BOHLNT
Proverbs 6 in the BOHNTLTAL
Proverbs 6 in the BOICB
Proverbs 6 in the BOILNTAP
Proverbs 6 in the BOITCV
Proverbs 6 in the BOKCV
Proverbs 6 in the BOKCV2
Proverbs 6 in the BOKHWOG
Proverbs 6 in the BOKSSV
Proverbs 6 in the BOLCB
Proverbs 6 in the BOLCB2
Proverbs 6 in the BOMCV
Proverbs 6 in the BONAV
Proverbs 6 in the BONCB
Proverbs 6 in the BONLT
Proverbs 6 in the BONUT2
Proverbs 6 in the BOPLNT
Proverbs 6 in the BOSNC
Proverbs 6 in the BOTLNT
Proverbs 6 in the BOVCB
Proverbs 6 in the BOYCB
Proverbs 6 in the BPBB
Proverbs 6 in the BPH
Proverbs 6 in the BSB
Proverbs 6 in the CCB
Proverbs 6 in the CUV
Proverbs 6 in the CUVS
Proverbs 6 in the DBT
Proverbs 6 in the DGDNT
Proverbs 6 in the DHNT
Proverbs 6 in the DNT
Proverbs 6 in the ELBE
Proverbs 6 in the EMTV
Proverbs 6 in the ESV
Proverbs 6 in the FBV
Proverbs 6 in the FEB
Proverbs 6 in the GGMNT
Proverbs 6 in the GNT
Proverbs 6 in the HARY
Proverbs 6 in the HNT
Proverbs 6 in the IRVA
Proverbs 6 in the IRVB
Proverbs 6 in the IRVG
Proverbs 6 in the IRVH
Proverbs 6 in the IRVK
Proverbs 6 in the IRVM
Proverbs 6 in the IRVM2
Proverbs 6 in the IRVO
Proverbs 6 in the IRVP
Proverbs 6 in the IRVT
Proverbs 6 in the IRVT2
Proverbs 6 in the IRVU
Proverbs 6 in the ISVN
Proverbs 6 in the JSNT
Proverbs 6 in the KAPI
Proverbs 6 in the KBT1ETNIK
Proverbs 6 in the KBV
Proverbs 6 in the KJV
Proverbs 6 in the KNFD
Proverbs 6 in the LBA
Proverbs 6 in the LBLA
Proverbs 6 in the LNT
Proverbs 6 in the LSV
Proverbs 6 in the MAAL
Proverbs 6 in the MBV
Proverbs 6 in the MBV2
Proverbs 6 in the MHNT
Proverbs 6 in the MKNFD
Proverbs 6 in the MNG
Proverbs 6 in the MNT
Proverbs 6 in the MNT2
Proverbs 6 in the MRS1T
Proverbs 6 in the NAA
Proverbs 6 in the NASB
Proverbs 6 in the NBLA
Proverbs 6 in the NBS
Proverbs 6 in the NBVTP
Proverbs 6 in the NET2
Proverbs 6 in the NIV11
Proverbs 6 in the NNT
Proverbs 6 in the NNT2
Proverbs 6 in the NNT3
Proverbs 6 in the PDDPT
Proverbs 6 in the PFNT
Proverbs 6 in the RMNT
Proverbs 6 in the SBIAS
Proverbs 6 in the SBIBS
Proverbs 6 in the SBIBS2
Proverbs 6 in the SBICS
Proverbs 6 in the SBIDS
Proverbs 6 in the SBIGS
Proverbs 6 in the SBIHS
Proverbs 6 in the SBIIS
Proverbs 6 in the SBIIS2
Proverbs 6 in the SBIIS3
Proverbs 6 in the SBIKS
Proverbs 6 in the SBIKS2
Proverbs 6 in the SBIMS
Proverbs 6 in the SBIOS
Proverbs 6 in the SBIPS
Proverbs 6 in the SBISS
Proverbs 6 in the SBITS
Proverbs 6 in the SBITS2
Proverbs 6 in the SBITS3
Proverbs 6 in the SBITS4
Proverbs 6 in the SBIUS
Proverbs 6 in the SBIVS
Proverbs 6 in the SBT
Proverbs 6 in the SBT1E
Proverbs 6 in the SCHL
Proverbs 6 in the SNT
Proverbs 6 in the SUSU
Proverbs 6 in the SUSU2
Proverbs 6 in the SYNO
Proverbs 6 in the TBIAOTANT
Proverbs 6 in the TBT1E
Proverbs 6 in the TBT1E2
Proverbs 6 in the TFTIP
Proverbs 6 in the TFTU
Proverbs 6 in the TGNTATF3T
Proverbs 6 in the THAI
Proverbs 6 in the TNFD
Proverbs 6 in the TNT
Proverbs 6 in the TNTIK
Proverbs 6 in the TNTIL
Proverbs 6 in the TNTIN
Proverbs 6 in the TNTIP
Proverbs 6 in the TNTIZ
Proverbs 6 in the TOMA
Proverbs 6 in the TTENT
Proverbs 6 in the UBG
Proverbs 6 in the UGV
Proverbs 6 in the UGV2
Proverbs 6 in the UGV3
Proverbs 6 in the VBL
Proverbs 6 in the VDCC
Proverbs 6 in the YALU
Proverbs 6 in the YAPE
Proverbs 6 in the YBVTP
Proverbs 6 in the ZBP