Psalms 1 (BOSCB)
1 Akaropafadzwa munhuasingafambi panorangana vakaipa,asingamiri panzira yavatadzi,asingagari pachigaro chavadadi. 2 Asi anofarira murayiro waJehovha,uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. 3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,unobereka michero yawo nenguva yawo,uye mashizha awo haasvavi.Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. 4 Vakaipa havana kudaro!Vakafanana nehundiinopepereswa nemhepo. 5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,kana vatadzi paungano yavakarurama. 6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.