Psalms 124 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Israeri ngaatidai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu, 2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedupatakarwiswa navanhu, 3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira,vangadai vakatimedza tiri vapenyu; 4 mafashamu angadai akatifukidza,mvura zhinji ingadai yakatikukura, 5 mvura zhinji ine hashaingadai yakatirasira kure. 6 Jehovha ngaarumbidzwe,asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. 7 Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi;rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. 8 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,Muiti wedenga nenyika.