Psalms 78 (BOSCB)

undefined Masikiri raAsafi. 1 Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu;teererai mashoko omuromo wangu. 2 Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo,ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare, 3 zvatakanzwa nezvatakaziva,zvatakaudzwa namadzibaba edu. 4 Hatingazozvivanziri vana vavo;tichaudza rudzi runoteveramabasa angarumbidzwa aJehovha,simba rake, nezvishamiso zvaakaita. 5 Akatema zvirevo zvaJakobhoakasimbisa murayiro muIsraeri,waakarayira madzitateguru edukuti vadzidzise vana vavo, 6 kuti rudzi runotevera ruzvizive,kunyange vana vachazoberekwa,naivo vagozoudzawo vana vavo. 7 Ipapo vachavimba naMwari wavouye havangazokanganwi mabasa akeasi vachazochengeta mirayiro yake. 8 Havazofanani namadzitateguru avo,rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira,mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari,mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari. 9 Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta,vakadzokera shure pazuva rokurwa; 10 havana kuchengeta sungano yaMwari,uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake. 11 Vakakanganwa zvaakaita,zvishamiso zvaakavaratidza. 12 Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avomunyika yeIjipiti, mudunhu reZoani. 13 Akapamura gungwa akavayambutsa napakati;akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo. 14 Akavatungamirira negore masikati,uye nechiedza chomoto usiku hwose. 15 Akapamura ruware mugwengaakavapa mvura yakawanda seyamakungwa; 16 akabudisa hova dzemvura paruwareakaita kuti iyerere seyenzizi. 17 Asi vakaramba vachingomutadzira,vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga. 18 Vakaedza Mwari nobwonivachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga. 19 Vakapopotera Mwari, vachiti,“Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here? 20 Paakarova dombo, mvura yakatubuka,uye hova dzakayerera mvura zhinji.Asi angagona kutipawo zvokudya here?Angavigira vanhu vake nyama here?” 21 Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo;moto wake ukaveserwa Jakobho,uye hasha dzake dzikamukira Israeri, 22 nokuti havana kutenda muna Mwarikana kuvimba nokurwira kwake. 23 Asi akarayira matenga kumusoroakazarura makonhi okumatenga; 24 akanayisa mana kuti vanhu vadye,akavapa zviyo zvokudenga. 25 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa;akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya. 26 Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga,uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake. 27 Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva,shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa. 28 Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo,dzakapoteredza matende avo ose. 29 Vakadya kusvikira vaguta kwazvo,nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga. 30 Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira,kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo, 31 kutsamwa kwaMwari kwakavamukira;akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo,akaparadza majaya eIsraeri. 32 Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza;kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda. 33 Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo,uye makore avo mukutya. 34 Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka;vaishingairira kudzokerazve kwaari. 35 Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo,kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo. 36 Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo,vachimurevera nhema nendimi dzavo; 37 mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari,vakanga vasina kutendeka pasungano yake. 38 Kunyange zvakadaroiye akavanzwira tsitsi;akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza.Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake,uye haana kumutsa hasha dzake dzose. 39 Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi,mhepo inopfuura isingadzoki. 40 Vakamumukira mugwenga kazhinji sei,uye vakamuitisa shungu murenje! 41 Vakaedza Mwari vamuedzazve;vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri. 42 Havana kurangarira simba rake,zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri, 43 zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti,zvishamiso zvake mudunhu reZoani. 44 Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa;havana kugona kunwa muhova dzavo. 45 Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza,uye matatya akavaparadza zvikuru. 46 Akapa zviyo zvavo kumagutagutanezvibereko zvavo kumhashu. 47 Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe,uye namaonde emionde yavo nechando. 48 Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe,nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni. 49 Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo,hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake,boka ravatumwa vokuparadza. 50 Akagadzira nzira yokutsamwa kwake;haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda. 51 Akauraya matangwe ose eIjipiti,chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu. 52 Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai;akavatungamirira samakwai nomugwenga. 53 Akavafambisa norugare,asi gungwa rakamedza vavengi vavo. 54 Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene,kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi. 55 Akadzinga ndudzi mberi kwavo,akagovera nyika yavo kwavari senhaka;akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo. 56 Asi vakaedza Mwariuye vakamukira Wokumusoro-soro;vakasachengeta zvirevo zvake. 57 Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo,vasingavimbiki souta hunonyengera. 58 Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira;vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. 59 Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo;akaramba Israeri zvachose. 60 Akasiya tabhenakeri yeShiro,iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu. 61 Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa,kubwinya kwake mumaoko omuvengi. 62 Akaisa vanhu vake kumunondo;akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo. 63 Moto wakaparadza majaya avo,uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa; 64 vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo,uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema. 65 Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira,somunhu amuka pakubatwa newaini. 66 Akarova vavengi vake vakadzokera shure;akavanyadzisa nokusingaperi. 67 Ipapo akaramba matende aJosefa,haana kusarudza rudzi rwaEfuremu; 68 asi akasarudza rudzi rwaJudha,Gomo reZioni, raakada. 69 Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira,senyika yaakasimbisa nokusingaperi. 70 Akasarudza Dhavhidhi muranda wake,akamutora kumatanga amakwai; 71 akamubvisa pakufudza makwaikuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho,vaIsraeri nhaka yake. 72 Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo;akavatungamirira namaoko ouchenjeri.

In Other Versions

Psalms 78 in the ANGEFD

Psalms 78 in the ANTPNG2D

Psalms 78 in the AS21

Psalms 78 in the BAGH

Psalms 78 in the BBPNG

Psalms 78 in the BBT1E

Psalms 78 in the BDS

Psalms 78 in the BEV

Psalms 78 in the BHAD

Psalms 78 in the BIB

Psalms 78 in the BLPT

Psalms 78 in the BNT

Psalms 78 in the BNTABOOT

Psalms 78 in the BNTLV

Psalms 78 in the BOATCB

Psalms 78 in the BOATCB2

Psalms 78 in the BOBCV

Psalms 78 in the BOCNT

Psalms 78 in the BOECS

Psalms 78 in the BOGWICC

Psalms 78 in the BOHCB

Psalms 78 in the BOHCV

Psalms 78 in the BOHLNT

Psalms 78 in the BOHNTLTAL

Psalms 78 in the BOICB

Psalms 78 in the BOILNTAP

Psalms 78 in the BOITCV

Psalms 78 in the BOKCV

Psalms 78 in the BOKCV2

Psalms 78 in the BOKHWOG

Psalms 78 in the BOKSSV

Psalms 78 in the BOLCB

Psalms 78 in the BOLCB2

Psalms 78 in the BOMCV

Psalms 78 in the BONAV

Psalms 78 in the BONCB

Psalms 78 in the BONLT

Psalms 78 in the BONUT2

Psalms 78 in the BOPLNT

Psalms 78 in the BOSNC

Psalms 78 in the BOTLNT

Psalms 78 in the BOVCB

Psalms 78 in the BOYCB

Psalms 78 in the BPBB

Psalms 78 in the BPH

Psalms 78 in the BSB

Psalms 78 in the CCB

Psalms 78 in the CUV

Psalms 78 in the CUVS

Psalms 78 in the DBT

Psalms 78 in the DGDNT

Psalms 78 in the DHNT

Psalms 78 in the DNT

Psalms 78 in the ELBE

Psalms 78 in the EMTV

Psalms 78 in the ESV

Psalms 78 in the FBV

Psalms 78 in the FEB

Psalms 78 in the GGMNT

Psalms 78 in the GNT

Psalms 78 in the HARY

Psalms 78 in the HNT

Psalms 78 in the IRVA

Psalms 78 in the IRVB

Psalms 78 in the IRVG

Psalms 78 in the IRVH

Psalms 78 in the IRVK

Psalms 78 in the IRVM

Psalms 78 in the IRVM2

Psalms 78 in the IRVO

Psalms 78 in the IRVP

Psalms 78 in the IRVT

Psalms 78 in the IRVT2

Psalms 78 in the IRVU

Psalms 78 in the ISVN

Psalms 78 in the JSNT

Psalms 78 in the KAPI

Psalms 78 in the KBT1ETNIK

Psalms 78 in the KBV

Psalms 78 in the KJV

Psalms 78 in the KNFD

Psalms 78 in the LBA

Psalms 78 in the LBLA

Psalms 78 in the LNT

Psalms 78 in the LSV

Psalms 78 in the MAAL

Psalms 78 in the MBV

Psalms 78 in the MBV2

Psalms 78 in the MHNT

Psalms 78 in the MKNFD

Psalms 78 in the MNG

Psalms 78 in the MNT

Psalms 78 in the MNT2

Psalms 78 in the MRS1T

Psalms 78 in the NAA

Psalms 78 in the NASB

Psalms 78 in the NBLA

Psalms 78 in the NBS

Psalms 78 in the NBVTP

Psalms 78 in the NET2

Psalms 78 in the NIV11

Psalms 78 in the NNT

Psalms 78 in the NNT2

Psalms 78 in the NNT3

Psalms 78 in the PDDPT

Psalms 78 in the PFNT

Psalms 78 in the RMNT

Psalms 78 in the SBIAS

Psalms 78 in the SBIBS

Psalms 78 in the SBIBS2

Psalms 78 in the SBICS

Psalms 78 in the SBIDS

Psalms 78 in the SBIGS

Psalms 78 in the SBIHS

Psalms 78 in the SBIIS

Psalms 78 in the SBIIS2

Psalms 78 in the SBIIS3

Psalms 78 in the SBIKS

Psalms 78 in the SBIKS2

Psalms 78 in the SBIMS

Psalms 78 in the SBIOS

Psalms 78 in the SBIPS

Psalms 78 in the SBISS

Psalms 78 in the SBITS

Psalms 78 in the SBITS2

Psalms 78 in the SBITS3

Psalms 78 in the SBITS4

Psalms 78 in the SBIUS

Psalms 78 in the SBIVS

Psalms 78 in the SBT

Psalms 78 in the SBT1E

Psalms 78 in the SCHL

Psalms 78 in the SNT

Psalms 78 in the SUSU

Psalms 78 in the SUSU2

Psalms 78 in the SYNO

Psalms 78 in the TBIAOTANT

Psalms 78 in the TBT1E

Psalms 78 in the TBT1E2

Psalms 78 in the TFTIP

Psalms 78 in the TFTU

Psalms 78 in the TGNTATF3T

Psalms 78 in the THAI

Psalms 78 in the TNFD

Psalms 78 in the TNT

Psalms 78 in the TNTIK

Psalms 78 in the TNTIL

Psalms 78 in the TNTIN

Psalms 78 in the TNTIP

Psalms 78 in the TNTIZ

Psalms 78 in the TOMA

Psalms 78 in the TTENT

Psalms 78 in the UBG

Psalms 78 in the UGV

Psalms 78 in the UGV2

Psalms 78 in the UGV3

Psalms 78 in the VBL

Psalms 78 in the VDCC

Psalms 78 in the YALU

Psalms 78 in the YAPE

Psalms 78 in the YBVTP

Psalms 78 in the ZBP